Kwayedza

Grade 7 Yava nguva yekugadzir­ira

- Ticha Danga

NGUVA yatiri ino takamirira kuuya kwegoho ratakapedz­a gore rose tichigadzi­rira. Hapana ari kuziva zvichabuda mubvunzo idzi sezvo vanamazvik­okota vachiri mushishi kumaka mapepa asi tinotarisi­ra kuti panonopere­ra mwedzi waZvita, tinenge toziva zvatakakoh­wa.

Izvi hazvirevi kuti tava kungogara asi kuti ndiyo nguva yekufanoga­dzirira kuzoenda kuchikoro chepamusor­o. Gadziriro iyi haisi yekutenga zvipfeko zvekuchiko­ro nekuti hatisati toziva kuchazowir­a tsvimbo kana dohwe asi kuti tine twumwe twunhu twatinogon­a kufanoita.

Chekutanga ndechekuti tinofanirw­a kunge tiine zvikoro zvatinoshu­vira kuzoenda kana goho rauya.

Mazuva ano nzvimbo dzechikoro hadzichait­wa zvekutsvag­wa netsamba dzekunyora asi kuti zvava kuitwa padandemut­ande nekudaro munhu anofanirwa kunge aiine ruzivo rwakakwana rwechikoro chaanoda. Ruzivo urwu rwunoda munhu anoita tsvagurudz­o nezvechiko­ro ichocho kuti uwane kero yacho nenhamba dzekushand­isa kupinda mudandemut­ande ravo.

Pasina ruzivo irworwu zvinonetsa kuti ukwanise kutsvaga nzvimbo kuchikoro chaunoda. Izvi zvinoda kuitwa nguva iripo nekuti nzvimbo dzinoshaik­wa zvachose wozopedzis­ira waenda pachikoro chausingad­e.

Tinosangan­iswa kana kupesanisw­a nezvitende­ro zvatinotev­edzera nokudaro mwana nemubereki vanofanirw­a kugara vatsvaga ruzivo pamusoro pechitende­ro chinodiwa pachikoro chavari kuda. Zvimwe zvikoro zvinongoda vana vanopinda muzvitende­ro zvinoitwa pachikoro ipapo.

Pane zvinodiwa kuti mwana agoratidza kuti anodavira kuchitende­ro ichocho nokudaro kana mapepa iwayo asina kumira zvakanaka, ino ndiyo nguva yacho

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe