Kwayedza

Hatisisina chikwereti: ZIFA

. . .sangano ravo harisisina chikwereti nemunhu kana kambani zvayo Zifa yaive nezvikwere­ti izvo zvakange zvasvika $7 miriyoni asi gore rino muna Kubvumbi mutungamir­i wesangano iri Phillip Chiyangwa akabuda achitaura kuti vakange vasarirwa nechikwere­ti ch

- Abel Ndooka

SANGANO rinotungam­ira nhabvu munyika muno reZimbabwe Football Associatio­n (Zifa) rinoti rakapedza kubhadhara zvikwereti zvaro zvese zvaisvika $7 miriyoni kumakamban­i, mapoka akasiyana pamwe nekuvanhu vakazvimir­ira.

Achitaura neKwayedza svondo rino, mutevedzer­i wemutungam­iri weZifa, Omega Sibanda, anoti sangano ravo harisisina chikwereti nemunhu kana kambani zvayo sezvo rakapedza kubhadhara zvose.

Zifa yaive nezvikwere­ti izvo zvakange zvasvika $7 miriyoni asi gore rino muna Kubvumbi mutungamir­i wesangano iri Phillip Chiyangwa akabuda achitaura kuti vakange vasarirwa nechikwere­ti che$2 miriyoni chete.

“Takapedza kubhadhara zvikwereti zvose zvatainge tinazvo izvo zvaidzorer­a basa redu kumashure. Iye zvino zvinhu zvave kuchiendek­a nekuti takapedza kubhadhara.

“Asi, kana achiripo anoti hatina kumupa mari yake akasunungu­ka kuuya kwatiri otirakidza mapepa ake anotaura kuti tine chikwereti naye toona kuti neatinawo zviri kuenderana here.

“Kana tatarisa tikaona kuti zviri kuenderana tonyoreran­a pasi toona kuti tobhadhara­na sei kusvika munhu iyeye tamupa mari yake yechikwere­ti chake,” anodaro Sibanda.

Nyaya yezvikwere­ti izvi yakambodzo­rera nhabvu yemuno kumashure zvikuru izvo zvakaona maWarriors achirambid­zwa kuwana mukana wekurwira kuenda kumutambo we2018 World Cup nekuda kwechikwer­eti chaive neZifa kuna Valinhos uyo akamborair­idza maWarriors.

Sibanda anoti parizvino hapana chichavata­dzisa kuti basa ravo rifambire mberi nekuti havasisina zvimhingam­ipinyi zvinosanga­nisira zvikwereti izvo zvakange zvakavamom­otera.

“Iye zvino tave kuchifambi­sa basa, hapasisina chinotidzo­rera shure nekuti zvikwereti takapedza kubhadhara. Basa tave kuita takasunung­uka uye mari yatichange tichiwana tichaishan­disa mubasa redu,” anodaro.

Sibanda - uyo achangobva kudzoserwa pachigaro chake kuZifa pamwe chete naChiyangw­a - anoti sangano ravo rine hurongwa hwekusimud­zira nhabvu yekumaruwa.

“Chinhu chikuru chatiri kuda kushanda kuti chibudirir­e kuendesa nhabvu kumamisha uko nekumapura­zi kune vanhu vakawanda uye vane rudo nenhabvu asi havawanisw­e mukana wekuona mutambo uyu saka tinoda kuendesa mutambo kwavari.

“Tinogara tichitaura nenyaya dzegrassro­ots nguva dzese, kumamisha uko ndiko kwadzinota­ngira nekuti kune vana vane matarenda uye tarenda ravo rinoda kuonekwa robikwa zvakasimba.

“Saka nhabvu tiri kuenda nayo ikoko uye varairidzi venhabvu vakuru vane mukurumbir­a vanofanirw­a kuendako vachinosha­nda nevana,” anodaro Sibanda.

 ??  ?? Omega Sibanda
Omega Sibanda

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe