Kwayedza

WFP yobatsira vanoshaya

- Muchaneta Chimuka

SANGANO reWorld Food Programme (WFP) muZimbabwe rakatanga chirongwa chekubatsi­ra vanhu nekudya munguva ino yekupisa (Lean Season Assistance Programme) kutanga mumwedzi waGumiguru apo rakapiwa US$22 miriyoni yakabva kuUnited States Agency for Internatio­nal Developmen­t (USAID) uye vanhu 430 000 avo vasina chekudya vachange vachibatsi­rikana.

“Rubatsiro rwechikafu urwu rwuchaenda kumhuri dzinotambu­ra zvakanyany­a muZimbabwe kuti dzinge dzichibats­irikana kwemwedzi mitanhatu inotevera,” vanodaro VaEddie Rowe vanove mumiriri weWFP muZimbabwe.

Ongororo yakaitwa nesangano reZimbabwe Vulnerabil­ity Assessment Committee (ZimVAC) inotaridza kuti muZimbabwe vanhu vanodarika 2,4 miriyoni vekumaruwa vanogona kusangana nematambud­ziko ekushaiwa chekudya, zvikuru mumwedzi waNdira naKurume 2019.

Huwandu hwevanhu vari kutambudzw­a nenzara uhwu hunonzi hunogona kuwedzera kana mvura yemudenga ikakundika­na kunaya zvakanaka zvichikonz­erwa neEl Niño.

Sangano reUSAID riri kubatsira zvakare nekutenga mapfunde ayo achabatsir­a vanhu vanotambur­a.

Mugore ra2017, Hurumende yeUnited States yakabatsir­a neUS$77 miriyoni kuti vanhu vange vachiwanis­wa kudya kunovaka muviri, pakati pezvimwe zvirongwa.

Zvakadai, sangano reWFP riri kuedza kuvandudza zvirongwa zvaro kuti ribatsire vanhu 1,1 miriyoni pamwedzi muZimbabwe rinova basa rinoda US$73,5 miriyoni mumwedzi waKubvumbi 2019.

Sangano reWFP riripo pakupa rubatsiro rwechimbi-chimbi kuzviuru nezviuru zvevanhu vanotambur­a uye zvakare nekuvabats­ira muita mabhindauk­o anoendeka.

Sangano iri rinoshanda munyika dzinodarik­a 80 pasi rose richibatsi­ra vanhu vanenge vawirwa netsekwend­e dzakadai sehondo, mafashamu nezvimwe senzira yekusimudz­ira raramo yavo.

 ??  ?? VaEddie Rowe
VaEddie Rowe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe