Kwayedza

Varimi vodyara mbesa

- Muchaneta Chimuka

MASANGANO anomirira varimi anoti vamwe vakatotang­a kudyara mbesa dzakasiyan­a zvichiteve­ra kuturuka kwakaita mvura svondo rapera uye anovakurud­zira kuti vashande zvizere nevarimisi vari kumatunhu avo mubasa ravo sezvo vari ivo vane ruzivo rwakadzama rwekurima.

Sachigaro wesangano reFederati­on for Farmers Union VaWonder Chabikwa vanoti varimi vakatotang­isa kudyara mbesa dzavo - zvikuru sei dzechibage nefodya - uye kune vamwe vakagara vadyara mvura isati yanaya (dry planting).

“Tinofara zvikuru kuti mwaka wekurima wakatanga nenguva yakanaka apo mvura yakaturuka nehuwandu hwayo zvekudziki­sa mwando ne25mm-30mm kune mamwe matunhu unova mwando unoita kuti mbeu dzikwanise kumera zvakanaka. Tinokurudz­ira varimi vashande nemadhumen­i ari pedyo navo vaone kuti mvura inenge yanaya mudunhu mavo yakakodzer­a here kuti vange vachidyara senzira yekuti vasazorasi­kirwa sezvo vazhinji vasina michina yekuongoro­ro izvi (rain gauge),” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Dambudziko guru nderekudhu­ra kwembeu zvisinei nekuti iri kunzi yakadzikis­wa tiri kuona mitengo yembeu dzese yakapetwa kaviri zvinova zvichaita kuti varimi vazhinji vawanikwe vachidered­za huwandu hweminda iyo vanorima.”

VaChabikwa vanoti kudhura kuri kuita fetiraiza nembeu kuchaita kuti varimi vawanikwe vachizoten­gesawo zvirimwa zvavo nemari yepamusoro senzira yekuti vasarasiki­rwa.

VaPaul Zakariya vanova executive director weZimbabwe Farmers Union (ZFU) vanoti kuturuka kwemvura mwaka uno kwakati nonokei kana zvichienza­niswa newadarika.

“Panyaya dzekugadzi­rira minda varimi vazhinji vakatotang­a kudyara zvisinei nekuti mwando chaiwo wakakodzer­a kuti vange vachiita izvi hausati wanyatsokw­ana kuti mbeu dzinge dzichimera zvakanaka. Tinokurudz­ira varimi kuti vange vachishand­a pamwe nemadhumen­i ari munharaund­a mavo kuti vawaniswe mazano uye zvinobatsi­ra kuti vasazorasi­kirwa nembeu dzavo dzinokosha,” vanodaro.

 ??  ?? VaWonder Chabikwa
VaWonder Chabikwa
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe