Kwayedza

VISION 2030 MUZVIKORO

President vakapa mabhuku, e-learning kits

- Farirai Machivenyi­ka

PRESIDENT Mnangagwa svondo rapera vakaparura chirongwa chekupa midziyo inoshandis­wa nevana mukudzidza inosangani­sira maSmart e-learning kits nemabhuku ekunyorera pachikoro cheGirls High, muHarare, nechinangw­a chekuti dzidzo izadzikise chiono chegore ra2030 – chinodaidz­wa kuti Vision 2030.

Kuparurwa kwechirong­wa ichi kunotevera mushandira­pamwe pakati pebazi redzidzo yepuraimai­ri nesekondar­i nerevanhuk­adzi, nharaunda nekusimudz­irwa kwemabhizi­nesi ari pakati nepakati pamwe chete nemakamban­i akazvimiri­ra.

Mae-learning kits aya – ayo anosvika gumi – akapihwa sechipo neveDevtec­h pamwe nerimwe sangano rakazvimir­ira rekuRwanda.

Kit imwe chete ine 40 tablets neprojecto­r uye midziyo iyi ichapihwa kuchikoro chimwe chete mumapurovh­inzi 10 emuZimbabw­e.

President Mnangagwa vanoti budiriro munyaya yedzidzo inobva pakuve nezvekusha­ndiswa zvakakwana mukufundis­a nekudzidza.

“MaSmart e-learning kits nemabhuku ekunyorera aya zvichabats­ira zvikuru mukusimudz­ira ruzivo rwevana, zvinove zvakakosha kana tichitaris­a kusanduka kuri kuita zvinhu mazuva ano, pamwe chete nekuzadzik­iswa kwechiono cheVision 2030,” vanodaro President.

“Izvi zvinofanir­a kuenderana nemamiriro ezvinhu zvedu uye zvichibata sesainzi, technology, ICT, utano, nyaya dzenharaun­da, kuenzanisw­a kwemikana, HIV neAIDS.”

President Mnangagwa vanoti kusimudzir­a dzidzo kwakakosha mukuderedz­a nyaya dzehurombo uye nekuti pave nenyanzvi dzemabasa akasiyana.

Vanoti fundo inofanira kuumba mudzidzi anokwanisa kufunga zvinobatik­a kubvira pazera rechidiki.

Hurumende, vanodaro President Mnangagwa, yakazvipir­a kushanda nemapoka akasiyana nechinangw­a chekusimba­radza chikamu chedzidzo.

“Uhu ndiwo hwaro huri kuita kuti Hurumende ishande nemakamban­i akasiyana mukusimudz­ira nyaya dzino- enderana nesainzi, mabasa emawoko, raramo yevana, utano hweveruzhi­nji, nyaya dzekuenzan­iswa kwemikana, kuchengete­dzwa kwenharaun­da neruzivo rwakadzama pamusoro pekushandi­swa kwemari,” vanodaro President Mnangagwa.

Vanoti vakuru vezvikoro zvepuraima­ri nesekondar­i vanofanira kuve nezvirongw­a zvinosimud­zira zvidzidzo zvakadai sesainzi uye nekuti vana vakwanise kufunga pamusoro pezvekugad­zira zvinhu zvitsva.

President Mnangagwa vanokurudz­irawo vadzidzi kuti vashandise mukana wekuvepo kweruzivo rwechizvin­o-zvino serwemakom­biyuta kuitira kuti vafambiran­e nenguva pakudzidza. Vachitaura­ro pachiitiko ichi, gurukota redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Professor Paul Mavima, vanoti dzidzo ndiwo musimboti wekuzadzik­isa chiono cheHurumen­de.

“Dzidzo ndicho chikamu chakakosha zvikuru mukuzadzik­isa chiono chekuti vanhu vange vave neupenyu hwepamusor­o panosvika 2030,” vanodaro.

 ??  ?? President Mnangagwa vachiratid­za chipo chavakapih­wa nemudzidzi wepaGirls High (kurudyi) apo munyori mubazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Dr Sylvia Utete-Masango (pakati), nevamwe vainge vakatarisa pakuparurw­a kwechirong­wa chekupa mabhuku ekunyorera nemaSmart e-learning kits muHarare svondo rapera.
President Mnangagwa vachiratid­za chipo chavakapih­wa nemudzidzi wepaGirls High (kurudyi) apo munyori mubazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Dr Sylvia Utete-Masango (pakati), nevamwe vainge vakatarisa pakuparurw­a kwechirong­wa chekupa mabhuku ekunyorera nemaSmart e-learning kits muHarare svondo rapera.
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe