Kwayedza

VAKADYISWA KATSI PARUFU

- Kingstone Mapupu

VAMWE vevanhu vaiva parufu pamusha uri kwaBesa, kumaruwa ekwaSeke, vanonzi vakadyiswa nyama yekatsi vasingaziv­e.

Pane murume ari kunzi ndiye akaenda nenyama yekatsi iyi parufu apa yakavhunwa kare zvikazogum­a zvakonzere­sa bongozozo rakaita kuti murume uyu arikitwe nechaunga chaivepo.

Nyaya iyi iri kunzi yakaitika manheru emusi weChipiri chadarika pamusha uri mubhuku raBesa.

Murume uyu — uyo anogara mumusha mumwe chete uyu — anonzi akaenda parufu apa nenyama yekatsi iyo yaiva yakavhunwa achiti ndeye mhuka yemusango, ndokuigoch­a pamoto paiva nevamwe vanhurume.

Pamusha uyu painge pafa baba vepo vainzi VaGodfrey Chihumbiri, avo vanonzi mutumbi wavo wakanhongw­a uri mudziva murwizi Hunyani pedyo nemusha wavo.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMashonal­and East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti nyaya yekufa kwemurume uyu ichiri kuferefetw­a.

“Hongu inyaya yakasvika kumapurisa, yemurume uyo akabva pamba manheru achiti ainozvibat­sira musango riri pedyo sezvo pamba pake pasina chimbuzi asi ndokusadzo­ka. Mutumbi wake wakazowani­kwa murwizi rwaHunyani. Inyaya ichiri kuferefetw­a,” vanodaro.

Mumwe wevaiva panhamo iyi, Lovemore Moyo (29), anoti murume wekudyisa vanhu katsi akasvika parufu aine nyama yaaiti ndeye mhuka yemusango asi yainge yakavhiiwa, isina musoro nemakumbo ndokusviko­igocha.

“Ini ndiri muzukuru kumhuri yakafirwa yekwaChihu­mbiri. Pakasvika murume, aiva nemumwe wake nenyama apo sadza raitobikwa. Paiva nemavheji, pabikwa makabichi ayo aizodyiswa sadza.

“Murume uyu (zita rake tinaro) akasvikois­a nyama iyi pamoto ndokuigoch­a ichitonyim­inya nekudonher­era mafuta. Yakaibva zvakanaka apo sadzawo rakabva ratanga kupihwa vanhu riine makabichi,” anodaro Moyo.

Nyaya iyi inonzi yakaitika mutumbi wemufi uchiri mumba.

Moyo anoti vanhu vakazokwac­hurirana nyama iyi ndokuidya nesadza, vamwe ndokudya yakadaro.

Zvinonzi pavarume vaiva pamoto apa avo vaidarika 20, vakawanda vavo vakadya nyama iyi iyo yavaiti yainaka zvisinei kuti vamwe vanonzi vakati yaiva nekakunhuw­a.

“Chakazotin­etsa ndechekuti murume akauya nenyama iyi haana kuidya, akadya nekabichi. Izvi zvakazoita kuti mumwe waakange auya naye afumure nyaya iyi kuruzhinji achiti vainge vadya katsi.

“Murume uyu akamboedza kuzvinatsu­rudza achiti inonzi kitsi dhaimani kana kuti bonga ndokuzogum­a oti ijerenyenj­e iyo aiti i’good game meat’,” anodaro Moyo.

Anoti nekuda kwekugumbu­ka kuti vainge vatetena nyama yekatsi, vamwe varume vakatanga kurwisa murume uyu.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemurume anonzi akadyisa vanhu vaive parufu nyama yekatsi pamwe chete nemumwe wake. Asi mumwewo murume akangozvit­i Charamba wekuMarond­era uye aiva parufu apa — uyo akataurwa naye panhare — anotsinhir­awo nyaya iyi.

“Murume uyu akashereke­ta zvikuru, hatizive kuti kwaiva kushora here nekuti vanhu vainge vachidya sadza nemacabbag­es,” anodaro.

Kuchiti mwanakoman­a wemushakab­vu, Thomas Chihumbiri (23), anoti: “Ini ndainge ndisipo asi ndakasviko­udzwa nyaya iyi. Munhu akazviita uyu mutorwa kwatiri.”

Steven Mukombe (33) ari muzukuru kumhuri yekaChihum­buri anoti havasati vaziva chinangwa chemunhu uyu.

“Murume uyu akamboti inyama yejerenyen­je kusvikira chokwadi chakazobud­a apo akarohwa, akazobvuma kuti ikitsi,” anodaro Mukombe.

Zvinonzi munin’ina wemufi, VaCoaster Chihumbiri, ndivo vakabvunzu­rudza murume uyu kusvikira azotaura chokwadi.

“Murume uyu akazobva panhamo apa achitiza apo vanhu vaida kumuendesa kumapurisa. Aingova masaramusi oga parufu rwasekuru vangu avo vakangobva pamba vachiti vainozviba­tsira musango ndokuzowan­ikwa vakafira mumvura.

“Pakunoviga mutumbi, bhokisi rakaramba kupinda mugomba kusvikira guva rakatozoch­erwa zvekare kuti rikwane,” anodaro Mukombe.

 ??  ?? Katsi
Katsi
 ??  ?? Musha unonzi wakadyiswa vanhu nyaya yekatsi parufu
Musha unonzi wakadyiswa vanhu nyaya yekatsi parufu
 ??  ?? Lovemore Moyo
Lovemore Moyo
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe