Kwayedza

Mambo Seke vari kuvava

- Kingstone Mapupu

MAMBO Seke, VaStanley Chimanikir­e, vari kudya magaka mambishi uye vanoda kuti vemhuri ine parufu pakadyiswa vanhu nyama yekatsi nemumwe murume vaende kudare ravo nekukasika vonokwidza nyaya yavo sezvo vachiti zvakaitwa izvi chipini chikuru.

Vanoti izvi zvinogona kukanganis­a kugara kwevanhu vemudunhu ravo zvakanaka.

“Inyaya yandiri kungonzwa nemakuhwa, kuti kwaBesa kune vanhu vakadyiswa nyama yekatsi parufu vasingaziv­e. Kunesu, tinotevedz­a tsika dzepasi, pane nyaya huru apa. Handizive kuti sei mhuri yacho yekwaChihu­mbiri isati yasvika kwandiri kuzomhan’ara manenji akadai.

“Akaita hutsinye hwakadai, kunyange aiita mabasa ehuroyi kana kwaida kunakidzwa, anofanirwa kutongwa oripiswa zvakasimba. Ndizvo zvimwe zvinokonze­ra mvura kusanaya izvi,” vanodaro mambo ava.

Vanoti mhuri iyi ikanonoka kupira nyaya iyi kudare ravo, vachatuma mapurisa avo kunovashev­edza kuti vanzwe zvizere.

Votaurawo nezvenyaya iyi, Sekuru Elisha Mutanga vekuUshewo­kunze, muguta reHarare, vanoti katsi inoshandis­wa kutsipika mweya yevakafa, kazhinji kacho kana vafa vachiita zvekupondw­a, kutsikwa nemota nedzimwewo nzira dzisina kutsarukan­a.

“Hazvizivik­anwe, dzimwe nguva vanhu vakaita izvi vaiva nechinangw­a chekurasir­ira mweya wemufi kana kuutsipika kuti usaende kwavari.

“Kazhinji mhondi dzinokwani­sa kukanda katsi yakafa pedyo nemutumbi wemunhu wavaponda kuti mweya wake usavatever­a vachishand­isa mishonga. Saipapa, vanhu vose vakadya nyama yekatsi vanogona kuzoti nekufamba kwenguva vozoteverw­a nemweya wemufi uyu uchiti makandiura­ira chii,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Vanoti nyaya yekuti bhokisi remushakab­vu rakanga rave kuramba kukwana muguva zvinogona kureva kuti murume uyu akafa aine shungu, izvo zvinoda kuti hama dzake dzifambe muchivanhu.

 ??  ?? Mambo Seke
Mambo Seke

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe