Kwayedza

‘Lochinvar Primary madadisa’

- Lven Mugadzikwa

CHIKORO cheLochinv­ar Primary School, icho chiri muHarare, chiri kurumbidzw­a zvikuru munyaya dzekupakur­ira vana dzidzo yemhando yepamusoro uye nekubura shasha mune zvemitambo.

Rumbidzo iyi yakaitwa nemusi weChitatu chino naDistrict Schools Inspector wedunhu reHigh Glen, VaJoseph Kabasa, avo vaiva muenzi anoremeked­zwa pagungano rekupihwa mibairo kuvana vepachikor­o ichi avo vakabudiri­ra muzvidzidz­o zvakasiyan­a.

“Kuungana kwataita pano vana vechikoro, vabereki nevadzidzi­si muchereche­dzo wehunyanzv­i hwevana vedu mune zvakasiyan­a zvinosanga­nisira kugona muchikoro, zvemutambo netsika nemagariro. Iyi ndeimwe nzira yekupa vana shungu kuti varambe vachida kuita zvinhu zvakanaka munyaya dzekugona muchikoro, mitambo pamwe chete nehunhu hwakanaka.

“Lochinvar ndechimwe chezvikoro zvine mazita makuru munyaya dzekubura nyanzvi dzevana mune zvemitambo nekugona muchikoro,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Ndinofaraw­o kuti zvisinei nekuoma kwakaita zvinhu munyika, chikoro chino charamba chichishin­girira mukupa vana dzidzo yemhando yepamusoro zvinova zviri kuonekwa kuburikidz­a nekugona muchikoro nekutora mibairo kuri kuita vana.

“Kuvabereki, ndinoti rambai muchitsigi­ra chikoro chino nekubhadha­rira vana mari dzechikoro uye kudzidzisa vana tsika dzakanaka.”

Mukuru wechikoro ichi, Mai Joyce Kanengoni, vanoti vari kufambiran­a nenguva mukuvandud­za madzidziro evana zvinova zvinoender­ana neNew Curriculum.

Pabvunzo dzeZimsec dzeGrade 7 dzakanyorw­a gore rakapera, vana vepachikor­o ichi vakapasa nechikamu che97 percent.

 ??  ?? Vamwe vevana vepaLochin­var Primary
Vamwe vevana vepaLochin­var Primary
 ??  ?? Vana vechikoro vachitamba mitambo yechinyaka­re
Vana vechikoro vachitamba mitambo yechinyaka­re
 ??  ?? Vabereki vachiona vana vachipihwa mibairo
Vabereki vachiona vana vachipihwa mibairo
 ??  ?? Vana vechikoro vachiimba
Vana vechikoro vachiimba
 ??  ?? Mai Joyce Kanengoni
Mai Joyce Kanengoni
 ??  ?? VaJoseph Kabasa
VaJoseph Kabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe