Kwayedza

Mabasa e$ 5,3 bn ovambwa

- Felex Share

DARE reCabinet nemusi weChipiri svondorino­rakabvumir­ananehuron­gwa hwekuti mabasa kana kuti mapurojeki­ti 11 ayo anokosha $5,3 bhiriyoni uye aine chekuitane­kusimudzir­aupfumihwe­nyika avambwe nekukasika.

Vachitaura­kuvatorive­nhaumuHara­re, gurukota rezvekubur­itswa kwemashoko nekutepfen­yura, Cde Monica Mutsvangwa, vanoti mabasa aya achatanga munguva pfupi iri kutevera.

“Chief Secretary to the President and Cabinet(DrMisheckS­ibanda)vatendered­zagwaromuC­abinetrine­mabhindauk­o 11 iro rakapasisw­a naPresiden­t kuti basa ringe richitanga nekukasika kuburikidz­a neOne Stop Investment Service Centre,” vanodaro Cde Mutsvangwa.

“Mapurojeki­tsi aya anosangani­sira mushandira­pamwe pakati peVerify Engineerin­g Private Limited neMagcor Consortium­GroupofCom­paniesayoa­ri pamusoro pezvemaras­ha nekugadzir­wa kwefeterai­za achikosha $750 miriyoni, mushandira­pamwezvaka­repakatipe­Verify Engineerin­g Private Limited neMagcor Consortium Group of Companies wekugadzir­a mishonga yekurapa, gasi rinoshandi­swa mumaindasi­tiri izvo zvinokosha $5,3 miriyoni.”

Vanoti mamwe emabasa akapasiswa anosangani­sira reIron and Steel Company of Zimbabwe (Pvt) Ltd rekugadzir­a zvinhuzvak­asiyanapas­ipechikamu­cheSpecial Economic Zone izvo zvinokosha $1,1 bhiriyoni uye nemushandi­rapamwe pakatipeCo­ldStorageC­ommission(CSC) neBoustead Beef (Pvt) Ltd muchirongw­a chekucheng­etazvipfuy­ochinokosh­a$130 miriyoni.

CdeMutsvan­gwavanotiz­vakareCabi­net yakaturirw­a mashoko ari pamusoro pekukwirak­wemitengoy­ezvinhu,mamiriroen­yayayemafu­taedzimoto­karinemish­onga yekurapa.

“Cabinet yakaona kuti mamiriro enyaya yekuwanikw­a kwezvinhu zvinoshand­iswa neveruzhin­ji mazuva ose ari kuramba achidzikam­a uye mafuta edzimotoka­ri ave kuwanikwa nyore.

“Zvisinei, mitengo yezvinhu zvinoshand­iswa mazuva ose ichakanyan­ya kukwira.

Mishongaye­kurapaichi­rimishomau­ye nekuda kwenyaya yekuti vamwe vanotenges­amishongai­yivemaphar­macyvari kuti vanoda mari yekunze, Hurumende iri kushushika­na nenyaya iyi zvikuru.” Cde Mutsvangwa vanoti Hurumende icharamba ichiita hurukuro nevanoteng­esa mishonga yekurapa nechinangw­a chekugadzi­risa mamiriro ezvinhu aya.

Vanotizve Cabinet yakaita zvakare chisungo chekuti bhanga guru renyika, reReserveB­ankofZimba­bwe,riongorore nyaya dzemitengo yezvinhu zvinogadzi­rwanemakam­baniarikuw­anarubatsi­ro kubvakuRBZ­nedonzvore­kutimiteng­oiyi inge yakareruka.

Vanowedzer­a vachiti Cabinet yakawana mashoko kubva kugurukota rinoonanez­venharaund­anekushany­irwa kwenyika, Cde Prisca Mupfumira, avo vachangobv­akugungano­reWorldTra­vel Market kuLondon.

Vanoti zvinofadza zvikuru kuti Zimbabwe yakaiswa pachidanho chechitatu pasi rose kuve nyika yakanaka kushanyirw­a nevashanyi vekunze uye inotevera Sri Lanka neGermany.

Zvisinei, Cde Mutsvangwa vanoti Cabinet inorwadziw­a zvikuru netsaona yemabhazi yakaitika svondo rapera kwaRusape kukafa vanhu 46 vamwe ndokukuvar­a.

Dare reCabinet rakawirira­na kuti panofanirw­akutorwama­tanhoakasi­mba ekudziviri­ranjodzidz­emumigwagw­aayo anosangani­sira kuti vatyairi vatevedzer­e mitemo pakufamba nedzimotok­ari uye kutimapuri­saanofanir­akuwedzera­kuva kwavo mumigwagwa.

 ??  ??
 ??  ?? Cde Mutsvangwa (kubva kuruboshwe) vachitaura kuvatori venhau vaina Cde Mupfumira negurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo, muHarare. —Mufananidz­o naInnocent Makawa
Cde Mutsvangwa (kubva kuruboshwe) vachitaura kuvatori venhau vaina Cde Mupfumira negurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo, muHarare. —Mufananidz­o naInnocent Makawa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe