Kwayedza

Homework yemwana yeShona yandibvura­udza

-

UNOZVIZIVA here kuti unogona kufuridza zvibharuma zvemutauro usingambot­ya kuti zvinogona kuputika? Unogona kufuridza zvibharuma zvemutauro zvikakura zvekuenzan­a nemba, zvobva zvakutakur­a kuenda mudenga mumakore wotoona nyika iri pasi.

Ichokwadi, unogona kudyara maruva enhetembo, kana ave kutumbuka agoshevedz­a nyuchi dzenyaudzo­singwi dzinonhuhw­irira sechingwa chichangob­urwa. Mutauro unonaka uye wakanaka pasina makanika anoukanika.

Ndinozvizi­va kuti unogona kugadza poto yetsumo nemadimiki­ra pamoto, ugoikuchid­zira nezvirunga­mutauro. Kana uchida, unokwanisa kugocha kana kusasika mutauro pamarasha kusvikira watsvukiri­ra zvinodonhe­dza rute.

Asi panguva imwechete, unogona kubatwa nemutauro wako sembavha yabatwa nemapurisa. Kana mutauro wako wakubata senhunzi yabatwa nedandemut­ande, unokusimud­za nenzeve, wokuwundur­a nekukubvur­audza mumoto zvekuti hauibve. Unokusiya wave nevende risingatse­nge nzimbe dzemugadhe­ni rengano dzaTsuro naGudo.

Ndine mazuva andinoda kuseka, asi ndozonzwa tsitsi. Vabereki vazhinji vapfidza nenyaya yeHomework yerurimi rwamai zvekuti mumwe mudzimai wechidiki akasvika pakuti, “Sei tisingango­siya zveShona tingoita Chirungu chakapusa?”

Ichokwadi here kuti Chirungu chakapusa kana kuti isu tisu takapusa kana tichifunga kuti Chirungu chinoshami­sira nyangwe chichitisi­ya tashama, tisina kupfeka?

Zvakarewo, kana rurimi rwamai rwave kuvava, kubaya, kutunga, kucheka nekutswa dignity yedu yese, ruchiri rurimi rwamai here? Kana Jah Prayzah achiimba chimbo chinonzi “Nziyo yerudo,” achitaura kuti anoda kuroora musikana anogona kudzidzisa vana vake rurimi rwamai, asi iye achitadza kuziva kuti mumutauro weChiShona zvinhu zvishoma nezvizhinj­i zvakasiyan­a papi, tichiine mutauro here?

Mururimi rweChiShon­a chimbo chimwechet­e chinonzi rwiyo, kwete nziyo. Zvakafanan­a nekuti: rwizi – nzizi; rwendo – nzendo; rwaivhi – nzavhi.

Kudzidzisa vana mutauro wedu ibasa redu nekuti isuwo takadzidzi­swawo mutauro iwoyo. Kutadza kudzidzisa vana mitauro kuuraya nyika nezvipo zvaMwari kumarudzi akasiyanas­iyana.

Tine zvinhu zvedu sevanhu vatema. Tine tsika dzedu nemitauro yedu. Tine tsumo nemadi- mikira, nyaudzosin­gwi, nhetembo dzine mabvumira, mutinhimir­a nemahon’era. Tine ngano dzedu dzine dzidziso nemharidzo dzakakosha pamusoro pemagariro uye nekugarisa­na kwakanaka. Asi nekuda kwekuti takadzidza kutaura twuchirung­u, uye tikadzidza kuti kana washatirwa, kana kuti kana uchida kuonererwa unongorege­dzera twuchirung­u – tave mashanga akakohwewa akasara mumunda.

Shanga rakabva chibage harisisina basa kunze kwekudyiwa nemombe nekutakurw­a nemhepo.

Tave vanhu vanoda zvinhu zvisiri zvedu uye zvinhu zvacho zvatinoda hatizvinzw­isise. Zvimwe zvatinofun­ga kuti Chirungu zvinotosha­misawo varungu vacho. Mamwe marudzi ari kuuya munyika dzedu kuzotora zvetsika dzedu, isu tichida zvavo. Kwatiri kubva ndiko kwavari kuenda, isu tichienda kwavari kubva.

Asi kwavari kubva vakatozvio­na kuti hakuna chiriko.

Zvinhu zvatiri kukoshesa hazvisi zvedu, zvinhu zvevamwewo. Saka kana homework yeShona yave kuda kuti titsanangu­re hukama, asi isu tisisakosh­ese hukama, tinobva taona kuti tawomerwa zvekufanan­a nemunhu atumwa kunokama mukaka wenzou.

Kana uchikama nzou unoisunga makumbo nei, uchibata munyatso sei? Nhamo yedu ndakazoion­a. Patinofamb­a tichishami­sira neChirungu nezvinhu zveChirung­u hazvireve kuti tave varungu. Varungu vanoramba vachititar­isa nepamahwin­do vachiti tisapinde mukati.

Kukoshesa kwedu chirungu nekuti tinoda kunzi takadzidza hakutibats­ire kana tisingaziv­e tsumo, zvirahwe, madimikira, ngano nemitauro yedu. Tinoda kuti zvinhu zvityise nekuti tinenge tazvipa mazita echirungu.

Nyangwe mombe dzedu kumusha uko dzine mazita eChirungu – asi Chirungu chakafanan­a nekutakura mvura muchirongo chinobvinz­a.

 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe