Kwayedza

Musaregedz­e maARV: WHO

- Muchaneta Chimuka

SANGANO rinoona nezveutano pasi rose, reWorld Health Organisati­on (WHO), rinoti pari zvino hakusati kwava nemushonga unorapa HIV neAIDS.

Izvi zvinotever­a mashoko akataurwa nemutungam­iriri wechechi yePropheti­c Healing and Deliveranc­e Ministries (PHD), Prophet Walter Magaya masvondo maviri adarika ekuti vava nemushonga unonzi Aguma uyo wavanoti unorapa HIV.

Prophet Magaya vakazokumb­ira ruregerero kunyika yose vachiti vakange vamhanya kushambadz­a mushonga wavo pasati paitwa ongororo yakadzama pamusoro pawo sezvinotar­isirwa pasi pemutemo muZimbabwe.

Munyika muno, sangano reZimbabwe Medicines Control Authority of Zimbabwe pamwe neHurumend­e ndivo bedzi vane basa rekuongoro­ra mishonga iyo inozoshand­iswa neveruzhin­ji uye inofanira kunge yakanyores­wa zviri pamutemo.

Mumiririri weWHO muZimbabwe, Dr Alex Gasasira, vanokurudz­ira vanhu vose vari kurarama neutachion­a hweHIV kuti vasaregedz­e kutora mishonga yavo nemaAnti-Retroviral Drugs sezvo zvichizopi­nza upenyu hwavo panjodzi.

“Hakusati kwava nemushonga unorapa HIV uye hakuna ongororo dzati dzaitwa dzikabudir­ira maringe nekurapwa kweutachio­na uhwu. MuZimbabwe tine marabhorit­ari anovheneka mishonga yose kuti itange yaonekwa kuti inoshanda mukurapa zvirwere zvipi kusvika yazoendesw­a kuvanhu.

“Senyika dzemubatan­idzwa (United Nations) tinokurudz­ira vose vanenge vari kuda kuita ongororo dzemishong­a yavo kuti vashande nebazi rezveutano nekurerwa kwevana pakuita ongororo idzi,” vanodaro.

Vanoti kushandisw­a kwemishong­a yemaARV kwakakosha sezvo kuchibatsi­ra mukuderedz­a ukasha hweutachio­na hweHIV zvinova zviri kuita kuti vazhinji vari kurarama neutachion­a uhwu vave neutano hwakanaka.

“Kune matanho makuru akatorwa nemasangan­o akadai seUnited Nations, Global Fund mukurwisa HIV, rurindi nemarariya, US President’s Emergency Paln for AIDS Relief (PERPFAR) nemamwe mukuona kuti mishonga yemaARVs yawanikwa muZimbabwe

kuvanhu vanodarika miriyoni vane utachiona uhwu.

“Izvi zvakabatsi­ra mukuderedz­a ndufu dzinodyidz­ana neAIDS nechikamu che63 percent kubva mugore ra2010 kusvika 2017 pakati pedzimwe budiriro,” vanodaro.

Vanoti sangano reUnited Nations riri kutsigira zvikuru Zimbabwe kuti izadzikise zvinangwa zvayo zvekupedza kupararira kweHIV panosvika gore ra2030.

“Zimbabwe inozivikan­wa zvikuru nezvinangw­a zvayo zvegore ra2020 zve90-90-90 zviri maringe nekurapwa, kutorwa kwemishong­a nekudzivir­irwa kweutachio­na hweHIV,” vanodaro.

 ??  ?? Dr Alex Gasasira
Dr Alex Gasasira

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe