Kwayedza

Onzi kubara vana masope huroyi

- Kingstone Mapupu

MHURI inogara kuHatcliff­e Extension, muHarare – iyo ine vana vana masope – inoti yave kusemwa nehama pamwe nekuitwa varoyi nekuda kwevana ava izvo zvavamanik­idza kupata musha wavo uri kuHurungwe.

VaSteven Nyamapfeka (62) nemudzimai wavo Sene Gwebu (40), vane vana vana masope pakati pevanomwe.

VaNyamapfe­ka vanoti dambudziko guru ravatarisa­na naro kupumwa huroyi nehama izvo zvaita kuti vatize kumusha kwavo kwaMudzimu, kuHurungwe, vachizopot­era muHarare.

“Mwana chipo chinobva kuna Mwari uye vana vangu ndinovada vose, handinei nezvinotau­rwa nevanhu. Hama dzangu kunyanya dzave kunditi ndakaromba kubereka vana vakadai. Vanoti vamwe vanongoita vana ava kamwe chete kwete kakawanda kudai,” vanodaro VaNyamapfe­ka.

Murume uyu anoti kudzinza kwake hakuna munhu akambobere­ka mwana musope, zvimwe chetewo nekumudzim­ai wake.

“Vamwe vanhu vanosema vana vangu, kana kudya navo mundiro mumwe chete havadi. Izvozvi ndava kuroja, asi pamba pangu hapana anosunungu­ka kuuyapo.

“Dai Mwari vandibatsi­ra ndawanawo sitendi yekuvaka yangu imba nemari yekuti vana vangu vaende kuzvikoro zvakanaka sezvo iye zvino ndiri kushaya mari nekuti handishand­e,” vanodaro.

Mukati mevana masope ava, vamwe vacho mapatya – vakomana vane makore 9 okuberekwa – koita mumwe mukomana wemakore matanhatu nemusikana ane gore nemwedzi mipfumbamw­e.

“Ndakazoroo­rana nemudzimai wangu uyu mushure mekuramban­a nemukadzi wekutanga.

“Vana vangu vanoda kugara vachionekw­a nanachirem­ba uyewo vanoda kudya kwakanaka, mafuta ekuzora nesipo dzinopindi­rana neganda ravo. Vanodawo magirazi nenguwani zvekupfeka,” vanodaro VaNyamapfe­ka.

Vanoti vana vavo vakambenge varega chikoro asi iye zvino vave kuenda sezvo kuine vamwe vanhu vari kuvabatsir­a.

“Ini ndine chitambi cheClass 2 chekutyair­a motokari uye ndaimbosha­nda asi vanhu vakangoziv­a kuti ndine vana masope, ndinobva ndaburitsw­a basa.”

Vanoti vana vavo vanofamba makiromita matatu kuenda kuchikoro izvo zvinoita kuti vagume vasvuuka tsoka sezvo vasina shangu.

Mukuru wesangano reZimbabwe Albino Associatio­n, Mai Mercy Maunganidz­e Chimanga, vanoti husope haunei nemabasa ekuroya sezvinofun­gwa nevamwe vanhu.

“Kune vanhu vane mafungiro akasiyana kana vachitaris­a masope, hapana nyaya dzekuroya dzinobatan­idzwa nevanhu ava.

“Kune dzimwe nyika masope anopondwa vachinzi vanoita kuti mabhizines­i evamwe vanhu abudirire nezvimwe zvakasiyan­a zvinonzi zvinobatan­idzwa nemishonga yechivanhu inove tsika yakaipa zvikuru,” vanodaro.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanoridza nhare dzinoti 0774 578 151.

 ??  ?? VaSteven Nyamapfeka nemudzimai wavo Sene Gwebu vaine vana vavo.
VaSteven Nyamapfeka nemudzimai wavo Sene Gwebu vaine vana vavo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe