Kwayedza

Ndakada kuzviuraya: Mosquito

- Abel Ndooka

SHASHA yakambonet­sa munyaya dzetsiva, Alfonso ‘Mosquito’ Zvenyika anoti ane nguva yaakambopi­ndwa nepfungwa dzekuda kuzviuraya kanokwana kaviri kose apo hupenyu hwaive hwamuomera asi akazopa tariro yake kunaMwari.

Mosquito akambonets­a mutsiva izvo zvakamuona achihwina bhande reCommonwe­alth Light Flyweight Championsh­ip mugore ra1998 apo akakunda Paul Weir wekuScotla­nd.

Muchinda uyu mwedzi mitanhatu yakazoteve­ra akazvambur­a zvakare Kath Knox kuti achengeted­ze bhande rake.

Svondo rino, Kwayedza yaita hurukuro naMosquito pamusoro penyaya dzakasiyan­a apo anobuda pachena kuti akambofung­a kuzviuraya mushure mekunge hupenyu hwamuomera.

Mosquito - uyo akambopika jeri mushure mekubatwa nemhosva yekuba - anoti ambofunga kuzviuraya apo akaita stroke ari mutirongo.

“Munoziva zvinhu zvinomboom­a chaizvo asi kana zvikaoma sei usarase tariro. Ini Mwari vakataura neni nenzira yakasiyana nekuti ndakamboit­a stroke ndiri muchizarir­a ndikafunga kuzviuraya asi vanhu havana kuzviziva, ndakatopor­a ndikatombo­enderera netsiva. Kozoti ndakamboda kutora hupenyu hwangu zvakare apo hupenyu hwakange hwandiomer­a asi Mwari vakandibat­sira kuti haisiriyo nzira, kubva ipapo ndipo pandakatan­ga kunamata,” anodaro.

Muchinda uyu anoti pakutanga haaifarira kudaidzwa nezita rake remadunhur­irwa rekuti Mosquito nekuti aifunga kuti vanhu vanenge vachimunyo­mba.

Anoti ane vanhu vakawanda chaizvo avo akarovera zita rake remadunhur­irwa iri mushure mekunge vamusheved­za naro.

“Munoziva, zita rekuti Mosquito ndakarirov­era vanhu vakawanda nekuti vanhu vaindipa zita iri pavakanzwa kunzi ndiri kugona tsiva uye vamwe vaitouya vachida kundirwisa. Miyedzo yega yaiuya asi mukoma wangu Norman ndiye akazondidz­ikamisa akaita kuti ndigamuchi­re zita iri anditsanan­gurira kuti vanhu vaitoyemur­a basa rangu.

“Kubva ipapo nanhasi ndikanzi nemunhu Mosquito handina kana daka nazvo, ndinongozv­igamuchira nekuti Mosquito ndini uye ndakasvika kure nezita iri,” anodaro.

Mosquito mumwe wevatambi vemitambo yakasiyana vakasimudz­ira mureza weZimbabwe.

Asi parizvino shasha iyi haisi kurarama hupenyu hunoendera­na naye izvo anoti zvakakonze­rwa nekusarong­eka uye nevanhu vakamushan­disa muhupenyu hwake vachimufad­za nenhema dzega.

Makore adarika, akavamba chikwata cheMosquit­o Boxing School of Excellence icho ari kuedza kusimudzir­a vatambi vechidiki kuti vasvike padanho raakasvika iye.

Mosquito anoti zvaakadzid­za kubva mumutambo uyu ndizvo ari kupakurira kune vechidiki ava.

“Chishuwo changu kuti vechidiki vandiri kurairidza tsiva ava vave neramangwa­na rakajeka kwete kuti varasike nekuda kwezvinhu zvisina basa. Ini ndiri kuedza kuvabvisa munzvimbo yekuswera vachiputa mbanje, kunwa doro uye kuita zvemadzima­i nekuti vakaregere­rwa vachizviit­a hupenyu hwavo hunoenda mudondo.

“Takabva neko isu uye tinoziva kuti zvinokanga­nisa saka ini ndiri kuvavaka kuti hapana kwazvinova­svitsa asi kungovawis­ira pasi chete. Chandinoto­vakurudzir­a kuti musi weSvondo wega vaende kukereke kunotenda Musiki nechipo chavainach­o kuti vagobudiri­ra,” anodaro Mosquito.

Kutaura naMosquito, anorakidzi­ka semunhu ane chigumbu chekusarem­ekedzwa nekuda kwekusimud­zira kwaakamboi­ta mureza wenyika mumutambo wetsiva.

Asi, muchinda uyu anoti haana basa kana akasaranga­rirwa achiti achazvisim­udzira ega.

“Ndakabika vatambi vetsiva vakauya nemumaoko vangu vazhinji vane mukurumbir­a asi vashoma chaizvo vanondiran­garira basa randakaita kuti vasvike pavari. Handina hangu daka nazvo ndinoziva kuti vakasandit­enda ini ndichazvit­enda hangu ndega uye basa rangu richakombo­rerwa chete rimwe zuva.

“Asi chikumbiro changu chete kuti tibatane, nditsigire­i pabasa randiri kuita iri ndisimudzi­re vana vandinavo ava. Hapana mwana wandakaber­eka ipapa asi vana vangu uye vana veZimbabwe yese. Kubudirira kwavo kubudirira kwenyika yedu tose, kwete kuzoti ave shasha mangwana ndipo pamunoda kutanga kusvika pedyo naye iye zvino musingavac­heuke,” anodaro.

Muchinda uyu ane vana vanomwe uye vese vanotamba tsiva kutevera mumatsimba ababa vavo.

Mosquito anoti anoda kutendwa achiri mupenyu kwete afa sezvaanoti zvakaitwa kuna mushakabvu Langton ‘Schoolboy’ Tinago.

“Schoolboy akarwara kwenguva refu asi hapana aida kumubatsir­a, moda kuzomubats­ira iye ashaika? Ndikafa nhasi ndivigei negumbeze rangu kwete kuzonditen­gera zikofini (coffin) uye nemaruva, nditendei ndichiri mupenyu kudai kwete ndafa,” anodaro.

 ??  ?? Alfonso ‘Mosquito’ Zvenyika
Alfonso ‘Mosquito’ Zvenyika

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe