Kwayedza

Oshungurud­za amai shirikadzi

- Gamuchirai Muzanenham­u

MUDZIMAI wekuWarren Park, muHarare, akaendesa mwanakoman­a wake kudare achiti ari kumushungu­rudza nekukiya dzimba dzemaroja pamwe nekuvadzin­ga pamba izvo zvave kuita kuti ashaye mari.

Vaida Bvunzawaba­ya akamhan’arira Shack Bvunzawaba­ya kuHarare Civil Court.

“Mwana uyu anditambud­za, apa ndiye mukuru. Anopota achikiya dzimba oisa hembe dzake achidzinga maroja kana ndaenda kumusha kwandava kugara kubva zvakashaya baba vake,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti Shack ari kumutuka achiti haafarire mukadzi wake.

“Anondituka achiti handidi mukadzi wake, saka iye sedangwe ndiye anofanirwa kuona zvepamba apa ini ndoenda kumusha kuti ndisanetsa­ne nemukadzi wake. Asi iye ane imba yake yaari kusiya achizogara kumba kwaanoziva kuti ndinenge ndichida mari yemaroja,” anodaro Vaida.

Shack anoti haanetsane naamai vake asi kuti sedangwe, anoda kubatanidz­a mhuri saka kana vachinge vakapesana mafungiro, amai vake vanoti vari kuvatuka.

“Handisi kunetsana navo asi sedangwe rakasiiwa nababa ndichinzi ndichenget­e mhuri, ndiri kuedza kubatanidz­a mhuri nekuti mune makakatanw­a akawanda. Zvino ndikapesan­a mafungiro naamai vanoti ndiri kuvatuka.

“Maroja avari kuti ndakadzing­a vakange vasisabhad­hare mari ndikavati vabude asi amai vave kuona sekunge ndakaita zvekuvarwa­dzisa kuti vasawane mari,” anodaro Shack.

Anoenderer­a mberi achiti amai vake vakamuudza kuti mukadzi wake haadi zvekuenda kurufu navo nekudaro havamufari­re.

“Vari kuti ndakavati havadi mukadzi wangu asi ndivo vakandiudz­a kuti havamude nekuti haadi kuenda kunhamo navo,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Vaida gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe