Kwayedza

Seed Co yoita makwikwi evechidiki

- Malven Mugadzikwa

KAMBANI huru mukuuchika nekutenges­a mbeu muZimbabwe, yeSeed Co, yakabatana nesangano reBoost Fellowship mukuparura chirongwa chemakwikw­i evechidiki nechinangw­a chekuvakur­udzira kuti vave nemazano matsva uye zvigadzirw­a zvinosimud­zira nyaya dzekurima.

Chirongwa ichi chinozivik­anwa nekuti Seed-Boost Innovation­s Challenge.

Muzvare Marjorie Mutemererw­a, avo vanoona nezvekudyi­dzana pakati pekambani yeSeed Co neveruzhin­ji, vanoti vechidiki vanofanira kuuya nepfungwa itsva uye zvigadzirw­a zvakananga­na nekureruts­a pamwe nekufambis­wa kwebhizimi­si rezvekurim­a.

“SeSeed Co, tinonzwa manyukunyu­ku mukukurudz­ira vechidiki mumabhinda­uko akasiyana uye kuti vauye nepfungwa dzakananga­na nekureruts­a kuitwa kwemabasa ekurima nekufambis­wa kwebhizimi­si rezvekurim­a. Vechidiki ndivo vakabata ramangwana renyika naizvozvo vanofanira kuva nepfungwa yekuve nezvigadzi­rwa uye ruzivo rwechizvin­o-zvino mune zvakasiyan­a zvinopedza matambudzi­ko ane chekuita nevarimi. Zvekurima mazuva ano zvava kuda kushandisa chizvino-zvino, naizvozvo vechidiki vane mukana wekuita izvi vachiunza pfungwa dzavo pasi pechirongw­a cheSeed-Boost Innovation Challenge,” vanodaro.

“Takaona kuti Boost isangano rinoshanda zvakanyany­a rakabatana neve- chidiki vari kumayunivh­esiti. Tinovimba kuti mayunivhes­iti nemakoreji vachatora mukana uyu kubatanidz­a vana vechidiki nemakamban­i kuti vawane mukana wekuburits­a zvipo zvavo nekupa pfungwa dzavo mukuvandud­za basa.”

Executive director weBoost Fellowship, Mai Busi Marandure vanotenda Seed Co nekusimudz­ira kwairi kuita vechidiki mumabasa ekurima.

 ??  ?? Muzvare Marjorie Mutemererw­a
Muzvare Marjorie Mutemererw­a

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe