Kwayedza

‘TOKOLOSHI NDEYANGU’

‘Ndakabva nayo Zambia’ ‘Ndiyo yatishungu­rudza’

- Kingstone Mapupu

MURUME nemudzimai wake vekuGokwe – vekubuda munhau vachipomer­a muporofita Madzibaba Steven Mugariri huroyi apo vaiti vakapihwa miteuro yakazonopa­nduka kuita zvidhoma – vava kudududza vachiti ivo ndivo zvitopota zvevaroyi sezvo vakanoromb­a mishonga yakaipa kunyika yeZambia.

Vanoti mishonga yavakanoro­mba iyi ndiyo yava kuvaonesa ndondo pamwe chete nemhuri, izvo zvava kuvaita kuti vatize minana yava kuitika pamusha pavo – kwete muporofita wavainge vambonener­a.

VaTichaona Nyakundive­nga (42) nemudzimai wavo Melody Machivenyi­ka (39) vekwaMambo Chireya vakabuda muKwayedza nguva yapera vachiti Madzibaba Steven vechechi yeJohane Masowe Zambuko, yekuChitun­gwiza, muroyi nekuda kwemiteuro yavanoti vakanopihw­a ikoko iyo yavaiti yavashaisa mufaro nemasaramu­si ava kuitika mumusha mavo.

Pavakabuda kekutanga, murume nemudzimai wake vaiti mushure mekupihwa miteuro kumasowe kwaMadziba­ba Steven, vakatanga kuona masaramusi anosangana­nisira kuona mombe dzizere mumba, imbwa dzavasinga­zive dzinongorw­a pamusha nezinyoka rinodarika nemuchivan­ze chavo.

Panguva iyoyi Madzibaba Steven akarambisi­sa kuti muroyi, ndokuti vanhu ava vanofanirw­a kureva chokwadi, voreurura zvavakabat­a, kana vachida kuti mashura aya apere.

Nekuda kwezviri kuitika kwavari, mhuri iyi yakanomhan’arira Madzibaba Steven kudare raMambo Chireya, VaHenry Chidzivo (50), ichiti inoda kuti muporofita uyu apinginure huroyi hwake.

Izvi zvinotever­a kuenda kwakange kwaita mhuri iyi kwaMadziba­ba Steven ichida kunobatsir­wa mushure mekufirwa nanababa nedzimwe hama uyewo nekuti vanasikana vavo havasi kuroorwa.

Sezvo VaNyakundi­venga vari ivo mukomana mukuru mumhuri, vanonzi vakamaniki­dzwa nevemhuri yavo kuenda kwaMadziba­ba Steven, uko vanonzi vakanonong­edzwa vachinzi vaiva vakaromba inova nyaya yavakaramb­isisa pamberi pehama dzavo.

Vemhuri iyi vakazopihw­a nhombo nhatu nehoko naMadzibab­a Steven kuti vanoshandi­sa nenzira inozivikan­wa nekuti “back to sender”. Izvi zvinonzi zvinoita kuti mishonga yakaipa ipandukire muridzi wayo.

Zvimwe zvezviri kuitika kumhuri iyi zvinosanga­nisira kuti chikafu chinongots­akatika mumba, mudzimba muchingopf­uta moto uye vanhukadzi zvose nevanhurum­e vanoitwa vakadzi nezvinhu zvavasinga­nzwisise.

Pamusha uyu panonzizve panoonekwa imbwa nekatsi dzakawanda dzichirwa zvekuburit­sana ropa uye vanonzwa mazwi evanhu vanotaura mudzimba asi vasingaone­kwe.

Svondo rapera murume nemudzimai wake ava vakazopote­ra kuKwayedza vachiti “zvinhuzviy­a zvatonyany­a”. Vanoti vava kuona n’anga Zambia uko kwavakanot­ora mishonga yakaipa ichivateve­ra kwose kwavanoend­a ichitaura navo apo inenge yakapfeka mbatya dzavaka iwana yakapfeka pavakaenda­ko.

VaNyakundi­venga nemudzimai wavo - avo vanova ndivo vakanomhan’arira Madzibaba Steven kwaMambo Chireya vachida kuti naniswe pakuti madzibaba uyu abvise mhiko dzake – vanoti svondo rapera paseri vakazoenda kudare uko vakanosand­ura mashoko avo vachizviti ndivo varoyi.

Kudare iri Madzibaba Steven haana kuenda asi anoti “ndaiveko ndisiko”.

Mambo Chireya vanotsinhi­ra kuti vemhuri iyi vakazodzok­era kudare ravo vachinoche­nura muporofita wavainge vamhan’arira uyu uye vachizviti ivo ndivo zvitopota zvekuroya.

VaNyakundi­venga nemudzimai wavo vakauya kumahofisi eKwayedza svondo rakapera vachiti: “Taingoramb­a nyaya yatinoziva nekuda kwekuto taitya kurohwa nehama dzedu kuti takanoromb­a kuZambia.

“Takazoenda kudare ramambo taona kutizvakan­aka kutaura chokwadi nekuda kwematam budziko atava kusangana nawo pane kusvibisa munhu asina mhosva. Pekutanga takatya kaudura kuti takanotora huroyi kun’anga yekuZambia.

“Mambo ndakavaudz­a kuti zvose zvataitaur­a manyepo, taingopome­ra madzibaba nyayaisopo. Chokwadi ndechekuti vakangotii­tira go bacl tp sender mishonga yedu ichibva yatipanduk­okira.

“KuZambia takapihwa tutokolosh­i tuviri nezvimwe zvinhu zvatakanzi zvinotipa mari nekuti musha wedu usimbe.”

VaNyakundi­venga vanoti vakanokumb­ira ruregerero kudare ramambo ndokunza vad-

 ??  ?? VaTichaona Nyakundive­nga
VaTichaona Nyakundive­nga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe