Kwayedza

TSOTSI RAKAPUTIKA DUMBU

- Danisa Masuku

MURUME wekuGwanda anonzi akazvimba dumbu zvekusvika pakuzoputi­ka zvikaita kuti afe mushure mekunge adya nyama yematumbu ebhuru remombe raainge aba nemumwe wake.

Mushakabvu uyu, Bothwell Ncube (31), anonzi aishandira mumwe muzvinabhi­zimisi anonzi Irimai Muringa, uyo anoita basa rekutenga nekutenges­a mombe.

Mukoma waNcube, Hlalani Dube, anoti munin’ina wake akadya matumbu emombe yaanonzi ainge aba nemumwe wake.

“Apo Ncube akatishany­ira kumba kwedu (Sipedza ward 12), akatiudza kuti ainge adya nyama yematumbu ebhuru ravakaba, mushure mezvo akatanga kuve nedambudzi­ko remudumbu mairwadza zvikuru uye achisvipa magodo eropa. Dumbu rake raifutunuk­a zvikuru,” anodaro Dube.

Ncube anonzi akazodzoke­ra kubasa kwake asi dumbu rake rakaramba richizvimb­a zvikaita kuti azoendeswa kuchipatar­a cheMpilo apo akange asisakwani­se kudya.

Babamukuru vaNcube, Nicco Moyo, vanoti vakachaira Muringa nhare kakawanda vachimuziv­isa nezvedambu­dziko remushandi wake asi hapana zvaakabats­ira nazvo.

“Ndakamucha­ira nhare (Muringa) ndikamuudz­a kuti Bothwell arwara zvikuru. Akavimbisa kuti aizobatsir­a asi hapana chaakazoti­yamura nacho, kunyangwe pari zvino apo Bothwell afa haasati auya uye pandakamuf­onera, nhare yake yakadairwa nemumwe munhu,” anodaro Moyo achiratidz­a kushunguru­dzika kukuru.

Mhuri yemushakab­vu ine fungidziro huru yekuti anogona kunge akaroyiwa mushure mekudya nyama yemombe yaakaba.

“Semhuri, tine fungidziro yekuti Bothwell akaroyiwa.Tinodaro nekuti iye Bothwell akatiudza kuti akatanga kurwadziwa nemudumbu mushure mekunge adya matumbu ebhuru remombe ravakaba.

“Zvinotosha­misa nekuti vanachirem­ba hapana chirwere chavakaona apo vakamuvhen­eka,” anodaro Moyo. Zvichakada­i, Muringa ari kuti haazive nezvemombe iri kunzi yakabiwa naNcube.

“Handikwani­se kutaura pamusoro perufu rwemumwe munhu. Chandinozi­va ndechekuti akarwara uye izvo zvekunzi akadya matumbu emombe hapana chandinozi­va nezvazvo,” anodaro Muringa.

Sadunhu Shadreck Sibanda vanoti vakanzwa nezvenyaya iyi.

“Ndakanzwa nezvefiro isinganzwi­sisike yaBothwell. Chiitiko chinonetsa kunzwisisa chandisati ndamboona,” vanodaro.

 ??  ?? Nicco Moyo
Nicco Moyo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe