‘TOKOLOSHI NDEYANGU’
‘Ndakabva nayo Zambia’ ‘Ndiyo yatishungurudza’
MURUME nemudzimai wake vekuGokwe – vekubuda munhau vachipomera muporofita Madzibaba Steven Mugariri huroyi apo vaiti vakapihwa miteuro yakazonopanduka kuita zvidhoma – vava kudududza vachiti ivo ndivo zvitopota zvevaroyi sezvo vakanoromba mishonga yakaipa kunyika yeZambia.
Vanoti mishonga yavakanoromba iyi ndiyo yava kuvaonesa ndondo pamwe chete nemhuri, izvo zvava kuvaita kuti vatize minana yava kuitika pamusha pavo – kwete muporofita wavainge vambonenera.
VaTichaona Nyakundivenga (42) nemudzimai wavo Melody Machivenyika (39) vekwaMambo Chireya vakabuda muKwayedza nguva yapera vachiti Madzibaba Steven vechechi yeJohane Masowe Zambuko, yekuChitungwiza, muroyi nekuda kwemiteuro yavanoti vakanopihwa ikoko iyo yavaiti yavashaisa mufaro nemasaramusi ava kuitika mumusha mavo.
Pavakabuda kekutanga, murume nemudzimai wake vaiti mushure mekupihwa miteuro kumasowe kwaMadzibaba Steven, vakatanga kuona masaramusi anosangananisira kuona mombe dzizere mumba, imbwa dzavasingazive dzinongorwa pamusha nezinyoka rinodarika nemuchivanze chavo.
Panguva iyoyi Madzibaba Steven akarambisisa kuti muroyi, ndokuti vanhu ava vanofanirwa kureva chokwadi, voreurura zvavakabata, kana vachida kuti mashura aya apere.
Nekuda kwezviri kuitika kwavari, mhuri iyi yakanomhan’arira Madzibaba Steven kudare raMambo Chireya, VaHenry Chidzivo (50), ichiti inoda kuti muporofita uyu apinginure huroyi hwake.
Izvi zvinotevera kuenda kwakange kwaita mhuri iyi kwaMadzibaba Steven ichida kunobatsirwa mushure mekufirwa nanababa nedzimwe hama uyewo nekuti vanasikana vavo havasi kuroorwa.
Sezvo VaNyakundivenga vari ivo mukomana mukuru mumhuri, vanonzi vakamanikidzwa nevemhuri yavo kuenda kwaMadzibaba Steven, uko vanonzi vakanonongedzwa vachinzi vaiva vakaromba inova nyaya yavakarambisisa pamberi pehama dzavo.
Vemhuri iyi vakazopihwa nhombo nhatu nehoko naMadzibaba Steven kuti vanoshandisa nenzira inozivikanwa nekuti “back to sender”. Izvi zvinonzi zvinoita kuti mishonga yakaipa ipandukire muridzi wayo.
Zvimwe zvezviri kuitika kumhuri iyi zvinosanganisira kuti chikafu chinongotsakatika mumba, mudzimba muchingopfuta moto uye vanhukadzi zvose nevanhurume vanoitwa vakadzi nezvinhu zvavasinganzwisise.
Pamusha uyu panonzizve panoonekwa imbwa nekatsi dzakawanda dzichirwa zvekuburitsana ropa uye vanonzwa mazwi evanhu vanotaura mudzimba asi vasingaonekwe.
Svondo rapera murume nemudzimai wake ava vakazopotera kuKwayedza vachiti “zvinhuzviya zvatonyanya”. Vanoti vava kuona n’anga Zambia uko kwavakanotora mishonga yakaipa ichivatevera kwose kwavanoenda ichitaura navo apo inenge yakapfeka mbatya dzavaka iwana yakapfeka pavakaendako.
VaNyakundivenga nemudzimai wavo - avo vanova ndivo vakanomhan’arira Madzibaba Steven kwaMambo Chireya vachida kuti naniswe pakuti madzibaba uyu abvise mhiko dzake – vanoti svondo rapera paseri vakazoenda kudare uko vakanosandura mashoko avo vachizviti ndivo varoyi.
Kudare iri Madzibaba Steven haana kuenda asi anoti “ndaiveko ndisiko”.
Mambo Chireya vanotsinhira kuti vemhuri iyi vakazodzokera kudare ravo vachinochenura muporofita wavainge vamhan’arira uyu uye vachizviti ivo ndivo zvitopota zvekuroya.
VaNyakundivenga nemudzimai wavo vakauya kumahofisi eKwayedza svondo rakapera vachiti: “Taingoramba nyaya yatinoziva nekuda kwekuto taitya kurohwa nehama dzedu kuti takanoromba kuZambia.
“Takazoenda kudare ramambo taona kutizvakanaka kutaura chokwadi nekuda kwematam budziko atava kusangana nawo pane kusvibisa munhu asina mhosva. Pekutanga takatya kaudura kuti takanotora huroyi kun’anga yekuZambia.
“Mambo ndakavaudza kuti zvose zvataitaura manyepo, taingopomera madzibaba nyayaisopo. Chokwadi ndechekuti vakangotiitira go bacl tp sender mishonga yedu ichibva yatipandukokira.
“KuZambia takapihwa tutokoloshi tuviri nezvimwe zvinhu zvatakanzi zvinotipa mari nekuti musha wedu usimbe.”
VaNyakundivenga vanoti vakanokumbira ruregerero kudare ramambo ndokunza vad-