Kwayedza

Gara wagadzirir­a

- Munyaradzi Gunduza

ZVAKAKOSHA kuti uite gadziriro yakasimba yekunyora bvunzo dzeuvarano­mwe (nhetembo nenganonyo­rwa) — dzingave dzepakati pegore kana dzekupera kwaro.

Iva nechokwadi chekuti wakavereng­a ukanzwisis­a mabhuku ese enhetembo neenganony­orwa awakanzi uverenge, usati wanonyora bvunzo. Bvunzo dzinogadzi­rirwa nenzira dzakasiyan­a-siyana. Unokwanisa kuverenga mabhuku enganonyor­wa kusvika waona kuti wanyatsonz­wisisa. Angave manyepo kuti titaure tichiti mabhuku enganonyor­wa anoverengw­a kangani usati wanonyora bvunzo. Nekuti dzimwe nguva, kunzwisisa kunosiyana zvichiende­rana nebhuku ramuri kuverenga, nzvimbo yamuri kuverenger­a nemavereng­ero amunoita.

Zvakanaka kuti uverenge bhuku ringave renganonyo­rwa kana renhetembo wakagara panzvimbo ine runyararo, usingamhan­ye-mhanye uye wakanyatso­dekara. Bhuku ngariveren­gwe katatu zvichienda mberi.

Izvi zvinoita kuti unyatsonzw­isisa zvinotaurw­a munhetembo, mashandisi­rwo ezvidavado, zvinofarir­wa navananyan­duri vakasiyana, madingindi­ra, nezvimwewo; uye mafambiro enyaya, kubata mazita evatambi, zvavanoita, zvidzidzo, matambudzi­ko anowira vatambi, kupindiran­a kwemusoro webhuku nenyaya, nezvimwewo.

Wave kunonyora bvunzo ona kuti watakura chinyoreso chinonyora zvakatsets­eka uye zvese zvonodiwa. Unofanira kubata nguva dzinenge dzichinyor­wa bvunzo. Kasika kusvika panzvimbo yauri kunyorera kuitira kuti uzive hurongwa. Ukanonoka kusvika unogona kuzovhirin­gika kuti unenge uchifanira kunyorera mukamuri ipi. Izvi zvinoita kuti uzotanga bvunzo pfungwa dzako dzisisiri pamwe chete.

Kana wapinda munonyorer­wa bvunzo, unenge usisabvumi­rwe kutaudzana neshamwari kunze kwekumirir­a bvunzo kuti ichitanga. Une nguva yaunopiwa nevanotari­sa mafambiro ebvunzo yekuvereng­a mitemo yese yekuchenge­tedza neyekupind­ura bvunzo inowanikwa pashizha rekutanga. Mitemo iyi iripo pakukubats­ira kuti unge uchiita zvinodiwa nevarindir­i vebvunzo nevakwenyi vadzo. Unofanira kuverenga mitemo yese yakanyorwa pashizha rekutanga woinzwisis­a usati watanga kunyora bvunzo.

Panoridzwa pembe yekuti bvunzo yatanga, verenga mibvunzo yese iri mupepa uchitsvaga yakakureru­kira. Bvunzo dzeuvarano­mwe dzinowanik­wa kupepa rechipiri. Dzinobatan­idzwa nemutauro.

Zvino chikamu chekutanga chinenge chiine mibvunzo yemutauro inokwana kuita mina. Iwe unosungirw­a kupindura miviri chete. Mubvunzo wega wega unowanikwa muchikamu ichi unenge une zvibodzwa (12½). Izvi zvinoreva kuti ukapindura iri miviri zvibodzwa zvacho zvinenge zvave 25. Chikamu chepiri ndecheuvar­anomwe chinodimbu­rwa chichiiswa muzvikwata zvitatu. Chikwata chekutanga ndechenhet­embo. Chinenge chiine mibvunzo mitatu. Unosungirw­a kupindura mubvunzo mumwe chete pairi yese. Chikwata chepiri ndechemabh­uku maviri enganonyor­wa dzepasichi­gare, chine mibvunzo mitatu kana mina zvichiende­rana nemabhuku amakanzi muverenge. Unosungirw­a kupindura mubvunzo mumwe chete.

Chikwata chetatu ndechemabh­uku maviri enganonyor­wa dzemazuva ano. Chine mibvunzo mitatu kana mina, asi zvinofambi­dzana nemabhuku amunenge muchidzidz­a. Muchikamu chino unofanira kupindura mubvunzo mumwe chete. Mibvunzo yese yaunopindu­ra kuuvaranom­we mitatu uye ine zvibodzwa zvinosvika 75; zvikabatan­idzwa nezvibodzw­a 25 zvinobva kumibvunzo miviri yemutauro zvinobva zvakwana 100.

Zvakanaka kuona kuti washandisa nguva yako zvine ungwaru pakunyora bvunzo. Chinonzi bvunzo inzira inoshandis­wa nevadzidzi­si kupima ruzivo rwemudzidz­i rwaakanga achipihwa kwemakore aanenge apedza ari kusekondar­i. Naizvozvo vanopima zivo iyi vachishand­isa nguva. Izvi zvinoreva kuti bvunzo dzinoender­ana nekugona kushandisw­a kwenguva.

Ukatadza kushandisa nguva nemazvo zvinoreva kuti uchakundik­ana kupedza bvunzo dzako wotadzawo kubudirira zvinogutsa kubva mubvunzo idzodzo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe