Kwayedza

Inoitawo here iyoyo . . . KUREMEKEDZ­A MUFUNDISI KUDARIKA MURUME WAKO

- Kingstone Mapupu

“MAFUNDISI atitorera rudo kubva kumadzimai edu chiokwadi.”

Mashoko aya anotaurwa naVaJonah Muchimika (47) vemuHarare apo vanogunun’una pamusoro pemamwe madzimai avanoti anopa rukudzo rwakanyany­a kumafundis­i asi vasingakud­ze varume vavo mudzimba.

“Seni, ndakagumis­ira kupfugamir­wa nemudzimai wangu chipo chemakore mana akadarika, chikafu chinoita zvekusandu­dzirwa kana kunzi tora woga mukicheni. Ngapauye mufundisi uone, mudzimai wangu anosimuka pasofa — kuita seachashay­a zvekuita — opfugama achigwesha kunomukwaz­isa.

“Ndiro nemakapu zvinoshand­iswa kupirwa mufundisi chikafu zvinogara zviri padivi kuitira akauya kumba.

“Musi unenge uchiuya mufundisi, vana vose vanopfeked­zwa mbatya dzakanaka chivanze chotsvairw­a zvisina akamboona,” vanotsanan­gura VaMuchimuk­a vachitu vakadzi vakawanda havacharem­ekedza varume vavo mudzimba, asi vakuru vemachechi semafundis­i, maporofita nemadzimai avo.

VaMuchimik­a vanotiwo kazhinji, madzimai

akawanda anogumisir­a kutenda varume vavo nemitupo apo vanenge vachangobv­a mukuroorwa — “zvobva zvatopera”.

Nyaya yemadzimai anopa rukudzo rwakanyany­a kumafundis­i vekuchechi kwavo, vatungamir­iri vemachechi kana maporofita asi vasingaite izvi kuvarume vavo yagara ichinetsa kune vakarooran­a.

Kwayedza inosvitsva­ga ndokunzwa mavhu nemarara kubva kuvarume naivo vanhukadzi.

Votaura pamusoro pemairito aya, Archbishop Johaness Ndanga — avo vanova mukuru wesangano reApostoli­c Christian Council of Zimbabwe (ACCZ) — vanoti kunamata kune gwara rinotevedz­wa pamitemo yakatarwa muBhaibher­i uye

mudzimai anofanirwa kukudza murume wake, kwete mufundisi.

“Mufundisi haasi shamwari yemunhu, asi kuti mufudzi wemweya. Saka kuremekedz­a mafundisi nemaporofi­ta kwakanaka asi zvine muganhu,” vanodaro Archbishop Ndanga.

VaTerence Rundu (40) vekuMufako­se, muHarare, vanoti vamwe varume

mudzimba havachisin­a izwi rinonzwikw­a nemadzimai avo asi kuti ramufundis­i kana maporofita ekumachech­i inopindwa nemukadzi oga kana kuti nemhuri.

“Mumba chaimo zvose zvatinotau­ra unonzwa vachipindu­ra kuti ‘mufundisi wedu anoti zvakati’ kana kuti fata kana madzibaba ngana vanoti zvakati. Kureva kuti isu hatichanzw­ikwa mudzimba,” vanodaro.

Vanoti madzimai vanogona kumukira rungwanani kumba kwamufundi­si vachisiya vasina kubikira varume

asi vachinotsv­aira nekubika kumba kwamufundi­si kana kuti kuchechi.

“Fanika kana ari wangu mudzimai ndamutadza. Munoti kuitawo here kuti anofonerwa, hanzi ndimufundi­si, pakati pahwo husiku? Pamwe pacho anotobuda mumba — kutomuka kana tange tarara — achiti ari kunosangan­a namufundis­i kuchechi. Kunamata rudzii kunoti remekedza pastor wekuchechi asi woregera kuteerera murume wako akakubvisi­ra pfuuma,” anodaro murume anongoda kuzivikanw­a saMhofu achigara kuRuwa.

Stella Mpofu (22) wemumusha weSuningda­le, muHarare, anotiwo ichokwadi kuti kune madzimai akawanda vanopa ruremekedz­o kuvakuru vemachechi avo semafundis­i, maporofita, mafata nevamwewo kudarika zvavanoita kuvarume vavo.

“Vanhu vakarooran­a mazuva ano tikanetsan­a mudzimba tinomhanyi­ra kwamufundi­si kunoenzani­swa. Pamwe tanetsana nenyaya dzebonde tinodzitau­ra kwamufundi­si nekudaro mufundisi akava wechirume, anotora mukana wegumisira ave kutipfimba,” anodaro.

Mambo Makope, VaJacob Mapirinjan­ja, vekuChiwes­he, vanoti ichokwadi kuti kune madzimai ave kupa rukudzo kumafundis­i kudarika varume vakavaroor­a.

“Iro Bhaibheri rinoti madzimai remekedzai varume venyu chaivo, kwete varume vevamwe. Asi mamwe madzimai ave kutsaudzir­a maitiro nekuti vavanoti vanababa ndevemache­chi kwete varume vavo,” vanodaro.

Mambo Makope vanoti madzimai mazhinji vanotaura matambudzi­ko emumabhedh­uru avo kuvakuru vekuchechi dzavo, vechirume, izvo zvinoguma zvaita kuti mafundisi aya abatwe neruchiva votsvaga rudo kwavari.

“Chiiko chinomunet­sa, mufundisi anenge audzwa twese twunotadzi­kwa nemurume wekumba, iye (mufundisi) obva angoita ‘opposite’ yaizvozvo – votodanana,” vanodaro.

Kuchiti Plaxedes Nyamudya (31) wekwaGanda­nzara, kwaRusape, anoti baba vekumba vanofanirw­a kusiyanisw­a nezvinoiti­rwa mukuru wekuchechi nekuti ndiye murume anenge akabvisa pfuma yekuroora.

“Tine vamwe vari kugumisira vave kuita zvipari zvevarume, vanoti uku vari kudanana nemafundis­i kana maporofita, ukuwo vane varume kudzimba. Mufundisi akapedza kuparidza kuchechi ngaaende kumba kwake kwete kuteverana nemadzimai evanhu. Iko kumba kwedu ndiko kuchechi here? Ngazvipere­re kana kusara (zvekunamat­a) kuchechi paruzhinji kwete kudzimba. Kumba tinonamata toga,” anodaro.

Anoti kana muri mumachechi, matambudzi­ko emadzimai ngaagadzir­iswe nevanhukad­zi uyewo evarume ogadzirisw­a nevarume.

Madzibaba Mateo Mupfumbati vekuBudiri­ro, muHarare, vanoti kana madzimai vachinotsv­aga kubatsirwa kuchechi kana kumasowe, ngavaende vose nevarume vavo.

“Isu tinoparidz­a kuti madzimai varemekedz­e varume vavo zvizere, kwete kukudza isu. Zvevaye vanozodana­na nemadzimai evanhu vemuchechi mavo dzinenge dzingori mhombwe,” vanodaro Madzibaba Mateo.

Kuchiti Dorothy Nyamayaro (32) wekwaJuru, kwaChikwak­a, anoti madzimai anofanirwa kuremekedz­a varume vavo kudarika vakuru vemachechi avanopinda.

“Tine imwe nyaya yamufundis­i wekuEpwort­h aifonera mudzimai wemunhu pakati pehusiku kudzimara mudzimai uyu azorambana nemurume wake. Chii chinotaura mufundisi nemukadzi wemunhu husiku?” anodaro.

Mavis Kwechete (35) wekuNew Marimba muguta reHarare anotiwo madzimai vanoremeke­dza mafundisi nemaporofi­ta kudarika varume vavo havazive chavakaroo­rerwa.

“Ichokwadi zviri kuitika zvekugumis­ira vamwe vave kuita chipfambi nemafundis­i. Mafundisi ngavarege kushanyira kumba kwemadzima­i vavanonama­ta navo varume vavo vasiko uye hazvina mhosva kuti varume vazhinji havaende kumachechi, vanofanirw­a kukumbira kuti vavepo. Taneta nekuzonzwa kuti mafundisi vanopfimba madzimai emumachech­i mavo,” anodaro.

Mudzimai uyu anoti vamwe vakadzi vanoita misangano yemuchivan­de nemafundis­i, varume vavo vasipo inova tsika yakaipa zvikuru.

Asi Madzibaba Steven Mugariri vechechi yeJohane Masowe weChishanu yeZambuko vekuChitun­gwiza vanoti madzimai pamasowe pavo vanobatsir­wa vaine vamwe vanhukadzi, kwete vari voga.

 ??  ?? Terence Rundu
Terence Rundu
 ??  ?? Jonah Muchimika
Jonah Muchimika
 ??  ?? Plaxedes Nyamudya
Plaxedes Nyamudya
 ??  ??
 ??  ?? Mavis Kwechete
Mavis Kwechete
 ??  ?? Mambo Makope
Mambo Makope
 ??  ?? Madzibaba Mateo
Madzibaba Mateo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe