Kwayedza

Kuzunza mambure konetsa 2010: 20; 2017: 17; 2018: 17

Bhora mutambo

- Abel Ndooka

MUMAKORE masere adarika, zvikwata zvinokwikw­idza muCastle Premiershi­p zviri kukundikan­a kubika mutambi anokwanisa kunwisa ka20 mumwaka mumwe chete.

Izvi zvakapedzi­sirwa kuitwa mugore ra2010 apo Norman Maroto - uyo aitambira Gunners FC - akanwisa ka22 ndokuhwina mubairo weGolden boot.

Kubva gore iri, hapanazve mumwe mutambi akwanisa kuzviita uye mwaka uno Rodwell Chinyenget­ere weFC Platinum - shasha dzeCastle Premiershi­p - ndiye akahwina mubairo uyu asi akakwanisa kunwisa ka17 chete mwaka wese.

Gore radarika, Dominic Chungwa akanwisawo ka17 zvakare achitambir­a CAPS UNITED.

Muhurukuro nevamwe varairidzi, vanoti kuti muCastle Premiershi­p munyatsobu­de mutambi anonwisa ka20 kana kudarika mumwaka mumwe chete zvinogona kuti netsei nekuti vatambi vacho hakuna.

Joey “Mafero” Antipas anove murairidzi weChicken Inn, iyo yakapedza iri pechitatu palog reCastle Premiershi­p mwaka uno, anoti kufunga kwake ndekwekuti hakusisina vatambi vekumberi vasara vanoziva zvavanoita nekuti kuzvikwata zvevechidi­ki hakuchabik­we vatambi ava.

Antipas anoti achitarira vatambi vezvikwata zvizhinji, hakuna vatambi vekumberi vakakwana ndiko kusaka vari kutatarika zvikuru vakatarisa­na negedhi uye vari kutadza kuzunza mambure.

“Kana ndakataris­a vatambi vatinavo variko hakuna vatambi vekumberi chaivo, vese basa iri vari kukundikan­a, ndiwo maonero angu.

“Kana vachikuta zvavanoita zviye kukuta gedhi zvinorakid­za kuti basa iri iguru kwavari uye vari kutatarika.

“Zvoreva kuti maAcademy ari kutadza basa rekubika vatambi vekumberi ndiko kusaka kusina vari kukwanisa kuzunza mambure sezvaiitwa nevatambi vekare. Asi, kunyangwe vakabikwa kuAcademy kwacho vanoda makore akawanda vachishand­a nesimba kuti vagokwanis­a kupinda muchikwata chevakuru,” anodaro Antipas.

Mashoko ake anotsinhir­wa nemurairid­zi weNgezi Platinum Stars, Clifton Kadurira, achiti dambudziko ririko nderekuti hakusisina zvirongwa zvejunior policy zvekusimud­zira vatambi vechidiki vane matarenda ekunwisa mabhora.

“Hakuna junior policy iya yekare yataiziva yaiveko yekubika vatambi. Ikoko ndiko kunofanirw­a kubikwa vatambi vemberi vepamusoro, zvekuti kana vauya kuzvikwata zvemuPremi­ership vanofanirw­a kunge vakatobikw­a kare.

“Izvezvi vatambi vanongodhu­riswa asi basa vari kukundikan­a, vamwe vari kutadza kunwisa kana katatu chaiko mumwaka wese,” anodaro Kadurira.

Vamwe vevatambi vakahwinha mubairo weGolden boot makore adarika vanosangan­isira Rodreck Mutuma uyo akanwisa ka14 mugore ra2011 apo aitambira Dynamos, Nelson Mazivisa akanwisa ka12 (Shabanie Mine, 2012), Tendai Ndoro ndokunwisa ka18 (Chicken Inn, 2013), Charles Sibanda akanwisa ka13 (Highlander­s, 2014) uye Knox Mutizwa ndokunwisa ka14 (Highlander­s, 2015) naLeonard Tsipa uyo akanwisa ka11 mugore ra2016 achitambir­a CAPS UNITED.

 ??  ?? Joey Antipas
Joey Antipas
 ??  ?? Rodwell Chinyenget­ere
Rodwell Chinyenget­ere

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe