‘Ndinotsindira vakadzi vakaroorwa – N’anga
MURUME wekuChinhoyi — uyo aimbova n’anga yaiuchika vakadzi asi iye zvino ave pastor wechechi — anoti mumazuva ake ekuita zvitadzo, akamitisa madzimai evanhu anodarika 100 apo aivatyisidzira nekuvanyepera achipfekera mushonga kusikarudzi dzavo uyo waaizoti unoda “kutsindirwa” kuti ushande.
Murume uyu anoti aishanda nemumwe wake sen’anga kana kuti tsikamutanda apo vari vaviri vakaitisa mimba vakadzi vanosvika 130 — “vamwe vakaroorwa” — ndokuvabarisa vana vanokwana 200.
Mubairo wezvakaitwa naLukas Sakhala (45) wekuAlaska ndewekuti izvozvi ava kupika jeri paHarare Central Prison mushure mekukonwa nemhosva yekubata chibharo.
Muhurukuro ne Kwayedza ari kujeri uku uye pasina kana kunyara, Sakala anoti aitsotsa madzimai vaida kuuchikwa kuti vakwanise kubara vana apo vaivapfekera mushonga kusikarudzi dzavo.
“Taiti kana tapfekera mukadzi mushonga, taibva tamuti unoda kutsindirwa kuti unyatsopinda uye kuti ushande. Vaya vaiti vanoda kunotsindirwa muti uyu kudzimba nevarume vavo, taivatyisidzira tichivati havasvike kumba, unenge wadonha.
“Saka nekutya, vaibva vati ini nemumwe wangu tivatsindire kuti zvishande. Inini ndakatsindira madzimai akawandisa, vandinonyatsoyeuka vanosvika 34, mumwe wangu vanodarika 90.
“Kana vari vana vandakamitisa nekutsindira vanokwana ku‘mahundred something’ uko . . . nekuti vamwe vakazvara matwins,” anoreurura Sakhala. Sakhala anoti akaita izvi nemumwe wake anonzi Felix Sadza uyo aiva mukuru wake pabasa uyewo pari zvino ari kupika jeri kuChikurubi Maximum Prison nemhosva dzimwe chetedzo.
“Iyi haisi mhosva nekuti taitowirirana nemadzimai aya . . . ndaivabatsira ivo vachindibatsirawo.”
Sakhala — uyo akatongerwa kupika makore 18 — anoti iye nemumwe wake vane mishonga yakasiyana, kusanganisira nyoka, kamba, tsvimbo yavanodaidza kuti Dhumba, rusero nendege izvo pari zvino zviri kumba kwake zvavaishandisa mukuuchika vakadzi.
“Zvinhu izvi zviriko izvozvi, ndakazvipihwa neimwe n’anga. Ndege ndaitomboityaira kuenda kuMalawi, ndakapotsa ndawira mumvura ndatadza kuityaira. Inomhara panenge paine rota (dota).
“Ndakaram bana nemukadzi wangu mugore ra2000 nekuda kwekubata mishonga ndokusara ndava ndoga. Asi madzimai aisanetsa (kuwana), tainyepera vakadzi kuti mushonga wedu wekuuchika unofanirwa kutsindirwa nesikarudzi yemurume. Saka vaishaya mukana wekunosvika kumba kuvarume vavo isu tobva tavatsindira. Kureva kuti taishinha navo vobva vabata pamiviri varume vavo vasingazive. Ndiyo nyaya yakazoita kuti tipare mhosva dzekubata chibharo,” anodaro.
Anoenderera mberi achiti, “Mukuru wangu Sadza anobva kuKaroi uye ane mishonga yakakomba iyo yataishandisa kuti tisasungwe nemapurisa. Pane zvikwambo zvake 4 — Dhumba, Nhamo, Cobra, naSadza — izvo zvaigara muhari mumba yedu surgery.” Senzira yekusimbiswa, anoti akapihwa nyoka yerudzi rweshato nemumwe wake iyo pose apa yaimudzivirira asi anoti yaka