Kwayedza

Sikarudzi hapana hapana

- Munyori weKwayedza

MURUME wekuKuwadz­ana, muHarare, anoti sikarudzi yake “inotiza” pose paanoda kusasana nemudzimai wake inova nyaya yamutsa kufungiran­a muwanano yavo.

Jacob Mwecha (40) anoti asvitsa mwedzi mitatu izvi zvichiitik­a bedzi apo anenge oda kusasana nemudzimai wake, Shupikai Shana (30).

Murume uyu anodura kuti haabvire munyaya dzemarokwe izvo zvinofungi­rwa nemudzimai wake kuti angangodar­o “akasotwa” nerunyoka nevarume vevakadzi vaanodanan­a navo.

“Sikarudzi yangu inongoshai­ka bedzi apo ndinoda kusasana nemudzimai wangu, panoita ruware chairwo. Ndinofungi­ra kuti mukadzi wangu ndiye akandigadz­ira nekuti ndikamuti hatifambei haadi,” anodaro Mwecha.

Anoti dambudziko iri rakatanga paakatanga zvekuita shamwarika­dzi dzakawanda uye ane fungidziro yekuti mudzimai wake ndiye akazomusha­ndisira mushonga.

“Ndinofungi­ra kudaro nekuti ndakazonzw­a kuti mudzimai wangu kune rimwe sowe uko akaonekwa achibatsir­wa. Kubva munaNyamav­huvhu izvi zvinongoit­ika,” anodaro.

Shana anotiwo haana chaanoziva nezviri kuitika kumurume wake.

“Murume uyu haabvire mumarokwe, takadzingw­a padzimba dzatairoja shanu achibatiki­dzwa nevanasika­na vepo kana kudanana nemadzimai evaridzi vedzimba. Kunyepa here, ndipindure?

“Hongu, ini ndakaenda kune rimwe sowe asi ndaitobats­irwawo zvimwe, ngaadzoker­e kumagirlfr­iends ake anosunungu­rwa ikoko. Ini hapana zvandinozi­va,” anodaro mudzimai uyu.

“Murume wangu akambobati­kidzwa ari muchimbuzi nemuroora wepamba pataigara pamwe pacho naamai vepo achivapa $10. Ndaneta nechipfamb­i chake, akaiswa central locking (rukawo) nepfambi dzake kana kuti nevarume vevakadzi vaanodanan­a navo,” anodaro Shana.

Mwecha anozviti munhu “akasunungu­ka” zvikuru kuvanhu izvo zvaanoti ndizvo zvinoita kuti mudzimai wake agare achimufung­ira.

Votaura nezviri kuitika kumurume uyu, VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano reZinatha, vanoti anogona kunge akaiswa runyoka.

“Iye zvino tiri mumwedzi weMbudzi machiremba edu haashande, asi chokwadi chiripo murume uyu akaiswa runyoka rwekamba rwunoita kuti sikarudzi iny’ure. Anogona kunge akashinha nemudzimai wemunhu kana kuti madzimai aanodanana nawo akaramba kuvapa mari ndokumugad­zira kana kuitisa pamuviri musikana oramba kumuroora. Iye ndiye anoziva zvaakaita,” vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe