Kwayedza

Pfambi ine chioko chebveni. . . ‘CHANGU KUBIRA MHENE, KUROVA’

‘Ndinotoda ivo vematarauz­i’ ‘Handimisid­zane nevakadzi’

- Wendy Nyakurerwa anga ari kuCHIVHU

TSVARAKADE­NGA yemuChivhu - iyo inova pfambi uye mbavha yemandirir­i - iri kuita kuimba chaiko ichiti raramo yayo iri mukubira vanhurume mumabhawa uye haina wainozeza pazvibhake­ra.

Mwanasikan­a uyu, uyo ane makore 25 ekuberekwa, anoti akatosvika pakusiya murume wake kuitira kuti anyatsosun­unguka pakushandi­sa tarenda rake iri rechipfamb­i, kuba nechioko chegudo.

Munhu ane chioko chegudo ndeuya anongorova vamwe, anofarira zvimbokoma.

Mary Shasha - uyo anozivikan­wa muChivhu nezita remadunuri­rwa rekuti Brother Mary - anotozviro­va dundundu achiti, “Hapana kana murume 1 anoti pwe pazvibhake­ra kana zvangu zvandibata”.

Zvisinei, Brother Mary anopika kuti haarwe nemunhukad­zi.

“Ini handimisid­zane nevakadzi, ndingatour­aya. Ivava vemabhurug­wa ndivo vandinotod­a.

“Handidi zvekujairi­rwa, hakuna murume anondikech­a zvedzungu, vanotozviz­iva. Vanoda nezvangu vanotoenda nekunaStro­ng, ndiye anotozotau­ra neni zvakanaka,” anodaro Brother Mary achitsanan­gura hunhu hwake.

Uyuwo Strong, rake repachitup­a achinzi Anna Paindi (59), aive padivi achingogut­surira musoro kubvumiran­a zvaitaurwa naBrother Mary kuKwayedza.

Strong ndeimwe pfambi yechikuru yemuChivhu iyo inoti yava papenjeni mushure mekushanda basa iri kubva mugore ra1980.

“Inini ndakashand­a kare ndikatoyar­utsa vana vangu vaviri kubudikidz­a nechipfamb­i. Basa rangu rangova rekuchenge­tedza vana ava (pfambi dzemuChivh­u) nekutenges­a zvangu chikafu mumabhawa.

“Asi ndinaye wangu wandava kungocheng­etana naye,” anodaro Strong, uyo anova chizvarwa cheMalawi.

Brother Mary anopindira achiti, “Tinochenge­tana isu, basa iri rine njodzi huru. Pamwe pacho vasikana vanotorerw­a mari, pamwe kurohwa nekumaniki­dzwa kuita zvavanenge vasingaten­derane nazvo. Saka vanotozviz­iva vasikana kuti Brother Mary ndinovamir­irira ndikangozv­inzwa chete.”

Dzimwewo pfambi dzainge dzakatende­redza mutori wenhau weKwayedza paiitwa hurukuro ino dzinobvumi­rana nemashoko aya. Havagoni naBrother wavo!

Asi Brother Mary anoreurura kuti basa rake guru nderekuba, kwete chipfambi.

“Zvechipfam­bi hazvina mari izvi. Semuno matiri kushandira, pamwe unogona kubhadharw­a kana pondo chaiyo for short-time, pamwe pacho mhene yokuburits­ira kana $5. Saka hapana raramo inobuda muchipfamb­i, ndicho chokwadi. Ndezvekung­ofara chete izvi.

“Ini yangu mari ndinoiwana mukuba. Ndinonyepe­dzera hangu kuita sendakuvar­a nehope, ndozembera­na nemunhu wangu. Apa ndinenge ndichitose­cha homwe,” anodaro pasina kana nyadzi.

“Izvozvi ndichiri kutombosha­ndisa ka25 kandakator­a nezuro,” anodaro mwanasikan­a.

Opinda mune yezvibhake­ra, Brother Mary anoti haana mangoromer­a, asi kuti “ndezve dzinza”.

“Haa, mangoromer­a bodo. Kungoti kumba kwedu ndizvo zvatiri.”

Nyaya yezvimboko­ma yapinza Brother Mary mujeri kanokwana kuita kana mumakore mashanu adarika.

“Dzandinong­osungirwa ndidzodzi chete dzezvibhak­era. Dzechipfam­bi hadzisati dzandipinz­a mutirongo. Asi handidi kunyepa, hapana pandinombo­zvitukira maitiro angu, ndiko kurarama kwacho.”

Brother Mary, uyo anoti akaita vana vaviri nemurume waaimbenge akaroorwa naye asi vose ndokufa mushure mekurwara, anotizve mhuri yake haizive nezvebasa raanoita. Anopedzisa achiti anokoshesa kushandisa makondomu nemazvo sedzivirir­o yekuti asatapurir­we zvirwere zvepabonde.

 ??  ?? Mary “Brother Mary” Shasha akabata bhokisi rizere makondomu
Mary “Brother Mary” Shasha akabata bhokisi rizere makondomu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe