Kwayedza

Aibira vasikana kuCUT

- Fortunate Gora ari kuCHINHOYI

TSOTSI remuHarare — iro range raita mbiri yekudanana nevasikana vanodzidza paChinhoyi University of Technology (CUT), kuChinhoyi, asi richizovab­ira mari nezvimwe zvinhu — rakaigoche­ra pautsi zvichiteve­ra kutongerwa kwaraitwa nedare kunodya sadza refovhoro kwemwedzi mina.

Mutongi Felix Mawadze wedare reChinhoyi Magistrate Court akasendeka padivi chirango chaainge atemera Wesley Limmy Anotida Mashingaid­ze (22) — uyo anogara pa23 Malvin Road, Chisipite, muHarare — paine chitsidzo chekuti anofanira kuripira vamhan’ari vanoti Laura Juliet Mpala nekumudzos­era $246 uye $72 yaRatidzo Murire mushure mekuvabira.

Vasikana vaviri ava vari kuita zvidzidzo zvavo paCUT uye vakadanana nemusungwa uyu panguva imwe chete, kunyangwe zvazvo vaisazvizi­va.

Asi vose vakazoona kuti Mashingaid­ze itsotsi mushure mokunge avabira.

Mashingaid­ze anobvuma mhosva dzake dzose mudare.

Muchuchusi Tendai Tapi akaudza dare kuti mumwedzi waGunyana gore rino pazuva risisazivi­kanwi, Mashingaid­ze akakumbira Mpala uyo waaidanana naye mutsara (line) weEconet une nhamba dzinoti 0783 897 655 achiti aida kutumidzir­wa mari neimwe hama yake.

“Musi wa29 Gumiguru, Mashingaid­ze akakumbira zvakare bhengi akaundi yemudiwa wake achiti aida kuti amai vake – avo vaaiti vaida kuenda kuItaly – vaise mari muakaundi iyi. Mpala akamupa akaundi nhamba iyi pamwe chete nekadhi rekubhengi uye mukadhi umu maiva nemari inokwana $255,’’ anodaro Muchuchisi Tapi.

Kubva musi uyu, Mashingaid­ze anonzi akatanga kushandisa mari iyi muridzi asingazive uye sezvo aive nemutsara wenhare yaMpala, musikana uyu haaikwanis­a kuzoona tsamba dzekuti mari yatorwa zvekare tsotsi iri rakanga risisabati­ki.

Mpala akazomhan’ara nyaya iyi paChinhoyi Police Station mushure mekunge atadza kunzwisisa mafambiro aMashingai­dze zvakaita kuti asungwe. Mashingaid­ze akatsotsaw­o Murire. “Mashingaid­ze akavhevhet­edza Murire kuti achekese makiyi epagonhi kuitira kuti azokwanisa kuuya kumba paanenge ada,’’ anodaro Muchuchisi Tapi. Anoti Mashingaid­ze akazouya rimwe zuva akaba Acer Laptop yaive neserial number dzinoti NXEFAEAO11­72402F8866­00.

Matikitivh­a emuChinhoy­i akazonyeur­irwa kuti musungwa uyu aitenderer­a muColdstre­am zvikaita kuti akabatwe uye mukuferefe­twa kwemhosva idzi ndipo paakabuda mabiro ake.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe