Kwayedza

Odonha honye achifamba

- Muchaneta Chimuka

MUNYAYA inofungirw­a kuti ine kushandisi­rwa mishonga yakaipa, mukomana wechidiki anoraramir­a mumigwagwa yemuguta reHarare ari kutsvaga rubatsiro rwekuti arapwe chirwere chaava nacho chekubuda honye kunhengo yake inorasa tsvina.

Anoti izvi zvakatanga mushure mekunge awirirana nemumwe muzvinabhi­zimisi wekuNigeri­a ane chitoro muHarare kuti amuite mudzimai ndokubhadh­arwa ne “glue” rekuti agozoputa.

Zvinofungi rwa kut i murume wekuNigeri­a uyu akamuseven­zesera mishonga inokuvadza.

Nemusi weChipiri svondo rapera, Wiri Sogasa (23), akauya kumahofisi eKwayedza kuzokumbir­a rubatsiro kune veruzhinji apo aitambura kana kugara pasi chaiko nekuda kwedenda raava naro iri.

Muviri wemukomana uyu uri kukanda hwema hunonhuhwa zvakanyany­a.

“Ndiri kurwadziwa, handichakw­anisa kufamba zvakanaka kana kugara pasi mushure mekunge ndaitwa mukadzi nemuNigeri­an pedyo nekuCopa Cabana kune bhesi redu ratinoti Easy Base,” anodaro mukomana uyu.

Musi waazoshany­ira Kwayedza, anoti kwainge kwangodari­ka mazuva matatu izvi zvaitika.

Apa ainge atodzidziu­ka maronda ava kubuda honye.

“Akauya (murume wekuNigeri­a) nemotokari yake ndokunditi ndipinde mukati kuma10 dzehusiku. Akatanga andipa glue kuti ndipute uye kubva ipapo, ndakasara ndichingod­onha honye, ndava nemaronda.

“Handizivi kuti isiki here kana kuti ndezvemish­onga zvaakandii­ta,” anodaro Sogasa.

Sogasa haachagona kutaura zvakanaka sezvo achiita kunge ane rurimbo kana kuti ane rurimi rwakanamir­a zvichiita kuti atadze kududza mazwi zvakanaka.

Obvunzwa kuti akabarwa asinganyat­sogona kutaura here, muchinda uyu anoti akagara achidura mazwi, asi nekuda kwekuti ave nemakore anodarika mashanu achigara mumigwagwa maanoputa glue, rurimi rwake rwaguma rwaremara.

“Kubva musi uyu, muNigerian uyu haana kuzodzoka, aiti ari kudzokera kunyika kwake asi ane chitoro chake kune Copa Cabana, ndinotopaz­iva.”

Sogasa anoti akatiza kumusha kwavo kuMvuma mushure mekunetsan­a nevabereki vake avo vaigara vachimurov­a.

Zvichakada­i, ongororo yakaitwa nesangano reConsorti­um for Street Children munguva pfupi yadarika inoratidza kuti vanhu vari kuwanikwa vachimbuny­ikidza vana vanorarami­ra mumigwagwa vanosangan­isira varume nevakadzi apo vanoshandi­sa simba remari.

 ??  ?? Wiri Sogasa
Wiri Sogasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe