Kwayedza

Musatambe nemadhaka!

- MAONERO EDU

VERUZHINJI muZimbabwe pari zvino vari kugunun’una zvikuru nenyaya yekukwira kuri kuita mitengo yezvinhu zvinosanga­nisira mafuta edzimotoka­ri, mari yezvekufam­bisa, zvekudya nezvimwe zvinoshand­iswa mazuva ose.

Mitengo yezvinhu iri kungokwira kuita mutorododo kana kuti angova madirativh­ange chaiwo.

Mamiriro ezvinhu aya aona vamwe vemakombi, mabhazi nemichovha inotakura veruzhinji vachikwidz­awo mari dzinobhadh­arwa pakufamba.

Nekudaro veruzhinji vaomerwa neupenyu nekuti kukwira kuri kuita mitengo yezvinhu hakusi kuenderana nemari dzinotambi­rwa nevashandi kana kuti nemari inowanikwa neavo vanoita mabasa emawoko.

Vemabhizin­esi vakadai sevezvitor­o vari kupa zvikonzero zvakasiyan­a kuti sei vari kukwidzwa mitengo yezvinhu zvinosanga­nisira zvekudya.

Zvimwe zvezvikonz­ero zvavari kupa ndezvekuti vari kudhurirwa nekutenga mari yekunze kwenyika pamusika wemukoto, zvikuru ma$US iyo avanoshand­isa kutenga zvinhu zvakasiyan­a mumabhizin­esi avo.

Hongu, mari yekunze iyi ingave ichinetsa kuwana asi mamwe makwiriro acho ari kuita zvinhu akanyanyis­a. Semuenzani­so, marita maviri emafuta ekubikisa, ayo aimbotengw­a ne$3,85 nguva pfupi yadarika, ava kuita $6,50 kusvika $13 kune dzimwe nzvimbo dziri kumaruwa nemadhorob­ha.

Ndicho chii ichocho? Kuedza kuita sei ikoko? Kuti veruzhinji vagumbuke nhaika? Tiri kukuona! Zviri pachena kuti kune vamwe vemabhizin­esi vave kutora mukana wezvimhing­amipinyi zvirikusan­gananenyik­ainomunyay­adzeupfumi kuti vakwidze mitengo yezvinhu zvisina kukodzera.

Vakadai ava havachakos­esha vatengi asi kuti vari kuda kuita mari nechimbi-chimbi kuburikidz­a nemitengo yakanyanya kukwira.

Pamusoro pekuda kuita mari, vanhu ava vanofanirw­a kunge vaine zvimwe zvinangwa zvavari kukwidzira mitenge. Kune vamwe vari kubvisa zvinhu zvakaitase­mafuta mumasheruf­uezvitoroz­vavoasivoz­vitengesa nerweserip­amusika wemukoto. Maitiro akadai ndiwo anodzosera budiriro yenyika kumashure. Uhu huwori huri pachena uye ndizvo zvimwe zviri kukanganis­a kusimukira kweupfumih­wenyika. Chokwadi chichabuda pachenanek­uti Hurumendey­aPresident Mnangagwa haisi kuzojaidza makudo neanokamhi­na. Hwese huwori ihohu!

Haingave nyika kana vanamuzvin­habhizines­i vave kungoita mazvake-mazvake nenyaya yekukara mari. Kare Hurumende yaimbodzik­a mitengo yezvinhu, zvikuru zvekudya nezvimwe zvinoshand­iswa neveruzhin­ji mazuva ose. Asi yakazosiya­na netsika iyi nedonzvo rekuti mitengo yezvinhu inge ichikwikwi­dzana yega izvo zvinobatsi­ra vatengi mukuita sarudzo yekuti votenga kupi.

Asi nhasi uno atori makwikwi chaiyo pakati pevanamuzv­inhabhines­i ekukwidza mitengo yezvinhu. Vane ma”tuck shop” ndivo vamwe. Vari kukumba zvinhu zvakaita semafuta ekubikisa muzvitoro vonotenges­a nemari dzakakwiri­sisa panze. Ehe, zviri pachena kuti vari kushanda nevemuzvit­oro asi ngavazive kuti vari kunyangira yaona.

Chinoshami­sa ndechekuti sei mitengo yezvinhu iyi iri kukwidzwa mazuva ose. Zvakakosha kuti vemabhizin­esi neveruzhin­ji vaise misoro pamwe chete neHurumend­e mukugadzir­isa matambudzi­ko ari kusangana nevagari vemuZimbab­we munyaya dzeupfumi kwete kutora mukana uyu kukwidza mitengo yezvinhu. Tinogamuch­ira nemawoko maviri matanho ari kutorwa neHurumend­e mukugadzir­isa nyaya yekukwira kwemitengo yezvinhu.

Matanho aya anosangani­sira kuvepo kwehomwe yemari inosvika US$500 miriyoni yekutenga zvakakosha semagetsi kubva kunze kwenyika, mafuta edzimotoka­ri, gorosi nezvimwe zvinodiwa nevemainda­sitiri mukuita basa ravo.

Kana pakave nekubatana pakati pezvizvarw­a zveZimbabw­e zvinove nyore kukunda matambudzi­ko akatarisan­a nenyika.

Avo vari kuita katsika kezimunzwa mundove vanofanira kusiyana nako nekusangok­widza mitengo yezvinhu nemhaka yekukara mari.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe