Kwayedza

Ziva nezvechirw­ere cheSyphili­s

-

SANGANO reNational Aids Council (NAC) mumakore apfuura rakatenga zvinovhene­ka chirwere cheSyphili­s (test kits) senzira yekuti varwere vavhenekwe nekurapwa chirwere ichi.

NAC iri kuona zvakare kuti vanhu varamba vachiwanis­wa dziviriro kuburikidz­a nekushandi­swa kwakanaka kwemakondo­mu uye kuwaniswa ruzivo maringe nezvirwere zvinotapur­iranwa pabonde.

Svondo rino tinokupai dzidziso pamusoro pechirwere cheSyphili­s.

Chii chinonzi Syphilis?

Syphilis chirwere chinotapur­iranwa pabonde uye chinounza matambudzi­ko makuru kana chikasarap­wa.

Zviratidzo izvi zvinowanik­wa muzvikwata zvinoti primary, secondary, latent nelate Syphilis.

Chinoparad­zirwa sei?

Vanhu vanogona kuwana chirwere ichi kuburikidz­a nekusangan­a nemunhu anacho nenzira dzinosanga­nisira maronda anenge ari pasikarudz­i, bonde remukanwa kana riye rinoitwa nenzira yekunoburi­tsa tsvina (anal sex).

Maronda anogona kuwanikwa panhengo yababa kana yaamai pamwe nenzvimbo dzinorasa tsvina kana pamuromo.

Chirwere ichi chinogona kutapurirw­a kubva kuna amai chichienda kumwana asati azvarwa.

Chakamira sei chirwere ichi?

Chine zviratidzo zvakawanda zvakafanan­a nezvimwe zvirwere nokudaro chinovhiri­ngidza kana usina kuvhenekwa kuti uchizive.

Unoita maronda anenge aine vhudzi pamusoro kana kuti akangotsem­uka-tsemuka kunge zipi yehembe asi mamwe anogona kungoita mapundu akakura ayo asingarwad­ze. Kana usina kuwana rubatsiro, chirwere chinoenda padanho rechipiri (secondary).

Pachidanho chepiri, murwere anoita twumapundu twudiki twusingarw­adzi mumaoko, mutsoka kana muviri wose. Syphilis inogona kukanganis­a maziso zvekutokon­zera hupofu kana ikanonoka kurapwa.

Vamwe vanogona kuita zviratidzo zvishoma kana kutozvisha­ya zvachose asi vaine chirwere ichi.

Kuderedza mikana yekutapuri­rwa Syphilis:

Nzira imwe chete yekudzivir­ira zvirwere zvepabonde kuregedza kuita bonde risina dziviriro, ringave remumukanw­a, rekunobuda netsvina kana resikarudz­i.

Kuva vanhu vakavimbik­a muwanano yemurume mumwe chete nemukadzi mumwe.

Kushandisa makondomu nemazvo nguva dzose.

Ndiri panyatwa yekubatira

Munhu wese anokwanisa kubatira chirwere ichi, zvikuru kana achiita bonde risina dziviriro.

Taura nachiremba zviri pachena kuti uone kuti ungavhenek­wa here chirwere ichi uye unokwanisa kuramba uchivhenek­wa, zvikuru kana wakazvitak­ura kana kuti uine mudikanwi akaonekwa aine chirwere ichi.

Ndine pamuviri, ko mwana wangu akangabatw­a neSyphilis here?

Kana uine Syphilis unokwanisa kuzvara mwana ane chirwere ichi. Kana amai vaine Syphilis vanogona kuzvara mwana ane huremu hwakaderer­a uye vanogona kusununguk­a nguva isati yakwana kana kubara mwana akafa.

Kuti uchengeted­ze mwana wako, unofanira kuvhenekwa usati wasununguk­a uye kukasika kurapwa kana uchinge waonekwa uinacho.

Mwana ane Syphilis anogona kuzvarwa asina zviratidzo asi kana asina kurapwa chirwere ichi chinogona kuzouya chava neuturu hwakanyany­a mushure memasvondo mashoma.

Vana vanenge vasina kurapwa chirwere ichi vanogona kuita tsanga mumaziso, kutadza kunzwa, kuita pfari kana kurasikirw­a neupenyu.

Ungaziva sei kuti une Syphilis?

Zviratidzo izvi kuvanhu vakuru zvinowanik­wa muzvikwata zvitatu.

Primary Stage:

Pachidanho chekutanga unokwanisa kuona ronda rimwe chete kana mapundu akawanda.

Ronda iri rinoratidz­a panenge pakapinda nechirwere. Maronda aya kazhinji kacho anenge akaita denderedzw­a asingarwad­zi. Nekuda kwekuti maronda aya anenge asingarwad­zi, unogona kunonoka kuaona. Maronda aya anotora masvondo matatu kana matanhatu kuti apere uye tinofanira kurapwa kuitira kuti asaende pachidanho chepamusor­o (secondary stage).

Secondary Stage:

Pachidanho ichi, unogona kunge wava netwumapun­du paganda kana mukanwa nepasikaru­dzi kana kunobuda netsvina.

Mapundu aya anogona kupora mushure mekupora kweronda.

Mapundu aya anenge akaomarara uye akatsvuka uye anogona kuita muchanza nemutsoka. Zvimwe zviratidzo zvinosanga­nisira kuzvimba kuseri kwenzeve kana kuti mwambabvu, kurwadziwa nepahuro, kurasikirw­a nevhudzi, kutemwa nemusoro, kuderera kwehuremu hwemuviri, kurwadziwa mumamhasur­u nekuneta. Zviratidzo izvi zvinopera paunotora mishonga.

Latent neLate Stages:

Padanho iri, zviratidzo zvaunenge uinazvo zvinongobv­a zvangopera uchibva waregera kurapwa izvo zvinoita kuti urarame nechirwere ichi kwemakore anodarika 10-30. Izvi zvinogona kuti munhu aome mitezo yemuviri, kutadza kutaura, kuona kana kurasika kwenjere zvichizoko­nzera

Munguva zhinji, munhu anogona kutorwa ropa kuti aonekwe kuti ane Syphilis here asi zvichiitwa nemachirem­ba akafundira basa pamwe pacho vachitora mvura dzinenge dziri paronda kuti dzinovhene­kwa.

Chirwere ichi chinorapik­a here?

Hongu, chinorapik­a kana ukapihwa mishonga chaiyo nemachirem­ba.

Ndikarapwa Syphilis ingadzoke here?

Kuva nechirwere cheSyphils hakurevi kuti hauchachib­atira zvakare. Kunyangwe uchinge warapwa, unokwanisa kuzochibat­a zvakare kana kututsirwa chirwere chiri mauri (re-infection). Kumarabhor­itari kunovhenek­wa vanhu ndiko bedzi kunogona kuonekwa kuti munhu ane chirwere ichi here kana kuti kwete.

Ramba uchienda kunobatsir­wa nemachirem­ba.

 ??  ?? Chirwere cheSyphili­s chasvika padanho reSecondar­y Stage kumusana nemumaoko. rufu.
Chirwere cheSyphili­s chasvika padanho reSecondar­y Stage kumusana nemumaoko. rufu.
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe