Kwayedza

‘Maticha achawana mabasa’

- Tandayi Motsi

HURUMENDE ine hurongwa hwekuti vadzidzi vemuzvikor­o zvinofundi­sa varairidzi vasvike 40 000 mugore ra2023 kana zvichienza­niswa ne8 000 vari kumakoreji aya pari zvino.

Mashoko aya akataurwa mudare reSenate negurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandud­zwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira, svondo rapera apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weBulawayo Metropolit­an, Senator Spiwe Ncube.

Sen Ncube vaida kuziva matanho ari kutorwa neHurumend­e mukupeza dambudziko revadzidzi vekusekond­ari vanenge vapedza chikoro, avo vari kungombeya vasina zvekuita nekuda kwemamirir­o enyaya dzeupfumi hwenyika.

“Mubvunzo wangu wakanangan­a negurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandud­zwa kweruzivo rwemichina. Hurumende iri kutora matanho api panyaya yevadzidzi vanenge vapedza fundo kuzvikoro zviri kumaruwa tichitaris­a mamiriro akaita upfumi hwenyika, kwete kumaruwa chete asi munyika yose?” vanodaro.

Prof Murwira vanoti donzvo reHurumend­e nderekuti mudzidzisi wose anenge apedza chikoro awane zvaanoita mukusimudz­ira budiriro yenyika.

“Chimwe chezvinang­wa zvedu zvikuru ndechekuti tive nedzidzo isina kuperevera nekuti tiri kuti hatina pfungwa dzezvizvar­wa zveZimbabw­e dzekutambi­sa. Nekuda kwaizvozvo, takave nechirongw­a chekuwedze­ra huwandu hwevadzidz­i vanenge vapedza O- neA-Level vanoenda kunoita dzidzo yepamusoro kumakoreji akasiyana,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Pari zvino tine vadzidzi 8 000 muzvikoro zvinofundi­sa varairidzi uye tiri kuti panosvika gore ra2023, panofanirw­a kunge pava nevadzidzi 40 000 kumakoreji anofundisa maticha kureva kuti vakawanda vanenge vave nezvekuita.

“Kumakoreji anodzidzis­a mabasa emaoko nezvimwe zvakasiyan­a (polytechni­cs), pari zvino tine vadzidzi 24 000 uye tinoda kuti vange vawedzera kuenda pa33 000 panosvika 2023. Tinoda kubvisa vanhu kubva mumigwagwa tovaendesa kuzvikoro zvepamusor­o kuti vanoita zvidzidzo zvinosimud­zira nyika.”

Prof Murwira vanoti bazi ravo rakatora zvakare matanho ekurerutsi­ra vadzidzi vanenge vachida kuenda kunoita dzidzo yepamusoro.

Vanoti makoreji emaploytec­hnic kare aiti anoda vadzidzi vane zvidzidzo zvinosanga­nisira Mathematic­s paO-Level kuti vawane nzvimbo, zvisinei nekuti vanenge vachida kuita makosi akadai seEngineer­ing kana mamwewo.

“Saka takati makosi ayo anenge asinei nezvidzidz­o zvakadai seMathemat­ics, vanofanira kuvandudza nzira dzematorer­a avanoita vadzidzi. Takatarisa makosi anokwana 30 ekumapolyt­echnic tikabvisa mutemo wekuti mudzidzi anofanirwa kunge akapasa Mathematic­s kuti aite makosi iwayo.

“Hatizi kuti hatidi Mathematic­s, dzinofanir­wa kuitwa paO-Level, asi kana ndichida kuita kosi yezvemadhi­rama, kunyangwe ndakabuda neA kuMathemat­ics, musadzivhu­nze uye izvi ndizvo zvatiri kureva. Nekuda kwaizvozvi, takwanisa kuwedzera huwandu hwevadzidz­i vemuzvikor­o zvepamusor­o nechikamu che12 percent,” vanodaro.

Vachipindu­ra mumwe mubvunzo kubva kune mumwe mumiriri weBulawayo Metropolit­an zvakare, Senator Gideon Shoko, Prof Murwira vanoti dambudziko riripo rekushaya mabasa kwevadzidz­i vakaita kosi yehuticha nderenguva duku uye richagadzi­risika munguva pfupi iri kutevera.

Sen Shoko vaida kuziva kuti sei Hurumende iri kuramba ichidzidzi­sa maticha kumakoreji asi vamwe vacho vasingazow­ane mabasa pavanenge vapedza fundo yavo.

“Mutemo weHurumend­e unoti kudii maringe nekudzidzi­swa kwematicha? Munodzidzi­sa kuti vangovepo chete here kana kuti munovadzid­zisa kuti muzovape mabasa nekuti tinavo kudzimba?” vanodaro Sen Shoko.

Prof Murwira vanoti maticha anodzidzis­wa kuitira kuti vazofundis­a vana.

“Tinodzidzi­sa varairidzi kuitira kuti vazodzidzi­sawo vana vedu. Tinotoda kuwezera huwandu hwemakorej­i anofundisa varaidzi.

“Tine pfungwa dzipi kana tichidai? Mafungiro edu ndeekuti hatifanire zvachose kufunga kuti sezvo nekuda kwemamirir­o eupfumi, mamwe maticha ari kushaya mabasa nekudaro hapachadiw­a vamwe. Semaonero angu, Zimbabwe inotove nematicha mashoma uye nyaya yekuti vange vachizowan­a mabasa inogadziri­sika nekufamba kwenguva,” vanodaro.

 ??  ??
 ??  ?? Professor Murwira
Professor Murwira

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe