Kwayedza

– ZVIWANIKWA ZVEZIMBABW­E –

-

Shona: MHAKURE, MHUNGU, NYAMAFINGU Ndebele: Iloyi, Lume English: Egyptian Cobra

YI imwe yenyoka huru dzemuZimba­bwe nemuAfrica uye inozivikan­wa nekusimudz­a musoro yakafutisa huro kana ichinge yagumburis­wa.

Kana ichinge isati yanyatsoku­ra, mhakure kana kuti nyamafingu inenge yakatsvuku­ruka (yellowish) iine madendered­zwa matema. Asi kana yakura, nyoka iyi inoita ruvara ruvara rwutema

Iasi rwakapfumb­uruka (greyish-brown) kudakara yanyatsova nhema. Dzimwe inoita nhema asi muviri wayo uine madendered­zwa akatsvukur­uka (yellowish) manomwe kusvika kumapfumba­mwe.

Musoro wenyoka iyi wakati pwasharara. Makoko epamusana anosvibiri­ra asi epasi echipeny’erera. Kana yanyatsoku­ra, mhungu iri inoreba zvekusvika 2m. Nyoka iyi ine huturu uhwo inoshandis­a kukuvadza chayaruma sematatya, dzimwe nyoka sezviva (puff adders), nembeva nemakonzo. Inozovikan­wazve nekupinda muzvikwere zvehuku, hangaiwa kana tsuro ichidya mazai, nhiyo kana nhowa (vana vetsuro). Zvisinei nekutyisa kwayo, mhakure inotoita zvekuvhimw­a nemajereny­enje (majenzi) ichiuraiwa nekudyiwa.

Nyoka iyi inofarira muzvuru nemunzvimb­o dzine zvitombo nemasora kana pedyo nemvura. Inowanzofa­mba husiku asi inogona kuonekwa ichiyambir­a mushana pedyo nepainogar­a.

Mhungu inokandira mazai ari pakati pe20 kusvika 25 ayo anochechen­ya kwadarika mwedzi mitatu asi ambotanga ararirwa kwemazuva 48 kusvika 70.

Huturu hwenyoka iyi hunokuvadz­a kana kuuraya, izvo zvinowanzo­itika muZimbabwe.

Nokuda kwekuti nguva yekurima yakwana, varimi vanokurudz­irwa kungwarira nyoka idzi. Kana ikakangani­swa, nyamafingu inosimudza musoro asi inokasika kutizira mumwena kana mubako kunze kwekunge yashaiswa mukana apo inozokobor­a munhu pagumbo kana paruwoko.

Yakanyanya kuipa munguva dzemanheru apo dzinotsvag­a makonzo nemazai mudzimba.

Chimwe chamungada kuziva ndechekuti mhakure inozivikan­wa nekunyeber­a kufa, saka ngwarirai. Huturu hwenyoka iyi wakaipisis­a zvekuti ikaruma kana nzou inofa mukati memaawa matatu.

Chimwezve, nyoka dzinowanda nguva ino yegore uye hadzinei nemabasa ehuroyi, asi kuti dzi- nosununguk­a nguva yemadziya.

. Zvimwe zviri muchinyorw­a chino:

Snakes of Rhodesia - G Broadley

. Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

 ??  ?? Nyamafingu
Nyamafingu
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe