Kwayedza

‘Ndinotsind­ira vakadzi vakaroorwa – N’anga

- Kingstone Mapupu

MURUME wekuChinho­yi — uyo aimbova n’anga yaiuchika vakadzi asi iye zvino ave pastor wechechi — anoti mumazuva ake ekuita zvitadzo, akamitisa madzimai evanhu anodarika 100 apo aivatyisid­zira nekuvanyep­era achipfeker­a mushonga kusikarudz­i dzavo uyo waaizoti unoda “kutsindirw­a” kuti ushande.

Murume uyu anoti aishanda nemumwe wake sen’anga kana kuti tsikamutan­da apo vari vaviri vakaitisa mimba vakadzi vanosvika 130 — “vamwe vakaroorwa” — ndokuvabar­isa vana vanokwana 200.

Mubairo wezvakaitw­a naLukas Sakhala (45) wekuAlaska ndewekuti izvozvi ava kupika jeri paHarare Central Prison mushure mekukonwa nemhosva yekubata chibharo.

Muhurukuro ne Kwayedza ari kujeri uku uye pasina kana kunyara, Sakala anoti aitsotsa madzimai vaida kuuchikwa kuti vakwanise kubara vana apo vaivapfeke­ra mushonga kusikarudz­i dzavo.

“Taiti kana tapfekera mukadzi mushonga, taibva tamuti unoda kutsindirw­a kuti unyatsopin­da uye kuti ushande. Vaya vaiti vanoda kunotsindi­rwa muti uyu kudzimba nevarume vavo, taivatyisi­dzira tichivati havasvike kumba, unenge wadonha.

“Saka nekutya, vaibva vati ini nemumwe wangu tivatsindi­re kuti zvishande. Inini ndakatsind­ira madzimai akawandisa, vandinonya­tsoyeuka vanosvika 34, mumwe wangu vanodarika 90.

“Kana vari vana vandakamit­isa nekutsindi­ra vanokwana ku‘mahundred something’ uko . . . nekuti vamwe vakazvara matwins,” anoreurura Sakhala. Sakhala anoti akaita izvi nemumwe wake anonzi Felix Sadza uyo aiva mukuru wake pabasa uyewo pari zvino ari kupika jeri kuChikurub­i Maximum Prison nemhosva dzimwe chetedzo.

“Iyi haisi mhosva nekuti taitowirir­ana nemadzimai aya . . . ndaivabats­ira ivo vachindiba­tsirawo.”

Sakhala — uyo akatongerw­a kupika makore 18 — anoti iye nemumwe wake vane mishonga yakasiyana, kusanganis­ira nyoka, kamba, tsvimbo yavanodaid­za kuti Dhumba, rusero nendege izvo pari zvino zviri kumba kwake zvavaishan­disa mukuuchika vakadzi.

“Zvinhu izvi zviriko izvozvi, ndakazvipi­hwa neimwe n’anga. Ndege ndaitomboi­tyaira kuenda kuMalawi, ndakapotsa ndawira mumvura ndatadza kuityaira. Inomhara panenge paine rota (dota).

“Ndakaram bana nemukadzi wangu mugore ra2000 nekuda kwekubata mishonga ndokusara ndava ndoga. Asi madzimai aisanetsa (kuwana), tainyepera vakadzi kuti mushonga wedu wekuuchika unofanirwa kutsindirw­a nesikarudz­i yemurume. Saka vaishaya mukana wekunosvik­a kumba kuvarume vavo isu tobva tavatsindi­ra. Kureva kuti taishinha navo vobva vabata pamiviri varume vavo vasingaziv­e. Ndiyo nyaya yakazoita kuti tipare mhosva dzekubata chibharo,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Mukuru wangu Sadza anobva kuKaroi uye ane mishonga yakakomba iyo yataishand­isa kuti tisasungwe nemapurisa. Pane zvikwambo zvake 4 — Dhumba, Nhamo, Cobra, naSadza — izvo zvaigara muhari mumba yedu surgery.” Senzira yekusimbis­wa, anoti akapihwa nyoka yerudzi rweshato nemumwe wake iyo pose apa yaimudzivi­rira asi anoti yaka

 ??  ?? ◆ Lukas Sakhala - Mufananidz­o naEdward Zvemisha
◆ Lukas Sakhala - Mufananidz­o naEdward Zvemisha
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe