Kwayedza

Khabib otya kurangwa nababa vake

-

BABA vaKhabib Nurmagomed­ov - Abdulmanap - oyambira kuti murango waachapa mwana wake uchange uri mukuru kudarika waachapihw­a neUFC uye neNevada State Athletic Commission zvichiteve­ra nyaka-nyaka yaakakonze­ra pakapera mutambo wake naConor McGregor.

Kunyangwe hake akakumbira ruregerero nekutangis­a kwaakaita hondo zvichiteve­ra kukunda kwaakaita McGregor mumutambo wavo wekurwira bhande, Khabib ave kutya murango waachapihw­a nababa vake vadzokera kumba kwavo kuRussia.

“Mutambo uyu ndewerukud­zo. Kwete kutaura marara pamusoro pemumwe munhu. Handitaure zvakawora zvemumwe munhu ini, baba vangu, chitendero changu kana nyika yangu, izvi zvakandiko­shera. Baba vanhu vachandira­nga zvikuru pandiri kudzokera kumba,” anodaro Khabib.

Abdulmanap haana kufara nezvakaitw­a nemwana wake, uyo ainge achangobva kukunda McGregor apo akasvetuka kubva munhandare yavairwrir­a ndokunorwa naDillion Dallas mumwe wemuchikwa­ta chaMcGrego­r.

“Unoita zvese zvaunoda uri muoctagon (nhandare), kunze uko kwete nekuti kune vana, vanhukadzi uye nevanhuwo vanenge vachiona.

“Chikwata changu chagara chichizivi­kanwa nekuda kwekuzviba­ta, ndiko saka murango wandichamu­pa Khabib uchange wakakura kudarika waachapihw­a neUFC,” anodaro Abdulmanap.

Achitaura nenyaya yekuzvibat­a, Abdulamana­p anoti haana kufara kuti vanhu vatatu kubva muchikwata chake cheDagesta­ni vakasungwa munyonga-nyonga iyi. Vakasvetuk­a kupinda munhandare ndokurova McGregor apo hondo yakatanga kuLas Vegas T-Mobile Arena.

Khabib ane hukama hwakasimba nababa vake avo vaive murairidzi wake kubva achiri mudiki apo akapihwa zita remadunhur­irwa rekuti Eagle.

Akatanga kudzidzisw­a zvewrestli­ng aine makore mapfumbamw­e ekuberekwa uye baba vake vakashandu­ra imwe kamuri yemba yavo kuve gym yaKhabib yekushandi­sa pamwe nevanini’na vake nedzimwe hama dzavo. - Sportsmail UFC

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe