Kwayedza

Kirisitu amuk

- Kingstone Mapupu

MUKURU weimwe chechi iri muHarare ari kuzvifanan­idza nemwanakom­ana waMwari — Jesu Kirisitu — achizviti akasandurw­a zita naMusiki ndokutumid­zwa rekuti Emmanuel.

Meki Janga (43), wepanhamba 842 kuNew Marimba, anoti inyaya yaasati oda hake kushambadz­a kuti iye ndiye Jesu mbune sezvo achiti ane vavengi vakawanda vari kuedza kumurwisa nekutsikir­ira shoko raMwari.

Janga — uyo asina zita rehukuru sezvinoitw­a nevakuru vemamwe machechi sekuzviti prophet, apostle kana kuti bishop — anoti zita rechechi yake rekuti Temple of God rakatumidz­wa naMwari, kwete naiye.

Zvisinei, Bhaibheri rinoti Jesu Kirisitu akafa akamuka uye rinoyambir­a kuti nemazuva ekupedzisi­ra kuchauya maporofita enhema apo vakawanda vacho vanenge vachizviti ndivo Jesu.

Janga kana kuti Emmanuel anoti Mwari vakauya kwaari ndokutaura naye mugore ra2013 apo ainge asati onamata vachibva vamusandur­a zita rake vachimuti Emmanuel iro rinoreva mununuri.

“Ichokwadi, vazhinji vanonditi ndini Jesu Emmanuel. Handisati ndoda kunyatsobu­da pachena nekuti nguva haisati yakwana yekuti ndizvidure kuti ndini (Jesu).

“Vari kuti ndini Jesu vanoona zviri pandiri nekuda kwesimba racho riripo. Ndakaita gore ndichitaur­a naMwari apo vakandichi­nja zita nekuzotumi­dza chechi zvakare. Vakanditi simba ravakandip­a ndichatung­amirira sangano guru zvichaita kuti nyika dzepasi rose dziuye kwandiri izvo vakati hapana mumwe wemadzibab­a angu akamboita izvi,” anodaro.

Anoti pane imwe nguva achinamata, vanhu vakaona muzvanza zvemaoko ake makaboorwa uye muchiyerer­a ropa izvo zvaanoti zvinoratid­za pachena kuti iye mutumbi waJesu akaroverer­wa pamuchinji­kwa.

Murume uyu anoti anonamata achishandi­sa Bhaibheri uyewo munhu akaroora izvo zvisina kumbobvira zvakaitwa naJesu Kirisitu mukurarama kwake.

“Hongu vanhu vemuchechi mangu nevamwe vakakomber­edza nzvimbo ino vanonditi Jesu Emmanuel, kureva kuti zvavari kuona ndizvo zviripo handizvira­mbe. Nguva ichakwana yekuti zvibude pachena, ndakamirir­a kuudzwa naMwari.

“Kunyangwe panguva yaJesu inga wani madhimoni aitaura kuti tinokuziva une simba rakanyanya saka izvi ndizvo zvimwe chete neni. Vanhu vanoona nemavanga emumaoko ropa richiyerer­a zvinoratid­za chipiyanis­o chakarover­wa mwanakoman­a waMwari,” anodaro. —

Janga anoti akaudzwa naMwari kuti acharambwa neruzhinji nekurwiswa nevanhu nekuda kwekudzika kwemutumwa kwaari.

“Handitye kurwiswa nekuti iye Jesu akarwiswa nekushungu­rudzwa, saka ndizvo zvandichas­angana nazvo.”

Anotizve haasi kutsvaga mukurumbir­a uye njere dzake “hadzinyima­ne moto” kureva kuti haasi murwe

“Handisi kutsvaga raMwari rakaburuka. Va kuti ndinorwara nepfun avo asi chokwadi chinobu daro.

Vamwe vemuchechi sinhira vachiti murume

Abigail Sendamayi Ja

 ??  ?? Meki Janga-Emmanuel
Meki Janga-Emmanuel
 ??  ?? Chechi yeTemple of God Mifananidz­o naNicholas Bakili
Chechi yeTemple of God Mifananidz­o naNicholas Bakili
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe