Sahwira akadya chitunha
zovapo apo mwenje wakangodzima woga mumba yaiva nechitunha,” anodaro Nyarai.
Anoti panguva yakadzima mwenje, mumba umu maiva nevanhu vashoma, kusanganisira sahwira Sekuru Musetu nemudzimai wavo.
“Musetu akati achibuda mumba umu achienda kuchimbuzi, ndipo pakadzima mwenje mumba, ini ndikapindamo nekukasika ndichibva panze.
“Ndakabatidza mwenje wefoni yangu ndokuona mudzimai wasahwira, ivo Mbuya Mutemadaro, vari mumachira ainge akafugidziswa chitunha. Ainge akatanangira chitunha, ndichibva ndabvunza kuti vaitsvagei.
“Vanhu vakaita batai-batai kuvaburitsa mumba imomo, ndipo patakaona divi ravakange vakagara rakazara mvura yairatidza kuti pane zvaitika.
“Takabva taona ropa parimwe ziso remufi. Nekunyatsoongorora, ndipo patakaona kuti chitunha chainge chisisina rimwe ziso, patova neburi, asi rimwe racho riripo uye rakasvinura,” anodaro Nyarai.
Anoenderera mberi achiti vanhu vakatoita Mbuya Mutemadaro vekuzvuzvurudza kuti vabude mumba umu.
“Chitunha takachiviga chisina ziso, chembere iyi yakatora ziso rehanzvadzi yangu, handizivi kuti anoridii.
“Rechimangwana racho, takaenda kwaSabhuku Morrison Mwedziwendira kunomuzivisa zvakange zvaitika. Vakauya vakaona chitunha chisisina rimwe ziso, iro raimbenge riripo, rimwe racho rakasvinura zvikatovashamisawo.
“Ndivo vakatiti tinomhan’ara kumapurisa. Mapurisa akauya vakasunga Mbuya Mutemadaro ndokuenda navo,” anodaro Nyarai.
Anoti vemhuri yake vakazofamba kumaporofita vachida kunzwisisa kuti chii chakaitika “tikapihwa tsanangudzo dzekuti ziso rakatorwa”.
“Takanzi Mbuya Mutemadaro ndivo vakatora ziso asi hatina kuudzwa kuti vanoridii. Kubva musi waitika izvi, hapasisina husahwira, handidi kana kuvaona pamba pangu. Mwari ndiye anoziva zvavakaritorera,” anodaro.
Murume waNyarai, Lovemore Kapara (42), anoti zvakaitika izvi manenji.
“Mashura chaiwo, chitunha chatsano chakaenda chisina rimwe ziso uye rimwe rainge rakasvinura — rakaramba kuvharika.
“Zvinondirwadza zvisingaite uye tave kutya nekuda kwemaminimini aya,” anodaro Kapara.
Muhurukuro neKwayedza, Mbuya Mutemadaro vanoti vakazoona voshevedzwa vachinzi vakadya ziso rechitunha uye vanoti musi unonzi wakaitika nyaya iyi, ivo hapana zvavaiziva nekuda kwekuti vainge vakakoriwa nedoro.
“Ndakange ndakanwa doro re7days zvekuraradza saka zvakaitika handina chandakaona. Ndakazongoona ndava kunzi wakadya ziso rechitunha, murume wangu ndiye akazonditsanangurira nekuti ndakange ndakadhakwa,” vanodaro Mbuya Mutendero.
Vanoti vakazosungwa nemapurisa ndokunobvisiswa faindi ye$10 mushure mekunge vabvuma mhosva yekuti vakatamba nechitunha.
Murume wavo, Sekuru Musetu, vanotsinhirawo kuti ziso rechitunha chasahwira wavo rakashaikwa asi havazive kuti zvakafamba sei.
“Hongu, mudizmai wangu akapinda mumba maiva nechitunha vanhu vakaita kumuzvuzvurudza kuti abude mumba umu. Ainge akadhakwa.
“Asi mataurirwo enyaya iyi ndoona sekuti ruvengo chete,” vanodaro.
Mambo Makope, VaJacob Mapirinjanja vanoti nyaya iyi inosvibisa dunhu ravo.
“Nyaya iyi yakasvika kumatare angu ndakashaya kana pekutangira. Ndakashaya kuti ndomutongera chii, haana kana chii zvacho chaainacho, musvuuganda.
“Ndinokurudzira vanhu kuti vasarombe zvinokanganisa upenyu hwavo nekusvibisa nzvimbo tozoona matambudziko akaita sekusanaya kwemvura izvo zvinoitika nekuda kwekuti panenge paine zvakasviba zvaitika,” vanodaro.
Sabhuku Morrison Mwedziwendira vanotsinhira kuti chitunha chakavigwa chisina rimwe ziso.
“Chitunha chakavigwa chisina ziso.
‘‘ Ndakamukira pamba apa mushure mekushevedzwa ndikanoona, ndikazosvitsa nyaya iyi kwaMambo Makope ndichivasuma zvakange zvaitika,” vanodaro Sabhuku Mwedziwendira.
Vanoenderera mberi vachiti, “Aya mashura, zvino tingati ziso rakaendepi iye munhu akabuditswa achiita zvekuzvuviwa kubviswa mumagumbeze echitunha? Hatisati takamboona zvakadai muno.”