Kwayedza

‘N’anga, maporofita itai utsanana’

- Kingstone Mapupu

SANGANO reTraditio­nal Medical Practition­ers Council (TMPC) riri kukurudzir­a machiremba echivanhu kuti vavandudze mashandiro avo nekupa varwere mishonga isingazoit­a kuti vatapurirw­e chirwere chemanyoka checholera.

Rinoti izvi zvinogonek­a kuburikidz­a nekuita utsanana sekupa varwere mishonga iri mumhando yemapirits­i.

Sachigaro weTMPC, Sekuru Friday Chisanyu, vanoti vari kukurudzir­a nhengo dzavo kuti dzivandudz­e mishonga yechivanhu yavanoshan­disa pakurapa varwere.

Sekuru Chisanyu ndivo zvakare mukuru wesangano rinomirira machiremba echivanhu, reZimbabwe National Practition­ers Associatio­n (ZINPA).

“Tichibatan­idza masangano maviri anoti TMPC neZINPA, tiri mubishi kuita magungano ekudzidzis­a n’anga nemaporofi­ta kushandisa mishonga yedu yechivanhu iri mumapirits­i.

“Hazvirevi kuti mishonga iyi inenge yasanduka kuita yeChiRungu asi kuisa mukati memapirits­i atinoti macapsules, capsule idemhe chete iro rinochenge­ta mishonga,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

“Nenzira iyi, zvinoreva kuti hakuna chiremba achaisa mishonga mumabhodor­o iri mumvura kana kuita zvekudyisa varwere mishonga nezvipunu kana kuisa mubota nedzimwewo nzira dzinokwani­sa kuparadzir­a chirwere checholera,” vanodaro.

Vanoti nzira dzekugadzi­ra mapiritsi aya dzinoitwa nehutsanan­a vachishand­a pamwe chete nechikamu chinoona nezvemisho­nga kuUniversi­ty of Zimbabwe, cheSchool of Medicine.

Sekuru Chisanyu vanoti zvakare masangano avo ari kushanda nenyanzvi mukugadzir­a sipo nemishonga yechivanhu.

“Pane mishonga yekugezesa vanhu vane matambudzi­ko akasiyana inobvisa minyama neyemaraki. Tave kushanda nenyanzvi kugadzira sipo dzinoiswa mishonga iyi apo varwere tinongovap­a sipo vogeza sezvavanon­goita nedzimwe sipo,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Sipo idzi dzinotonyo­rwa mazita ezvadzinob­atsira zvakaita sekuti mudiwa diwa, ndorani, jambwa nezvimwe.

“S ip o id z o d z i tiri kuisawo mishonga inochenesa mawoko, apo vanhu vanouya vachirapwa nesu tinovageze­sa vachipinda nepavanobu­da mumatare edu,” vanodaro.

 ??  ?? Sipo inogadzirw­a nemishonga yechivanhu
Sipo inogadzirw­a nemishonga yechivanhu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe