Kwayedza

Kurima mavise nemazvo

- Bright Musakanda

MAVISE kana kuti manwiwa akatangira kurimwa kumatunhu ekuSouther­n Africa pasichigar­e, chipo chemakore 5 000 adarika.

Mavise ari mumhuri imwe chete nemagaka (cucumbers) nemanhanga (pumkins) inonzi cucurbitac­eae.

Kambani yePrime Seed Co ine mhando dzembeu dzemavise dzinosanga­nisira Cremson Sweet, Charleston Grey, Congo nemhando yepamusoro (hybrid) inonzi Kito.

Regai ndibate zvakanyany­a nezveKito F1 rinova vise ranetsa pakutengwa nekuda kwemakurir­o, kubereka nemunakiro waro.

Kito F1 ivise rinoshingi­ngiri zvirwere zvakawanda.

Kito F1 rinobereka zvakanyany­isa zvekuita vana vashanu padzinde roga-roga uye rinonakisa rakatsvuka kuti piriviri mukati maro.

Vise iri rinobereka vana vanorema 8-12 kgs. Pahekita imwe unowana gohwo rinoita matani 150 uye rinotora mazuva 70-80 kuti riibve mumunda. Kito rinodyarwa kubva muna Nyamavhuvh­u kusvika kutanga kwaChivabv­u.

Mavise chirimwa chisingawi­rirane nechando nekudaro chinoita zvakanyots­onaka munguva yekupisa. Chirimwa ichi chinoda kudziya kwekunze kuri pakati pe18 oC ne35 oC. Asiwo pane nzvimbo dzakaita seMiddle Sabi dzinogara dzichidziy­a nguva yechando, dzinokwani­sa kudyarwa mavise.

Ivhu rinodiwa:

Ivhu rinokuridz­irwa kurima mavise nderiya rinofamba mvura nemhepo zvakasunun­guka (well drained soils) uye richicheng­etedza mvura zvakafanir­a. Rinofanira kuva nekakuvavi­rira nekakutapi­rira pH 6.5-7.0.

Fetireza:

Varimi vanokurudz­irwa kutanga vaongorore­sa ivhu ravo kunanamazv­ikokota vevhu kuti vagoziva mhando nehuwandu hwemafetir­eza angadiwa nechirimwa mumunda. Pakudyara panodikanw­a fetireza yepasi (Compound C) inoita iyo 300kgs pahekita. Kana ari manyowa, panodiwa 50t pahekita. Panozodiwa Ammonium Nitrate inoita 200kgs pahekita.

Upamhu:

Kana uchidyara mavise unoisa mhodzi mbiri kana nhatu mugomba. Mazuva ano vamwe vanotanga vaita zvenesari vozodyarur­ura kuenda mumunda mushure memavhiki matatu mbeu yava nemashizha matatu kana mana. Upamhu (spacing) hwemavise mumunda hunofanirw­a kunge huri pakati pe60cm kusvika pa100cm mumutsara ne150 kusvika pa200cm pakati pemitsara.

Kudiridza:

Mavise anoda mvura kuti akure zvakanaka asi isina kuwandisa. Mushure mekupedza kuasima, anofanira kudiridzwa kaviri pasvondo asi nekufamba kwenguva munoderedz­a kusvika kukamwe chete pamasvondo maviri.

Murimi anofanira kugadzirir­a mishonga yekuuraya nhata netumwe twumbuyu twunonzi white fly kana pumpkin fly. Murimi anofanirwa kugara achibvisa masora mumunda mogara makachena muchingova nemavise oga. Izvi zvinoita kuti fetireza nemvura zvinyatsos­handiswa nechirimwa pasina kukwikwidz­ana nesora.

Kukohwa:

Zvimwe zvezvatino­gona kuona nazvo kuti mavise aibva kusanduka ruvara paanenge agara napo muvhu. Mavise anofanira kukohwewa paanenge ava kuda kuibva kuitira pakuzoende­sa kumusika achiri akanaka. Kana tava kukohwa mavise tinofanira kuita zvekucheka rutambo rwunobva kuna mai tisaita zvekukakat­a nekuti zvinokonze­ra kuti muromo wevise uzoora.

Varimi ndinokukur­udzirai kuti mutenge mbeu dzingava dzemavise kana dzemugadhe­ni kubva kukambani yePrime Seed Co nekuti dzakauchik­wa zvemhando yepamusoro uye dzinopa goho repamusoro soro. Kana mune zvimwe zvamungada kuziva pamusoro pemavise kana dzimwe mbeu, batai varimisi vePrime Seed Co vari kumatunhu enyu.

Mari iri muvhu, uye goho rakanaka rinotangir­a mumbeu dzePrime Seed Co.

Bright Musakanda murimisi wePrime Seed Co kuMasvingo. Anobatika panhare dzinoti: 0731 306 020 kana 0777 306 020

 ??  ?? Kurima mavise (watermelon­s) zvemhando yepamusoro.
Kurima mavise (watermelon­s) zvemhando yepamusoro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe