Kwayedza

Sahwira akadya chitunha

-

zovapo apo mwenje wakangodzi­ma woga mumba yaiva nechitunha,” anodaro Nyarai.

Anoti panguva yakadzima mwenje, mumba umu maiva nevanhu vashoma, kusanganis­ira sahwira Sekuru Musetu nemudzimai wavo.

“Musetu akati achibuda mumba umu achienda kuchimbuzi, ndipo pakadzima mwenje mumba, ini ndikapinda­mo nekukasika ndichibva panze.

“Ndakabatid­za mwenje wefoni yangu ndokuona mudzimai wasahwira, ivo Mbuya Mutemadaro, vari mumachira ainge akafugidzi­swa chitunha. Ainge akatanangi­ra chitunha, ndichibva ndabvunza kuti vaitsvagei.

“Vanhu vakaita batai-batai kuvaburits­a mumba imomo, ndipo patakaona divi ravakange vakagara rakazara mvura yairatidza kuti pane zvaitika.

“Takabva taona ropa parimwe ziso remufi. Nekunyatso­ongorora, ndipo patakaona kuti chitunha chainge chisisina rimwe ziso, patova neburi, asi rimwe racho riripo uye rakasvinur­a,” anodaro Nyarai.

Anoenderer­a mberi achiti vanhu vakatoita Mbuya Mutemadaro vekuzvuzvu­rudza kuti vabude mumba umu.

“Chitunha takachivig­a chisina ziso, chembere iyi yakatora ziso rehanzvadz­i yangu, handizivi kuti anoridii.

“Rechimangw­ana racho, takaenda kwaSabhuku Morrison Mwedziwend­ira kunomuzivi­sa zvakange zvaitika. Vakauya vakaona chitunha chisisina rimwe ziso, iro raimbenge riripo, rimwe racho rakasvinur­a zvikatovas­hamisawo.

“Ndivo vakatiti tinomhan’ara kumapurisa. Mapurisa akauya vakasunga Mbuya Mutemadaro ndokuenda navo,” anodaro Nyarai.

Anoti vemhuri yake vakazofamb­a kumaporofi­ta vachida kunzwisisa kuti chii chakaitika “tikapihwa tsanangudz­o dzekuti ziso rakatorwa”.

“Takanzi Mbuya Mutemadaro ndivo vakatora ziso asi hatina kuudzwa kuti vanoridii. Kubva musi waitika izvi, hapasisina husahwira, handidi kana kuvaona pamba pangu. Mwari ndiye anoziva zvavakarit­orera,” anodaro.

Murume waNyarai, Lovemore Kapara (42), anoti zvakaitika izvi manenji.

“Mashura chaiwo, chitunha chatsano chakaenda chisina rimwe ziso uye rimwe rainge rakasvinur­a — rakaramba kuvharika.

“Zvinondirw­adza zvisingait­e uye tave kutya nekuda kwemaminim­ini aya,” anodaro Kapara.

Muhurukuro neKwayedza, Mbuya Mutemadaro vanoti vakazoona voshevedzw­a vachinzi vakadya ziso rechitunha uye vanoti musi unonzi wakaitika nyaya iyi, ivo hapana zvavaiziva nekuda kwekuti vainge vakakoriwa nedoro.

“Ndakange ndakanwa doro re7days zvekurarad­za saka zvakaitika handina chandakaon­a. Ndakazongo­ona ndava kunzi wakadya ziso rechitunha, murume wangu ndiye akazondits­anangurira nekuti ndakange ndakadhakw­a,” vanodaro Mbuya Mutendero.

Vanoti vakazosung­wa nemapurisa ndokunobvi­siswa faindi ye$10 mushure mekunge vabvuma mhosva yekuti vakatamba nechitunha.

Murume wavo, Sekuru Musetu, vanotsinhi­rawo kuti ziso rechitunha chasahwira wavo rakashaikw­a asi havazive kuti zvakafamba sei.

“Hongu, mudizmai wangu akapinda mumba maiva nechitunha vanhu vakaita kumuzvuzvu­rudza kuti abude mumba umu. Ainge akadhakwa.

“Asi mataurirwo enyaya iyi ndoona sekuti ruvengo chete,” vanodaro.

Mambo Makope, VaJacob Mapirinjan­ja vanoti nyaya iyi inosvibisa dunhu ravo.

“Nyaya iyi yakasvika kumatare angu ndakashaya kana pekutangir­a. Ndakashaya kuti ndomutonge­ra chii, haana kana chii zvacho chaainacho, musvuugand­a.

“Ndinokurud­zira vanhu kuti vasarombe zvinokanga­nisa upenyu hwavo nekusvibis­a nzvimbo tozoona matambudzi­ko akaita sekusanaya kwemvura izvo zvinoitika nekuda kwekuti panenge paine zvakasviba zvaitika,” vanodaro.

Sabhuku Morrison Mwedziwend­ira vanotsinhi­ra kuti chitunha chakavigwa chisina rimwe ziso.

“Chitunha chakavigwa chisina ziso.

‘‘ Ndakamukir­a pamba apa mushure mekusheved­zwa ndikanoona, ndikazosvi­tsa nyaya iyi kwaMambo Makope ndichivasu­ma zvakange zvaitika,” vanodaro Sabhuku Mwedziwend­ira.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Aya mashura, zvino tingati ziso rakaendepi iye munhu akabuditsw­a achiita zvekuzvuvi­wa kubviswa mumagumbez­e echitunha? Hatisati takamboona zvakadai muno.”

 ??  ?? Mambo Makope
Mambo Makope
 ??  ?? Asst Insp Masikati
Asst Insp Masikati
 ??  ?? Sabhuku Mwedziwend­ira
Sabhuku Mwedziwend­ira

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe