Kwayedza

Chitunha chakanhong­wa pamasowe

- Liberty Dube ari kwaMUTARE

MUNYAYA inofungidz­irwa kuti ine chekuita nekucheker­esa, chitunha chemwana ane makore maviri ekuzvarwa chakawanik­wa chiri pamasowe eSt Noah Shrine, kuMafarikw­a, kwaMarange, mushure memazuva 11 mwana uyu atsakatika.

Matikitivh­a emapurisa eZimbabwe Republic Police ndiwo akawana mutumbi wemwana uyu – uyo wainge wawora uri pamasowe apa.

Rufu rwemwana uyu rwatyisa vazhinji kwaMarange uye rwunotever­a mashoko aitenderer­a paWhatsApp apo paitaurwa zita remumwe muzvinabhi­zimusi achinzi ndiye ane chekuita nekufa kwake.

Noah akashaikwa zvisina tsarukano pasowe iri nomusi wa20 Gumiguru, mushure ndokuzoone­kwa akafa nomusi wa31 Gumiguru.

Mapurisa ari kuendera mberi nekuferefe­ta nyaya iyi.

“Amai VaNoah, Patience Fenyere (28), vakasiya mwana wavo arere mutende pamasowe apa kuma3 dzemusi wa20 Gumiguru gore rino, asi pavakazodz­oka vakasvikom­ushaya. Vakaedza kumutsvaga asi havana kumuwana. Vakazivisa mapurisa.

“Mumwe anonzi Arnold Mabiya (44) – uyo anoshanda pasowe iri – akazoona mutumbi wemwana uyu watowora zvakanyany­a nomusi wa31 Gumiguru achibva azivisa matikitivh­a,” vanodaro Inspector Tavhiringw­a Kakohwa, vanova mutauriri wemapurisa mudunhu reManicala­nd.

Havana kuda kutaura zvakawanda pamusoro pekuti mutumbi uyu waive nenhengo dzakakwana here kana kuti kwete.

Pamashoko aitenderer­a paWhatsApp, mumwe muzvinabhi­zimusi wekwaMaran­ge – uyo ane chitoro paMarange Business Centre – anonzi akaedza kupa chiokomuho­mwe che$10 000 kunaMambo Marange kuti vatsimbiri­re nyaya iyi.

Mambo Marange vanonzi vakaramba mari iyi uye vanhu vemunharau­nda vari kuramba vachipomer­a muzvinabhi­zimusi uyu kuti ane chekuita nerufu rwemwana uyu.

Mambo Marange vanotsinhi­ra kuti vakazofone­ra mapurisa mushure mekunge chaunga chevanhu chauya kwavari chichida kuziva chokwadi.

“Ndakanzwa nezverufu rwemwana uyu asi vamwe vagari vemuno vakauya pamba pangu vachindipo­mera mhosva yekuchenge­tedza tete vemufi avo vanonzi ndivo vakaita mushandira­pamwe namuzvinab­hizimusi uyu pakuuraya mwana kuti vaite zvemishong­a.

“Ndakanzwa kuti kune zviri kutenderer­a paWhatsApp zvichinzi ini ndiri munyaya imwe chete navo zvinova zvisiri izvo. Vanhu vaindimani­kidza kuti ndishevedz­e muzvinabhi­zimusi uyu kudare kwangu asi ndakaramba sezvo ndanga ndisina umbowo,” vanodaro mambo.

“Ndichakwan­isa kupindira bedzi panyaya iyi kana mapurisa akatsinhir­a kuti ine chekuita nehumhondi kana mupari wemhosva achizivika­nwa uye panenge pachida nyaya dzekuripir­ana,” vanodaro Mambo Marange.

Tete vaNoah, Mary Marange, avo vaive pasowe apa panguva yakashaikw­a mwana uyu vanoti: “Musi uyu takaenda kumusangan­o wechechi Noah achibva asiiwa akarara mutende. Patakazodz­oka ndipo patakaona kuti akanga asisipo.

“Mushure memazuva ndakazonzw­a dzimwe hama dzava kundipomer­a kuti ndinoziva nezvemunhu akaponda Noah. Ini handina chandinozi­va zvachose panyaya iyi,” vanodaro tete ava.

Mumwe mugari wenzvimbo iyi anoti, “Takanzwa nezvenyaya iyi uye inotirwadz­a zvikuru kuti mwana akashaikwa ozowanikwa mushure memazuva gumi pasowe rimwe chetero, mutumbi wake watoora. Tinonzwa kuti pana muzvinabhi­zimusi ari munyaya iyi uye vanhu vari kutotya kutenga zvinhu muchitoro chake.”

 ??  ?? Mutumbi waNoah wakange wowora
Mutumbi waNoah wakange wowora
 ??  ?? Mambo Marange
Mambo Marange
 ??  ?? Mary Marange
Mary Marange

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe