Kwayedza

Kuti vatema vakunde . . .

-

TINOENDERE­RA mberi nekupedzis­a nzira dzinoshand­iswa nevatema kuti vakunde vachena muhondo yeChimuren­ga.

Kudzidzisw­a kubata pfuti — magandanga aidzidzisw­a kuridza pfuti dzemando dzese, kuziva pfuti nemazita adzo pamwe chete nenzvimbo dzadzaisha­ndiswa. Kugeza nekushandi­sa pfuti zvimwe zvavaidzid­ziswa. Kupata makamba vachinohwa­nda — panorwiwa hondo pakamba 2 magandanga akanga atuta zvinhu achinohwan­da mumwena yaive kunze kwekamba. Masoja paanouya kuzovabhom­ba anosvika achishaya vanhu ndokutanga kurwiswa vachiri mubishi rekutsvaga kwainge kune vanhu.

Kutumira vamwe varwi kuti vanoita zvidzidzo zvemberi kune dzimwe nyika – Kuda nevamwe gumi vaida kuendeswa kuChina kunodzidzi­swa hondo. Izvi hazvina hazvo kubudirira asi tinozoona achienda kuTanzania uko anonoita mwedzi mina achidzidzi­swa zvehondo. Kusashandi­sa mazita ari pazvitupa — magandanga ese aive nemazita ekuhondo ayo aizoita kuti vasateverw­e vachiurair­wa hama dzavo kumamisha kwavaibva nemasoja. Mazita aya aiitawo kuti magandanga abatanidzw­e nedonzvo rimwe chete rekusunung­ura Zimbabwe. Kudakwashe Zaranyika tinoona achishandu­ra zita rake iri paanoenda kuhondo achitora rekuti Kuda Hondo. Kupamba vanhu vachitsvag­a chikafu – tinoona magandanga achibva kukamba 2 achienda kuBurma Valley kunotsvaga chikafu mushure mekunge zvekudya zvavaive nazvo zvaparadzw­a nemasoja. Kubatsira povho – magandanga akaba mari kuVaRungu aitarisirw­a kuti apewo imwe kupovho sezvo yaimbovaba­tsirawo. Izvi zvinojekes­a pfungwa yekuti paisazove nehugandan­ga kana povho isina kuvapa tsigiro. Magandanga aisatender­wa kuita hupombwe nepovho nekuti zvaisurudz­a hondo yeChimuren­ga. Varwi vehondo vaizofanir­a kurapa povho dzainge dzarwara. Izvi zvaiita kuti povho ifarire magandanga.

Kufundisa povho zvematonge­rwo enyika — tinonzwa kuti Political Commissar aive nebasa guru rekudzidzi­sa povho zvakananga­na nemusangan­o nekunaka kwemushand­irapamwe (socialism). Kuuraya magamba ainge ane pfungwa dzekuzvipi­ra kuvavengi — tinonzwa Komuredhi Nhamo Mutema vachiudza Kuda kuti auraye vose vaizopandu­ka vachiita pfungwa dzekutenge­sa hondo kuvachena. Kushevedza povho ichiona zvitunha zvemasoja — vanaLevi pavanouray­a masoja vanotuma vanamujibh­a kuti vanosheved­za povho kuti ione zvitunha zvevachena. Izvi zvaiita kuti povho isateerere manyepo aitaurwa muwairesi. Kuchinjani­sa magamba munzvimbo dzavaigara — iyi inzira yekuti Detachment Commander aiudza vanhu kuti vashandire munzvimbo dzakasiyan­a-siyana misi nenguva kuitira kuti vazive nzvimbo dzose. Izvi zvaibatsir­awo kuti rimwe gamba rikafa vanhu vepovho vaingoti rakaenda kune imwe nzvimbo zvoita kuti varambe vachiziva kuti magandanga eZanu aisafa uye aisakurirw­a. Izvi zvinoonekw­a panosvika Kuda muBuhera, vanochinja­na kudya vamwe vachisara vakachenge­tedza pabhesi.

 ??  ?? Munyaradzi Gunduza
Munyaradzi Gunduza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe