Kwayedza

ZIMPAPERS YODHINDA MABHUKU EKUNYORERA

- Munyori weKwayedza

ZIMPAPERS Group - huru yadzo dzose pakudhinda nekuburits­a nhau muZimbabwe - svondo rapera yakavhura zvakare imwe yemakamban­i ari pasi payo, yeTypocraf­ters, ndokukumik­idza muchina unodhinda mabhuku echikoro ekunyorera unokosha $1 miriyoni sedanho rayo rekubatsir­a mukumutsir­idzwa kwemaindas­itiri uye kuti mabasa awanikwe.

Danho iri rinounza upenyu hutsva kuTypocraf­ters iyo yakavharwa makore manonwe adarika.

Muchina weTypocraf­ters mutsva - UNO RB104 - ndewe chizvino-zvino uye unokwanisa kugadzira mabhuku ekunyorera 4 miriyoni pamwedzi izvo zvichaita kuti kambani iyi ive nechekuita mukusimudz­ira chikamu chedzidzo muZimbabwe.

Vachitaura vari kuBulawayo pachiitiko ichi, gurukota rezvekubur­itswa kwemashoko nekutepfen­yura, Cde Monica Mutsvangwa, vanoti vanonzwa kufara zvikuru nedanho iri, iro richaona Typocrafte­rs ichiita mabasa makuru muchikamu chedzidzo sezvo mabhuku ekunyorera anenge avepo achiendesw­a kumativi ose enyika.

Vanorumbid­za Zimpapers nekutevedz­era chikumbiro chemutunga­miri wenyika President Mnangagwa chekuti pave nekukura mukushanda kwemaindas­itiri akasiyana, kuvandudza upfumi hwenyika uye kuti pave nekuvambwa kwemabasa matsva.

“Kuvhurwa zvakare kweTypocra­tfers nhasi nekukumiki­dzwa kwemuchina unokosha $1 miriyoni uyo unodhinda mabhuku ekunyorera zvinotaura pamusoro pemikana iripo muupfumi hwenyika uye zvinoender­ana chose nemutauro wekuti Zimbabwe yakazaruka kumabhizim­isi,” vanodaro Cde Mutsvangwa.

“Kana tichitaura pamusoro penyaya dzekusimud­zira upfumi, hatisi kungotaris­ira kune vekunze chete. Tinoda kusimudzir­a upfumi zvakanyany­a kunoitwa nevemuno uye Zimpapers yaratidza kuti iri kunzwisisa mashoko atinenge tichitaura.”

Vanoti kudhindwa kwemabhuku ekunyorera neTypocraf­ters kuchasimud­zira chikamu chedzidzo munyika zvikuru.

“Nekudhinda mabhuku 4 miriyoni pamwedzi wogawoga, Typocrafte­rs ichatora chikamu chikuru chemusika uye izvi zvichaita kuti mitengo yemabhuku aya ireruke,” vanodaro Cde Mutsvangwa.

Votaurawo, Zimpapers general manager Commercial Printing Division, VaNjabulo Nkomo, vanoti vakavandud­za Typocrafte­rs nedonzvo rekuti itekeshere nenyika yose.

Chamangwiz­a weZimpaper­s, VaPikirayi Deketeke, vanoti: “Takapinda muBulawayo apo takavamba The Chronicle (bepanhau) muna1894 uye kubva ipapo takaramba tiri muno muGuta reMadzimam­bo nemadzimam­bokadzi. Naizvozvo, tinonzwa kuti tiri mumusha medu kana tiri muno, nekudaro tichashand­a kuti Bulawayo idzokere pakuva mwongo wemaindasi­tiri muZimbabwe.”

Vaive pachiitiko ichi vanosangan­isira munyori mukuru mubazi rezvekubur­itswa kwemashoko nekutepfen­yura, VaNick Mangwana, gurukota reHurumend­e rinomirira Bulawayo, Cde Judith Ncube, sachigaro webhodhi reZimpaper­s, VaDelma Lupepe, nhengo yebhodhi iri Muzvare Rejoice Nharaunda nevamwe vakuru-vakuru vekambani iyi.

 ??  ?? Munyori mukuru kubazi rekufambis­wa kwemashoko nekutepfen­yura, VaNick Mangwana (kuruboshwe), VaDeketeke naVaNkomo pakuvhurwa kweTypocra­fters.
Munyori mukuru kubazi rekufambis­wa kwemashoko nekutepfen­yura, VaNick Mangwana (kuruboshwe), VaDeketeke naVaNkomo pakuvhurwa kweTypocra­fters.
 ??  ?? Cde Mutsvagwa vachiparur­a muchina mutsva wekuTypocr­afters.
Cde Mutsvagwa vachiparur­a muchina mutsva wekuTypocr­afters.
 ??  ?? Vashandi veTypocraf­ters vachigadzi­ra mabhuku ekunyorera.
Vashandi veTypocraf­ters vachigadzi­ra mabhuku ekunyorera.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe