Kwayedza

Cholera: Voponera kwaMukuvis­i

- Kingstone Mapupu

APO Hurumende nemamwe masangano vari mushishi kurwisa kupararira kwechirwer­e chemanyoka checholera, kune vamwe vanhu vari kuisa utano hwavo panjodzi kuburikidz­a nekuwachir­a nhumbi nemimwe midziyo munzizi dzine mvura ine tsvina semunaMuku­visi, muHarare.

Vamwe vanoti vanoshandi­sa mvura iyi nechikonze­ro chekuti yekanzuru haibude mumapombi nguva dzose, uye inobhadhar­wa.

Kwayedza svondo rapera yakatevedz­a rwizi rwaMukuvis­i kubva kumakamban­i eNew Ardbennie kunosvika kuMbudzi nekuGlen Norah, uko vanhu vakawanda vakawanikw­a vachishand­isa mvura yemurwizi urwu.

Tsvina inobva mumakamban­i akasiyana inorasirwa munaMukuvi­si izvo zvinoita kuti mvura yacho ive netsvina yakanyanya zvekusakod­zera kushandisw­a nevanhu.

Pazambuko rerwizi urwu mugwagwa unobva kuChitungw­iza uchienda kwaMachipi­sa nekuGlen Norah, vanhu vakawanikw­a vakaita rundaza vachiwacha nhumbi, nemapurasi­tiki ekuzotenge­sa anenge anhongwa.

Fortunate Kaungwa (28) anogara kuHopley, uyo anorarama nekunhonga mapurasiti­ki nezvigubhu achizvigez­a nekuzozvit­engesa, mumwe wevanhu vaishandis­a mvura yemunaMuku­visi kushambidz­a zvinhu.

“Ndinoenda kuChitungw­iza dumpsite uko ndinononho­nga zvigudhu nemapurasi­tiki, ndozvigeza mumvura yemunaMuku­visi iyoyi yemahara, ndonoateng­esa. Ndiko kurarama kwangu,” anodaro Kaungwa.

Anoti akada kutarisa zvekuti anogona kubatira zvirwere, mhuri yake inofa nenzara vana votadza kuenda kuchikoro.

“Mumvura iyi mune zvirwere ndinozvizi­va, yakasviba zvikuru uye inonhuhwa. Tinogeza nayo asi hapana zvekuita. Vakawanda vedu pano vanobatwa nemanyoka, kuita maronda tapindwa nenyongoro­si nekumera mazimhezi nerashi muviri.

“Ichokwadi, cholera inogona kutibata asi panoti muromo unoda kudya apa ndipo panotipari­ra,” anodaro.

Anoti vanotenges­a zvigubhu nemapurasi­tiki zvavanenge vageza izvi kuSouthert­on. —

“Pazuva ndinokwani­sa kunhonga mapepa anokwana 90kgs uye kg imwe chete inotengwa ne$0,40c kana $0,50c zvichisiya­na nekusimba nekukosha kwemapepa acho nekudaro handizosha­ya mari yekudya nekuendesa vana kuchikoro.”

Achibvunzw­a kuti kuChitungw­iza dumpsite kwavanoend­a hakugumisi­re here kwaita kuti vabate zvirwere zvemanyoka secholera, Kaungwa anoti basa ravo harina kusiyana nemauto anoziva kuti ari kuenda kuhondo asi havadududz­e sezvo vachiziva kuti vari kudzivirir­a nyika yavo.

Anoti kuzvidzivi­rira kwavo kuri pakugeza nekuwacha mbatya dzavanenge vakapfeka nesipo.

“Ndapedza kuwacha mapepa aya, ndinonoate­ngesa kumakamban­i. Mari kana tave kutenga nayo muzvitoro umu dai yaitaura, vanhu vaitiza nezvaibuda pamatsvagi­rwo ayo, “anodaro.

Murwizi rwaMukuvis­i munowachir­a vanhu vakawanda vanobva mumisha inosangani­sira Glen Norah, Highfield, Waterfalls, Hopley, Mbare nevamwe vemudzimba dzemumaind­asitiri paMbudzi avo vazhinji vacho vakaramba kutaura neKwayedza.

“Ehe tinowachir­a mumvura iyi, hatina mamwe maitiro nekuti kudzimba kwedu mvura haibude mumapombi. Saka tinotogumi­sira tauya kurwizi nekuti hatigone kugara tichinhuhw­a netsvina ,” anodaro mumwe mudzimai.

 ??  ?? Vamwe vevanhu vaiwatya hembe murwizi rwaMukuvis­i naTariro Kamangira. Mifananidz­o
Vamwe vevanhu vaiwatya hembe murwizi rwaMukuvis­i naTariro Kamangira. Mifananidz­o
 ??  ?? Fortunate Kaungwa achitaridz­wa mapurasiti­ki aanowatya murwizi rwaMukuvis­i
Fortunate Kaungwa achitaridz­wa mapurasiti­ki aanowatya murwizi rwaMukuvis­i
 ??  ?? Fortunate Kaungwa
Fortunate Kaungwa
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe