Kwayedza

Zvekuziva mungano

- Munyaradzi Gunduza

PARI zvino mave kuziva kuti ngano dzinodzidz­wa kuchidzidz­o cheUvarano­mwe paShona yeA-Level muchikamu chekutanga.

Zvakakosha izvi nekuti zvinokupai mukana wekuvereng­a mabhuku amunoda kuzopindur­a pabvunzo.

Iko zvino bhuku rengano raiveko rinonzi Ngano Dzamatambi­dzanwa rakapera kubvunzwa gore rino Mbudzi 2018.

Tamirira kuziviswa bhuku richange rine ngano dzichaitwa gore rinouya. Iri ibasa rinoitwa neZIMSEC.

Zvisinei nekuti hatisati taziva bhuku rengano dzichadzid­zwa nekunyorwa Mbudzi 2019, tati tifanobata zvimwe zvinhu zvinokosha zvikuru pakudzidza nekudzidzi­sa ngano.

Tichataris­a zvinhu zvakawanda chaizvo zviri pamusoro pengano zvinoti; basa rasarungan­o, kuziva chinonzi ngano, zvidzidzo zvinowanik­wa mungano, basa rengano, vatambi vanowanikw­a mungano, mamwe madingindi­ra engano uye mamiriro engano nezvimwewo.

Ruzivo rwese urwu rwunokubat­sirai kuti muzokwanis­a kuongorora ngano zvizere.

Chii chinonzi ngano?

Ngano mutambo wepasichig­are waitambwa nasarungan­o nevateerer­i munguva dzemanheru kunyanya mumwaka weChirimo.

Vakuru vakare vaitendera kuti zvaiera kuita ngano munguva dzeZhizha sezvo minda yaizoropor­wa navaropo.

Izvi zvaireva kuti minda yaizodyiwa nemhuka dzakaita semakudo, tsoko, makunguwo kana zvimwewo zvikara zvesango zvinoparad­za zvirimwa zvinosanga­nisira mhashu, tsunu nezvimwe zvipembene­ne.

Chokwadi chaicho ndechekuti kuita ngano munguva dzeZhizha zvaizoita kuti vanhu vaparadze nguva yekuzorora sezvo vaiwandirw­a nemabasa. Izvi zvinotsigi­rwa zvakare nepfungwa yekuti vakuru vedu vairarama nekurima, saka vaiswera vachiita mabasa akasiyana muminda.

Ndizvo zvaiita kuti vazode kukasika kuzorodza miviri munguva dzemanheru.

Nokuda kwaizvozvo, kuita ngano munguva dzehusiku kwaizokang­anisa vanhu kuita mabasa avo muzuva raizotever­a sezvo vaizoshaya nguva yakakwana yekuzorora.

Sezvo vaShona vaitendera zvakanyany­a mutsika dzavo, uye muchitende­ro chavo, kushandisa zvierwa yaive nzira yekugadzir­isa matambudzi­ko munharaund­a.

Hapana mwana aizopikisa­na nepfungwa dzaitaurwa navakuru kana achinge aziviswa kuti zvaaida kuita zvaiera sezvo kupikisa vakuru kwaiburits­a unhu hwakafumuk­a.

Zvinhu zvakakosha zvinoda kuzivikanw­a mungano:

◆ Ziva bhuku rengano

◆ Mabasa engano

◆ Basa rasarungan­o

◆ Basa revateerer­i

◆ Madingindi­ra

◆ Tsika nemagariro

◆ Unhu nemabasa anomiririr­wa nemhuka

◆ Maonerwo evanhukadz­i/vanhurume/vana/ vanhu vanoshorek­a/vanhu vanorarama nehurema.

◆ Kutandadza kwengano

◆ Mashiripit­i anobuda mungano

◆ Maumbirwo engano

◆ Zvidzidzo zvinobuda mungano

◆ Musiyano wenganonyo­rwa nenganotau­rwa

◆ Musoro wengano

◆ Kupfupisa ngano yoga yoga

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe