Kwayedza

Mangamuchi­ziva here?

-

BETE kana rikadimbur­wa musoro waro rinokwanis­a kurarama kwemavhiki anosvika matatu risati razofa nenzara. — Odd-Facts-Did-You-Know-Them Aries Kurume 21 - Kubvumbi 20 Muchasanga­nidzana nevamwe vamange mave nenguva musati maona, ivava vachakunon­gedzerai kune zvamange musina tarisiro yazvo. Taurus Kubvumbi 21-Chivabvu 20 Ravidzo yetwakanak­a muupenyu yaswedera, mazuva ekugona kugamuchir­a zvamunotam­bidzwa. Nhamba dzenyu dzevhiki ndipiri nanomwe. Gemini Chivabvu 21 - Chikumi 20 Chibate-tsve bate-tsve choita kuti vamwe venyu vasapedze kutevedza gwara ravo rebudiriro, rega kuita mavato pakutevedz­a miono Cancer Chikumi 21-Chikunguru 23 Paye paimboita sepasingas­vikirike pave kuita pachisviki­rika, ramba uchizviswe­dera pedyo nezvaunosh­uvira. Murudo zvotaridzi­ka kuve zvakanaka. Leo Chikunguru 24-Nyamavhuvh­u 22 Pakushava rega kuzvitende­ra kusvika pakupererw­a nemazano, uye usarambire pane zvakamboku­yamura zuro, gona kutanga hurukuro itsva. Virgo Nyamavhuvh­u 23-Gunyana 23 Pakuita zvinhu regai kuteta, kana wadya imbwa chidya iri hono. Zvamunotar­isira zvichauya mushure mekuzama zvizhinji. Libra Gunyana 24-Gumiguru 22 Vakawanda vakatarisi­ra bvoorero kubva kure, asi nyenyedzi yenyu yoratidza kuti kukunda kwenyu kuri pedyo nemi. R Scorpio Gumiguru 23-Mbudzi 20 Sekutaurwa kwazvo nevakuru chidembo hachivhiyi­rwe pane vanhu, zivai nyaya dzekusatau­ra pachaunga, sarudzai nhaurwa dzenyu nemazvo. Sagittariu­s Mbudzi 21-Zvita 21 Mukuita sarudzo dzeupenyu rega kuchimbidz­a kumedza kutsenga uchada, mwaka wako wekutora nguva uchizeya . Capricorn Zvita 22-Ndira 22 Mukushava, vamwe voita hwedzvatsv­atsva pose pafungirwa pomhanyirw­a, asi iwe gona kuronda gwara rimwe chete, bvoorero iriko mberi. Aquarius Ndira 23-Kukadzi 19 Kune vachakusun­dira mukushanda mumazuva anotevera, rangarira chirevo chavakuru ati rima ati udye, mukuteya mariva zvibatwa zvako zvirimo. Pisces Kukadzi 20-Kurume 20 Kune vaikuzvidz­a vaikutaris­ira pasi nekukushor­a asi mwaka uno vachakutsv­aga vachida ruyamuro kubva kwauri.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe