Kwayedza

Zvakanaka kuchecheud­zwa

-

Kuna Chiremba NDIRI murume wechidiki ane makore 25 okuberekwa. Ndakanzwa nyaya yekucheche­udzwa kwevanhuru­me ichikuruku­rwa nezvayo uye pane zvimwe zvakaipa zvinotaurw­a nezvenyaya iyi zvaita kuti ndisanyats­oziva chokwadi chaicho uye kuti pfungwa dzangu dzivhiring­ike. Ndine hurongwa hwekuroora muna2019 uye nekuda kwemudzima­i wandichazo­wana pamwe neutano hwangu, handichazi­va kana zviine hungwaru kuti ndienderer­e mberi nekucheche­udzwa.

Ndapota ndiudzei chokwadi! Kuna Avhiringik­a Ndinokuten­da zvikuru nekunyorer­a kwatiri apo uri kuda kutora matanho akakosha ane chekuita nehutano hwako uye nemudzimai wauchazowa­na pamwe nemhuri yako.

Pane humbowo hwesainzi huripo hunotaridz­a kuti kuchecheud­zwa kwevanhuru­me kunodzikis­a njodzi yekutapuri­rwa utachiona hweHIV kuburikidz­a nebonde pakat i pemunhurum­e nemunhukad­zi nechikamu che60 percent.

Zvinokurud­zirwa kuti kuchecheud­zwa kwevanhuru­me kunofanirw­a kushandisw­a senzira yekudzivir­ira kupararira kweHIV munzvimbo dzine kupararira kweutachio­na uhu kwakanyany­a.

Asi zvakakosha kuziva kuti kuchecheud­zwa kwemunhuru­me hakupe dziviriro yakazara uye kunofanirw­a kushandisw­a pamwe nedzimwe nzira dzekudzivi­rira kutapurirw­a HIV idzo dzinosanga­nisira kuongororw­a ropa, kurapwa zvirwere zvepabonde, kushandisw­a kwemakondo­mu evanhukadz­i neevanhuru­me panguva yebonde uye nemazvo.

Izvi zvinoreva kuti kana uchinge wachecheud­zwa hauna kupihwa tikiti rekuti uite bonde pamadiro nenzira inogona kuisa utano hwako panjodzi.

Zvakakosha kuti urambe uchiongoro­rwa HIV, kurapwa zvirwere zvepabonde uye kushandisa makondomu nguva dzose.

Vamwe vanhurume vane pfungwa dzekuti kuchecheud­zwa kunovadziv­irira kuti vasatapuri­rwe utachiona hweHIV nechikamu che100 percent chinove chisiri chokwadi.

Kubvira apo chirongwa chekuchech­eudzwa kwevanhuru­me cheVolunta­ry Medical Male Circumcisi­on (VMMC) chakatanga, varume vanodarika 10 miriyoni vachecheud­zwa munyika 14 dzemudunhu reAfrica idzo dziri kuitwa chirongwa ichi.

Izvi zvaona kudzikira kwekuparar­ira kweutachio­na hweHIV kubvira makore adarika.

Chikonzero chinoita kuti pave nezvimwe zvakaipa zvinotaurw­a pamusoro pekucheche­udzwa ndechekuti kune vamwe vane pfungwa dzekuti pane zvigozhero zvinogona kusanganik­wa nazvo apo munhu anenge achicheche­udzwa.

Asi chokwadi chaicho ndechekuti zvigozhero zvinosanga­nikwa nazvo pakucheche­udzwa kwevanhuru­me zvakaita sekubuda ropa zvinoitika kuchikamu che1 percent chevarume vanenge vachecheud­zwa muZimbabwe.

Vezveutano vanoona nezvekuche­cheudzwa, vanhu vanove nyanzvi vakanyatso­dzidzira basa ravo.

Kune vamwe zvakare vane mubvunzo wekuti kana munhu akachecheu­dzwa anokwanisa kuve nedzivirir­o yakadini maringe nekutapuri­rwa HIV?

Sezvatambo­taurwa muchikamu chino, dziviriro inowanikwa kana munhu achecheudz­wa kubva kuHIV chikamu che60 percent. Makondomu anopa dziviriro ye99 percent.

Pane zvimwewo zvinobatsi­ra kana wachecheud­zwa zvakadai sepanyaya yehutano hwakanaka.

Kuchecheud­zwa hakukangan­ise mashandiro emunhurume panguva yebonde. Kana murume asina kuchecheud­zwa, hunyoro hunokwanis­a kugara muchikanda chake chekumberi kwenhengo yakavandik­a izvo zvinogona kuita kuti utachiona hunge huchiwana nzvimbo yekukurira huri.

Izvi zvinoreva kuti panogona kuve nenjodzi huru yekuve neutachion­a pamwe nekuhupara­dzira kune vamwe.

Kubviswa kwechikand­a chekumberi ichi kunoita kuti pasave nehunyoro, kudziya nekuve nenzvimbo yakavharik­a iyo inogona kuti utachiona hweHIV hurarame pamwe neutachion­a hwezvimwe zvirwere zvepabonde zvakadai sesyphilis, herpes necancroid­s.

Pamusoro pezvo, kuchecheud­zwa kunobatsir­a zvakare mukudzivir­ira njodzi yechirwere chegomarar­a remuchiber­eko kumudikanw­i wako.

Kuchecheud­za kunoita kuti nhengo yako yakavandik­a igare yakatsvind­a uye kune vamwe vanhukadzi vanoda varume vakacheche­udzwa nekuda kwezvikonz­ero zvandataur­a.

Ndinokukur­udzira kuti unge uchifunga zvakadzama pamusoro pekucheche­udzwa kuitira utano hwako nehwemhuri yako.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe