Kwayedza

PAWAKANZI ‘NDINO

- Muchaneta Chimuka

kupfimbana kwevakoman­a nevasikana itsika yaikoshesw­a zvikuru apo mukomana aigona kupedza gore rose kana kutodarika musikana asi ati “kana neniwo ndakuda”.

Bhutsu dzemukoman­a dzaipera “hiri” achingofam­bira musikana waanoda asi haaineta. Ndipo pakabva tsumo inoti, “Kure kwegava ndokusina mutsubvu.”

Iyewo musikana, kuti azoti “ndakuda” kumukomana, mashizha emiti nehuswa zvainge patopera kupururwa nekudzurwa mwana wemunhu achinyara kuburitsa mashoko. Zvaitoda kushinga.

Vamwe vasikana vaiti kana akakandwa shoko rerudo nemukomana, aimhanya kuenda kumba — pamwe achitochem­a — kunoudza mubereki kuti ndizvo zvaaitwa.

Mukomanawo, aiti akakanda shoko rerudo kumusikana, obva adiwa ipapo ipapo, kana nyaya dzacho dzaibva dzapera nekuti ainge asina kuzvitaris­ira.

Kupfimba musikana raive basa.

Asi nhasi uno zvinhu zvasanduka sezvo zvave kuita sedambe, mukadzi paakandwa shoko rerudo ndipo paanobva abvumawo. Kwatova nevamwe vanhukadzi vanopfimba varume. Hanzi; “Hapana chekumirir­a uye ukamunonok­era, ko akazowana mumwe?”

Vamwe vave kutsvaga vadiwa nenzira dzakasiyan­a kusanganis­ira kuzvishamb­adza panhepfeny­uro, mupapepanh­au kana padandemut­ande.

Zvinobva zvaunza mubvunzo wekuti kana uri murume, shoko wakarikand­a sei kumudikani wako? Ko iwewo mukadzi, uchigoti kudii uye kwapera nguva yakareba sei? Zvibvunzei.

Kwayedza inoita tsvakurudz­o pamasanduk­iro etsika yekupfimba­na ndokunzwa zvinokunda ngoma kurira.

“Kare zvainzi rooranai vematongo, saka kumamisha kwataigara mukomana aiwana mukana wekufambir­a musikana wake kwemakore achimupfim­ba. Musikana aigona kuramba zvake asi iri nzira yekuda kuona kuti mukomana anenge ari pachokwadi here kana kuti kwete. Zvaitonyad­zisa kunzwa kuti musikana atobvuma mukomana pakarepo sezvava kuitika mazuva ano,” vanodaro VaSimon Reid (54) vekuChitun­gwiza.

Vanoendere­ra mberi: “Nekuoma kwaita zvinhu uye kusanduka kweupenyu apo vanhu vazhinji vave kugara mumaguta, hakuchina zviya zvekuroora­na vematongo uye vasikana vatovawo nenhamo yekuroorwa. Saka ave kungoti kana akawana mukomana amupfimba, haachanono­ka kubvuma nekuti anenge achitya kurasikirw­a nemukana.”

Nyanzvi munyaya dzezvechiv­anhu vari zvakare mutungamir­iri wesangano reZimbabwe National Practioner’s Associatio­n (ZINPA) — Sekuru Friday Chisanyu — vanoti pasichigar­e, mukonana aiti kana aona musikana waanoda, aitaurira madzisekur­u nanatete vomubatsir­a mukufambir­a musikana iyeye.

“Vanatete vemukomana vaitoenda kunanatete vemusikana votaura kuti vanokumbir­awo badza vachireva musikana. Vanatete vemusikana ndivo vaizononye­ngetedza musikana kusvikira azobvuma. Vaviri ava havaiwana mukana wekubatana muviri kana kupinda pabonde kusvika varoorana.

“Paizorongw­a zvekupanan­a nduma kana nhumbi chinova chitsidzo chekuti vaviri ava vachamirir­ana kusvika zuva rewanano. Nduma yaipihwa paine vafakazi sanatete nanasekuru, kureva kuti musikana aitotanga kuzvitora semudzimai wemunhu asisaonekw­i achimira-mira nevamwe vakomana,” vanodaro.

Vanoti pari zvino tsika iyi yava kutevedzwa nevanhu vashomanan­a zvichiteve­ra kusangana kwemarudzi uye kusanduka kuri kuita mararamiro evanhu.

Pastor Rufaro Masinyani, avo vanova muvambi weWomen of Prayer Ministries, vanoti kusatya Mwari ndiyo mviro-mviro yekurasika kwehunhu.

“Wanano handi chinhu chekungowi­ra nekuti uhu hurongwa hweupenyu hwose. Kuita mawirewire ihunzenza, ndiko kusaka tiri kusangana nenyaya dzekuparar­a kwewanano dzakawanda munyika muno nekuti vanhu vari kuita zvinhu chimbichim­bi pasina kudzidzana kana kukumbira kunaMwari.

“Murume chaiye anobva kunaMwari, zvimwe chetezvo nemudzimai kwaye. Ngatidzidz­ei kushandisa mabvi pane kuvhima varume vane mari tisingatsv­age vanotya Mwari nekuti mangwana mari iyoyo inopera morambana,” vanodaro.

Kuchiti Hilda Padzarondo­ra wemuHarare anotiwo vasikana vari kukura vari munyika yatekesher­a ruzivo rwechizvin­o-zvino izvo zvava kuita kuti vachangamu­ke.

“Iko zvino vana vari kutengerwa nhare vachienda kunoona mabhasikop­o ane zvinyadzi uye vari kudya chikafu chinoita kuti miviri yavo ikasike kuda varume. Saka zvose izvi zviri kuita kuti vave pamberi munyaya dzerudo. Kupfimbiwa mazuva ano hakucharov­esa hana — pawakandir­wa sho anodaro. Charles Chik tungwiza anoti rwumw ano hazvireve kuzoroo gofara chete.

“Rudo rwemazuva a renda (renting love) ne zviga zvekuti vanhu kusvika murufu. Ndo vasisiri kujamuka rudo dzana chete, kana zvai anodaro.

Mai Constance M vamwe vanasikana vav varume nekuti vashom

“Varume vashoma nisa nehuwandu hwev makwikwi, kana mus mukomana anotogona shamwari yake iri iyo iye ozozvidemb­a. Saka goona kuti zviri nani k sika, ozoona hurongw kurasikirw­a zvachose,

Kelvin Chambara ( vasikana vari kuom munhu chaiye anovap kungoita mawira mo bwa.

“Kune vamwe vasika nehumhanda­ra hwavo kwevanhuru­me vaiva

 ??  ?? Kelvin Chambara
Kelvin Chambara
 ??  ?? Takudzwa Janhi
Takudzwa Janhi
 ??  ?? Pastor Mufaro Mas
Pastor Mufaro Mas
 ??  ?? Brailine Muzunze
Brailine Muzunze

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe