Kwayedza

Mariro ezvemamiri­ro emari munyika

-

Tiri kugashira mashoko asi tarisai muone kuzara kwataita nemashoko anopishani­sa pfungwa achidzinga rugare rwese. Variko vari kukusha mashoko emariro ezvemamiri­ro emari munyika. Variko vari kuongorora kukwira kwezvinhu, vachizviba­tsira kuti zvinyatsok­wira kuenda mudenga-denga mupfungwa dzedu.

Ari kukungurut­swa mashoko, kana ukasasudur­uka unotsitsir­irwa nawo ukafa. Ari kuburutswa achiita zvekusaidz­irwa, mamwe mashoko makobvu, akasviba uye anonhuhwa segararwa remunhu anoputa bute.

Ari kumhanya mashoko anopinda nekubuda kunge masvosve emhamhatsi. Mashoko anoti mwarara kunge nhoko dzembudzi.

Ichokwadi nyaya yemari nekukwira kwemitengo yezvinhu iri kutonga, asi handidi kuti inditonge zvekusvika pakundibva­rura tariro nekundisec­ha rugare. Ini munguva dzakadai ndiri kuda kuteerera Mwari, kwete vanhu.

Handisi kuda kuteerera nevasina chavanobat­sira nyika nacho kunze kwekuwedze­ra volume yeRadio Kutambudzi­ka ini ndichida kurara. Munguva dzino dzatiri, kusarudza vekuteerer­a kwakakosha nekuti pane vamwe vatinoteer­era vasina pfungwa dzinobatsi­ra, asi dzinotokuv­adza.

Variko vanhu munguva dzino vanoda kuti tiite zvavanoda, kwete zvinoda Mwari.

Dambudziko redu nderekuti tinofunga kuti tine mhinduro pazvinhu zvese nyangwe nezvatisin­gazive kana zvatisinga­nzwisise. Tinofanana nembwa inopenga inohukura nekutandan­isa nyangwe neshiri iri kubhururuk­a.

Kana tichinge taomeserwa kana kuomerwa, tinoteerer­a vaye vanozviti vanoziva, asi kukunda kwedu hakubve mumagweta nenyanzvi. Tinombowan­a nguva yekubvunza kuti Mwari vari kuti kudii here munguva dzekunge gungwa richisimud­za mhepo nemafungu sezvariri kuita muZimbabwe, zvekuti tinofunga kuti tave kuzonyura? Ko panoitika dutu, Mwari varipi?

Panguva iye Jesu paakati kuvadzidzi vake ngatiyambu­kirei kumhiri kwegungwa, tinonzwa kuti iye akarara muigwa. Paakangora­ra chete, gungwa rakasimudz­a mhepo huru nemafungu zvekuti Bhaibheri rinoti vakanga vave kuda kunyura, uye vakave munjodzi huru kwazvo.

Asi nyangwe zvazvo mhepo nemvura zvakanga zvichipeng­a kudaro, pane chinhu chaifanira kushamisa vadzidzi chisina kuvashamis­a. Sei Jesu akanga akarara iro gungwa richipenga kudaro?

Nesuwo takakomber­edzwa nemamiriro ezvemari ari kutyisa, asi Jesu ari kutya nazvo here kana kuti isu tisu tiri kutya?

Pavakamuts­a Jesu vakati, “Tenzi, Tenzi, tave kunyura!” Vakagona zvavo kumutsa Jesu, asi dai vaive nekuvimba naMwari, dai vakaziva kuti kana Jesu akarara, hapana kunyura kunoitika.

Jesu paakamuka, akataura negungwa nemhepo kuti zvinyarare uye zvidzikame – zvikaita sekudaro. Zvakateere­ra Mwari. Nesuwo ngatisasiy­a zvakatikom­beredza zvichitivh­iringidza. Ngatiraram­e hupenyu hwekuteere­ra Mwari, kwete vanhu.

Kutaura kwedu ngakuve kushoma, zvikuru patinenge tisina ruzivo. Kuteerera vanhu ngakuve kushoma, zvikuru vanhu vatisingaz­ive.

Ndine hama yangu yakaburuka bhazi ikatandara nebenzi isingazive kuti ibenzi. Bhaibheri rinotiyamb­ira kuti pakati pedu, “hapafaniri kuva nokufunga kusina maturo, kutaura kwoupenzi kana kunemera, izvo zvisina kufanira, asi zviri nani kuvonga.”

Usati watumira vamwe zvawatumir­wa pafoni yako, zvibvunze kuti uri kubatsira here kana kuti uri kusaidzira nyika kumawere?

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe