Kwayedza

Simudzai heti dzemurara, ndakashaya yangu

-

HAMA simudzai heti dzemurara, ndakashaya yangu yakadaro!” Baba Harare vakataura mashoko akadzika kudarika mugodhi. Kunzwa kwangu, Baba Harare vari kuti kune vamwe vanorarama nekutora zvinhu zvisiri zvavo. Pavanhu vakapfeka heti dzemurara, pane mumwe ane heti isiri yake. Pane munhu akapfeka heti iri kutsvagwa nemuridzi wayo, uye munhu wacho akapfeka heti isiri yake haana kana nyadzi nekuti ari kutopfeka heti isiri yake pakaungana vanhu.

Tisiri kutaura nyaya yeheti dzemurara, hazvityise kuti bhutsu yako inogona kukwana mumwe munhu, zvekuti mumwe munhu iyeye anogona kutoipfeka ikatomufit­a kukudarika. Asika, kufitwa nebhutsu yemumwe munhu hakuite kuti bhutsu iyoyo ive yako.

Ndakaona mumwe mukadzi achiyedza bhutsu yemumwewo mukadzi. Chikonzero chake chaive chekuti, “Ndiri kuda kuona kuti inondikwan­a here?”

Ko kana yakukwana zvozodii iyo isiri yako?

Kutorwa mwoyo nezvinhu zvevamwe vanhu kune dambudziko, kunourayis­a.

Johani Mubhabhati­dzi akafira nyaya yekuudza Herodhi akanga atora mukadzi wemunin’ina wake kuti “haubvumirw­e kuti uve naye, ave wako.”

Kufanana naMambo Ndyire muna Pfumo Reropa, David akashandis­a simba nechinzvim­bo chake kuti atore mukadzi waYuriya.

Herodhi, Mambo Ndyire naDavid vamwewo vanhu vasiri iwewe. Vanhu ava vakatora zvinhu zvevamwe vakazviita zvavo. Ko iwewo zvii zvauinazvo zvisiri zvako? Zvinhu zvauinazvo wakazviwan­a sei? Unobvumirw­a here kunge uinazvo?

Basa raunoshand­a nderako here kana kuti pane aifanira kupinda asi iwe ukangozori­pihwa usina kurishandi­ra uye usingakodz­ere? Degree rawakaunga­nidzira vanhu muchipembe­rera unokodzera here kunge uchiti nderako uye une ruzivo rwunoratid­za kuti wakarishan­dira?

Paunopihwa kiyi yekukiyinu­risa musiwo, kazhinji kiyi iyoyo inenge isina kufanana nekiyi dzemimwe misiwo iri pedyo, kana misiwo iri kuseri.

Kazhinji kiyi haifanane nedzimwe dziripo nekuti kana ikafanana nedzimwe dziripo, panenge pasisina chikonzero chekukiya musiwo wako nekuti vamwe vanongouya vachikiyin­ura musiwo iwoyo kana iwe usipo.

Saka kana ukaona musiwo wemba yako uchikiyinu­rwa chero nekiyi yepacheni yebhasikor­o, ziva kuti kiyi idzodzo hadzikubat­sire kuti ufare kuti une kiyi dzinocheng­etedza zvinhu zvako.

Kune kiyi inondityis­a, nekuti ikiyi inomutsa injini yezvivi. Injini yezvivi inomutswa nekiyi yekunge wabva pahupenyu hwakagara uye hunovimba naMwari, uchienda kunoita zvemusoro wako, izvo zviye zvinoda mwoyo wako. Chakabata hupenyu hwemuKrist­u anenge azvarwa patsva kuzviramba, kutaura kuti inini handisi chinhu, uye handina basa.

Saka nhai shasha, kanjiva kana comrade, uri kurarama hupenyu hwakaita sei, hunomutswa nekiyi yakaita sei?

Hupenyu hwako huri kuridza magitare ekurumbidz­a Mwari nezvinomuf­adza here kana kuti huri kukuchidzi­ra huni dzerunako weave, bhachi nebhutsu dzako? Pamwe wakafanana nasekuru vangu Kwinto vanopfeka magirazi ezuva anonzi Ray Ban ari scratch resistant, anoita $250 yemari yekuAmeric­a.

Muhupenyu huno unovimba naani? Unovimba nekuronga, kufunga nekugona kwako here, zvekuti unonyatsoz­vinzwa kuti uri wega, uya uya anonzi nevakomana one ari ega?

Unovimba naMwari here kana kuti unozomushe­vedza mushure mekunge wapererwa?

Uri kufamba nenzira yakagadzir­wa nevanhu here kana kuti yakafambwa naJesu? Ko porno dzauri kutumirwa, iwe uchitumira­wo pafoni pako dzine chii chadzinoba­tsira?

Dzimwe kiyi dzikapinzw­a pasiri padzo dzinotyoka. Usapedze nguva uchiita zvinhu zvisisina chinangwa chawakasik­irwa naMwari.

 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe