Kwayedza

MURUME HUTU NASISI

Mukadzi ari Diaspora . . .

- Gamuchirai Muzanenham­u

VANHU vaiva mudare vakashamis­ika apo vakanzwa kuti mumwe mudzimai akasiyira munin’ina wake murume achityira kuti angatizwe apo akaenda mhiri kwemakungw­a asi iye zvino avo kumuda sezvo akadzoka.

Izvi zvakabuda muHarare Civil Court mushure mekunge Linda Saruchera amhan’arira mukoma wake, Lilian Sefu, achiti ari kumushungu­rudza.

“Anouya kumba kwangu ndisipo achipwanya mahwindo nemaTV uye ndikafona ndichibvun­za kuti azviitirei, anondituka.

‘‘Ndakambomu­mhan’arira kumapurisa ndikazomur­egerera semukoma wangu, asi ndava kuona kuti ave kunyanya,” anodaro Saruchera.

Anoti haazive kuti sei Sefu ari kumushungu­rudza nekuti ndiye akamuudza kuti agare nemurume wake paaiva kunze kwenyika achityira kuti murume angamutize.

“Ndiye akandit i ndigare nemurume wake iye paanga ari kunze kwenyika achiti angatizwe nemurume ndikaita saizvozvo tikachata kuchechi.

“Asi paakadzoka akatanga kunditi ndibve pamba ndisiyane nemurume akati anondipa $5 000 iyo yandakaram­ba,” anodaro Saruchera.

Anoenderer­a mberi achiti Sefu ndiye ava kugara nemurume, asi ari kuramba achimushun­gurudza.

“Dambudziko rake hameno kuti ndereyi nekuti iye ndiye ave kugara nemurume,” anodaro.

Sefu anoudza dare kuti haana kusiira Saruchera murume wake, asi kuti akangowana vave kugara vose uye vakachata kuchechi zvisinei nekuti iye akange akachata nemurume uyu kare.

“Handina kumuti atorane nemurume wangu asi kuti pandakagar­a kunze kwenyika, murume wangu akati ari kuda kutsvaga mumwe mudzimai ini ndikamuti atsvage ndichifung­a kuti ari kutamba. Ndakazoita zvekunzwa kuti akachata naSarucher­a kuchechi asi ini ndakachata naye kudare kare.

“Murume wangu akandikumb­ira ruregerero ndikamureg­erera, ndokusaka ndisina kumusungis­a.

“Tava kugara tose asi Saruchera ari kugara pamba iri kushandisw­a sehofisi nemurume wangu, ndosaka ndisiri kunzwisisa zviri kuitika,” anodaro Sefu.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Saruchera gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe