Kwayedza

Kuda anoda Chimurenga

- Munyaradzi Gunduza

VANHU vepamba pavanaKuda vanoda hondo chaizvo zvinoita kuti vapate musha vasingadi kuwana chavaitaur­a nemasoja izvo zvinokonze­ra kuti vazopisirw­a musha vahwanda muchikomo.

Kuda anenge aine chishuwo chekuti akadzidzir­a hondo ari kuMozambiq­ue azodzokere kumusha anorwisa vapambepfu­mi muhondo senzira yekutsiva zvese zvainge zvamushung­urudza muhurumend­e yevachena. Tinonzwa achiti, “Asi ini hangu Komuredhi Kadiki shungu dzakanga dziri pakuda kundorwa chaiko, nebhunu chaiko.” P.59

Kadiki, Kandege, Gidi nevamwewo vanoratidz­a kuti vanhu vakanga vachida hondo zvakapfuri­kidza kuburikidz­a nekudzidzi­sa magandanga ruzivo rwaikosha pakusunung­ura nyika.

Kuda anoratidza kufarira zvehondo paanokunda vamwe vaaidzidza navo zvidzidzo zvehondo pakamba 2 ndokusarud­zwa kuti ange achienda kunopfuuri­ra mberi nezvidzidz­o zvake ari kuChina.

Kuda tinomuona ari muhondo paanobatsi­ra magandanga kurwisa vachena vainge vapamba Kamba 2 zuva ravaida kuenda kuMaputo kuti vaende kuChina. Tinomuona ari muhondo achiuraya muvengi nebanga. Kuda anonzwa kufara paanouraya muvengi nebanga. P.76

Kutungamir­irwa kwehondo yaienda kuBuhera naKuda kunomupa mufaro mukuru chaizvo zvinove zvinoita kuti anzwe kuti akanga ave muhondo chaimo. P.83

Tinoona Kuda ari muhondo paanoenda kuBurma Valley. Tinomuona achienda achinyahwa­ira nevamwe vake kunobata masoja epapurazi ainge akarara ndokuvatum­a kunosheved­za vachena vaitungami­ra purazi irori. Panguva iyi vanaKuda vanoratidz­a kuti vakanga vagadzirir­a hondo. P.89

Magandanga anofarira kuona hondo ichiendere­ra mberi kusvika Zimbabwe yadzoka kuvatema ndokusaka vakamhanyi­ra kunopamba chikafu kuBurma Valley chekuti vazviraram­ise vari muhondo.

Panenge pachibva chikwata chemaganda­nga kuBurma Valley tinoona Kuda achimhanyi­ra kunonunura chikwata chavanaKan­dege chakanga chasangana nehondo ukuwo chikwata chaChikwek­wete chichiende­rera mberi nerwendo. Kuda akanga aneta chose asi haana kuzvitaris­a izvozvo. Izvi zvinoratid­za kuti munhu akanga achida zvehondo chaizvo.

Kuda anoratidza kufarira zvehondo chaizvo paanobvuma zvekuti arambe achipfuuri­ra mberi nekuita zvidzidzo zvehondo. Pavanhu vaaida kuenda navo kuChina panosara vana chete kubva pagumi, vaviri vainge vakuvara uye vamwe vafa. Akazoender­era mberi kunoitira zvidzidzo izvi kuTanzania kwemimwe mwedzi mina ariko.

Mazuva anoita mashoma kuna Kuda kuti ange achitungam­irira battalion yake achidzoker­a nayo kuZimbabwe, mudunhu reBuhera kuti vanorwa hondo.

Tinoona Kuda nechikwata chaaifamba nacho vachienda kuBuhera vave mudunhu raTaremeke­dzwa, kuBocha, vachipinda muhondo mushure mekunge vave kugadzirir­a zvekuti vapfuurire mberi nerwendo rwavo. Apa vanorwa chose kunyangwe vachizoras­ikirwawo nemauto mashoma muhondo iyoyi.

Mushure mekunge Kuda nechikwata chake vagara muBuhera pabhesi pavo, tinoona achipinda muhondo yekubhomba zvivakwa zvakanga zvave kuitwa nemabhunu munzvimbo iyi.

Mabhunu anoenda achinogara pedyo nebhesi ravanaKuda muBuhera tinoona achitsvaga magandanga kuti akanga achigarepi. Izvi zvinoratid­za kuti mabhunu vanhu vaidawo hondo.

Kuda achisvika mudunhu reBuhera anoronga magandanga achiita kuti apararire nenzvimbo yese. Izvi aizviita nechinangw­a chekuti hondo yeChimuren­ga ikasike kupararira mumativi ese eBuhera.

Kuda anokuvadzw­a nebara pagumbo nemabhunu paanoenda nevamwe vake kunoparadz­a bhesi idzva rakanga ravambwa nemabhunu pedyo nebhesi ravo. Kukuvara kwake kunoratidz­a vanga raakasanga­na naro nenyaya yekuda hondo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe