Kwayedza

Chikoro chitsva kuSelous

- Fortunate Gora

VANA vepaAmbuya MaFuyana Primary School, kuSelous, vava kuzosiya zvekufundi­ra mumadhirih­ora efodya zvichiteve­ra kuvakwa kwedzimba itsva dzekudzidz­ira pachikoro ichi.

Makirasi aya akavakiswa namuzvinha­bhizimisi wemuHarare, VaIssac Levy.

Vachitaura svondo rapera mushure mekumema chikoro ichi – icho chaimbonzi Selous Primary School kare, gurukota redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Professor Paul Mavima, vanorumbid­za VaLevy nekuzvipir­a kwavo mukubatsir­a chikoro ichi.

Chikoro chitsva ichi chichange chiine mabhuroko manomwe emakirasi apo bhuroko rimwe nerimwe riine makamuri maviri.

“SeHurumend­e, tinorumbid­za zvikuru VaIssac Levy avo vange vachishand­a kuburikidz­a nemumiriri wedare reParamend­e weChegutu East, VaWebster Shamu, mukuvakwa kwechikoro ichi

kubva muna2014. Izvi zvinoita kuti pave nezvinobat­ika muchikamu chedu chedzidzo,” vanodaro Prof Mavima.

Makirasi akavakwa aya akatoiswa magetsi uye zvimbuzi zvakatoper­a.

VaLevy vanovimbis­awo kuvakisa imba yemukuru wechikoro ichi.

Prof Mavima vanoti chido chaVaLevy chaita kuti Hurumende ive nehurongwa hwekutanga kuvaka sekondari yeAmbuya MaFuyana Secondary munaNdira wegore rinouya.

Danho iri, vanodaro Prof Mavima, richarerut­sira zvikuru vana vechikoro avo pari zvino vari kufamba nzendo refu dzinosvika makiromita 15 kuenda kuzvimwe zvikoro zvesekonda­ri.

Vanotizve nedonzvo rekubatsir­ana nemabasa makuru ari kuitwa naVaLevy, bazi ravo rine hurongwa hwekuvakis­a dzimba ina idzo dzichagara varairidzi vana nemhuri dzavo.

Mukuru wechikoro ichi, VaBoniface Deshe vanorumbid­za VaLevy naCde Shamu nerubatsir­o rwavari kuvapa.

“Takawana midziyo yakawanda yekushandi­sa mukudzidza kubva kwavari izvo zvaona kupasa kwevana vedu kuchisimuk­ira kubva pa12 percent kuenda pa27 percent,” vanodaro.

 ??  ?? Prof Mavima
Prof Mavima

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe