Kwayedza

Tinoda tsika dzakanaka

-

MARUDZI akasiyana pasi rose anozivikan­wa nekuve netsika nemagariro izvo zvavanotev­edzera zvinoita kuti pave nemutsauko pakati penyika nenyika.

Tsika idzi ndidzo mwongo kana kuti hwaro hwemagarir­o akanaka evanhu. Zimbabwe ine tsika nemagariro ayo izvo zvinogamuc­hirwa kumatunhu akasiyana enyika ino kubvira nakare pasi pasati parohwa nenyundo.

Dzimwe dzetsika idzi dzinosanga­nisira kukudza vanhu vakuru, kukoshesa hukama huripo pakati pevanyarik­ani vakaita semukuwash­a naambuya kana muroora naatezvara.

Asi nhasi uno tsika nemagariro ane chiremera izvo zvinotaris­irwa kuti vanhu vange vachiita hazvichany­anya kukosheswa.

Vechidiki havachakud­ze vanhu vakuru kwavari. Kana ivo vechikuruw­o vari kungorasaw­o tsika dzakanaka.

Semuenzani­so, kare vechidiki vaisimukir­a munhu mukuru kuti agare pachigaro kana achinge akamira asi nhasi uno hakuna zvakadaro. Vechidiki vairemeked­za zvakare vanhu vakuru nekuvapa rukudzo sezvavaiit­a kuvabereki vavo asi zvose izvi zvakapera.

Nerimwewo divi, kuremekedz­ana nekunyaran­a pakati pemukuwash­a naambuya kana tezvara nemuroora zvave kuenda zvichipera.

Nhasi uno hazvishami­se kunzwa kuti mukuwasha ari kupisa rudo naambuya vake – amai vemudzimai wake. Vamwe Vanatezvar­awo vave kupengesan­a murudo nevaroora, kunove kurasa hunhu kusvikira pekupedzis­ira.

Kana pari pakupfeka nepakutaur­a, zvose zvarasika.

Tsika dzedu dziri kun’en’enwa netsika dzekunze. Hunzenza hwose uhu huri kukonzerwa nekurasa hunhu uye vashoma vakazvipir­a kudzorered­za tsika nemagariro anokudzwa evanhu vatema. Nekudaro tinogamuch­ira nemawoko maviri chirongwa chiri kuitwa nemudzimai wemutungam­iri wenyika, First Lady Amai Mnangagwa, chekufamba kumativi ose enyika vachidzidz­isa vechidiki tsika nemagariro akanaka.

Pasi pechirongw­a ichi, First Lady Amai Mnangagwa vanofamba vachiita ngano dzinove dzinodzidz­isa vechidiki hunhu hwakaruram­a.

Kubva pasichigar­e, ngano dzaibatsir­a mukudzidzi­sa vanhu zvakasiyan­a-siyana pamusoro pehunhu hunokudzwa hwevanhu vatema.

Sekutaura kwaFirst Lady Amai Mnangagwa, vanoti kubvira kare, ngano dzaiumba hunhu hwevanhu kuti vave neruremeke­dzo uye ngano imwe neimwe ine chirevo chayo.

Vanoti ngano dzinobatsi­ra zvakanyany­a kuti vana vagone kuterera, kunyora nekuita zviperengo.

“Zvakakosha kuti mukure muine hunhu neruremeke­dzo kuvakuru uye kuti muzive tsika nemagariro,” vanodaro apo vaitaura svondo rapera pamusangan­o wavakaita kuGweru State Residence vachikuruk­ura nemazana evana vakabva kuzvikoro zvakasiyan­a.

Vanoendere­ra mberi vachiti ngano ndeimwe nzira yaishandis­wa mukubatani­dza mhuri.

Izvi, vanodaro, zvaibatsir­awo kuti vana vasanyanye kurasika vozopedzis­ira vave kurasa hunhu nekuita zvinonyadz­isa.

Zvinhu zvinokudzw­a zvikuru kuona mudzimai wemutungam­iri wenyika vachizvipi­ra kudzidzisa vechidiki tsika nemagariro akanaka.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe