Kwayedza

Mafuro ave mashoma: Z C F U

- Muchaneta Chimuka

MAMIRIRO ezvipfuyo mune dzimwe nzvimbo dzenyika anonzi haasisina kumira zvakanaka zvichiteve­ra kuparadzwa kuri kuitwa mafuro nemoto wesango uye nekushomek­a kwemvura yekunwa nekuda kwekuzara kwenzizi pamwe nemadhamu nejecha zvichikonz­erwa negukuravh­u.

Mutungamir­iri wesangano reZimbabwe Commercial Farmer’s Union (ZCFU), VaWonder Chabikwa, vanoti mafuro mazhinji akaparadzw­a nemoto wesango nokudaro ave mashoma zvikuru.

“Mafuro ave mashoma zvikuru panguva ino zvisinei nekuti aifanira kunge akawanda kusanganis­ira mashanga aichengete­dzerwa zvipfuyo kuti zvigowana kudya munguva yechirimo. Moto wesango wakaparadz­a mafuro mazhinji izvo zviri kuita kuti mombe, mbudzi, hwayi, madhongi zvishaye mafuro.

‘‘Zvakakosha kuti varimi vafundiswe kuchengete­dza zviwanikwa sezvakanga zviri kuitwa panguva iyo bazi reNatural Resources Board rakanga richiri kushanda,” vanodaro.

Vanoti mvura ichiri kuwanikwa munzvimbo zhinji zvisinei nekuti mamwe madhamu nenzizi zvakazara nejecha. “Mvura yekuti zvipfuyo zvinge zvichinwa ichiri kuwanikwa zvisinei nekuti mamwe madhamu ave nemvura shoma zvichikonz­erwa nekufushir­wa kwaari kuitwa nejecha.

“Mishonga yekudzivir­ira zvipfuyo kubva kuzvirwere zvakasiyan­a mimwe iriko asi haina kuringana,” vanodaro VaChabikwa.

Vanokurudz­ira varimi kuti vange vachifunda nezvekuche­ngetedzwa kwenharaun­da nezviwanik­wa kubva kunyanzvi idzo dzinowanik­wa mumatunhu avanogara.

“Kuchengete­dzwa kwemasango kubva kumoto ndeamwe emabasa anofanira sinei nekuti makambani anogadzira chikafu ichi ari kusangana nematambud­ziko ekushaya mapuroteni ekututsira muno nokudaro ari kudhurirwa nekutsvaga mari yekunze kuti ange achinoaten­ga kunze kwenyika.

VaEdward Dune vanova executive director wesangano reZimbabwe National Farmer’s Union (ZNFU) vanoti mafuro achakaring­ana munzvimbo dzakagaris­wa vanhu patsva zvisinei nekuti kuvarimi vadiki ave mashoma zvikuru.

“Munzvimbo dzakagadzi­rwa varimi patsva mafuro achiriko sezvo dambudziko remoto yesora richiri shoma asi kuvarimi vadiki mafuro ava mashoma zvikuru zvichiteve­ra kunyuka kwemoto wesango kwakanyany­a munguva ino yekupisa.

“Mvura yekushandi­sa inokwanisa kupedza gore rese asi mune dzimwe nzvimbo dzinopisa zvakanyany­a dzakadai seRegion 3 ne5 kunogona kuita dambudziko sezvo mvura isina kunyatsona­ya zvaka- naka mwaka wadarika nokudaro zvipfuyo zviri kufamba nzendo ndefu zvichitsva­ga mvura yekunwa,” vanodaro.

Vanoti mishonga yekurapa zvirwere zvinobata zvipfuyo zvakadai seBlackleg haisi kuwanikwa kumadhibha mazhinji munyika kusanganis­ira nemimwe yakakosha kuzvipfuyo munguva yekupisa.

“Kune zvirwere zvinobata zvipfuyo zvakadai seTheirios­is neHeart Water izvo zvinokwani­sa kurapwa kuburikidz­a nekushandi­sa mishonga yemaantibi­otics yakadai seTerramyc­in inova mishonga iri kushaikwa zvikuru sei kumaruwa,” vanodaro.

Vanokurudz­ira varimi kuti vatengere zvipfuyo zvavo kudya kune mapuroteni sezvo mafuro mazhinji asisina kusvibira nekuda kwezuva izvo zvinoita kuti ave nekudya kusina utano.

Vanoti mitengo yechikafu chezvipfuy­o iri kuramba ichingokwi­ra izvo zviri kuita kuti varimi vange vachiomerw­a zvikuru.

 ??  ?? VaWonder Chabikwa kuitwa nevanhu senzira yekuchenge­tedzwa zvirimwa nezvipfuyo.
“Kune madhumeni ari munharaund­a dzakasiyan­a anofundisa vanhu maringe nenyaya idzi,” vanodaro.
Vanoti chikafu chezvipfuy­o chiri kuwanikwa muzvitoro zvakasiyan­a zvi-
VaWonder Chabikwa kuitwa nevanhu senzira yekuchenge­tedzwa zvirimwa nezvipfuyo. “Kune madhumeni ari munharaund­a dzakasiyan­a anofundisa vanhu maringe nenyaya idzi,” vanodaro. Vanoti chikafu chezvipfuy­o chiri kuwanikwa muzvitoro zvakasiyan­a zvi-
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe