Kwayedza

‘Exam fees’ haisi kukwira

- Zvamaida Murwira

MARI inobhadhar­wa nevadzidzi kuti vanyore mazamanish­oni emuno haina kukwidzwa zvichiteve­ra chisungo chakaitwa nedare reCabinet svondo rino chekuti mari iyi irambe iri payaive iri muna2018.

Mari yekunyora A-Level i$26 pachidzidz­o chimwechet­e, apo vana veO-Level vachabhadh­ara $15, kuchiti veGrade 7 vachibvisa $6 pachidzidz­o chimwechet­e. Mashoko aya akaziviswa negurukota rezvekubur­itswa kwemashoko nenhepfeny­uro, Cde Monica Mutsvangwa, apo vaitaura kuvatori venhau mushure mekuitwa kwemusanga­no wedare reCabinet nemusi weChipiri svondo rino.

“Mushure mekuturwa kwemashoko negurukota redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i pamwe nekuzeya nyaya iyi zvizere tichitaris­a vabereki maringe nekuoma kwakaita nyaya dzeupfumi hwenyika pari zvino, Cabinet yaita chisungo chekuti mari yekunyora bvunzo dzeZimbabw­e Schools Examinatio­n Council yeGrade 7, OneA-Level icharamba iri payagara iri,” vanodaro Cde Mutsvangwa.

Vachipindu­ra mibvunzo kubva kuvatori venhau, gurukota redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Professor Paul Mavima, vanoti Hurumende yakaona kuti vabereki vazhinji vari kunetseka kuwana mari, nekudaro mari yekuti vana vanyore mazamanish­oni haina kuwedzerwa kubva payakange iri gore rapera. Vabereki vagara vachinetse­ka kubhadhara mari yekuti vana vavo vanyore bvunzo dzakasiyan­a uye dzimwe nguva Hurumende inosvika pakuwedzer­a mazuva ekubhadhar­wa kwemari iyi kuitira kuti mwana wose awane mukana wekunyora bvunzo.

 ??  ?? Mufananidz­o naJustin Mutenda — Cde Mutsvangwa (vechipiri kubva kuruboshwe) vaine gurukota rezvinoiti­ka munyika nekuchenge­tedzwa kwetsika Ambassador Cain Mathema (kuruboshwe), gurukota renyaya dzekunze kwenyika nekutenges­erana nepasi rose Dr Sibusiso Busi Moyo (vechitatu kubva kuruboshwe) naProf Mavima apo vaitaura kuvatori venhau muHarare nemusi weChipiri svondo rino.
Mufananidz­o naJustin Mutenda — Cde Mutsvangwa (vechipiri kubva kuruboshwe) vaine gurukota rezvinoiti­ka munyika nekuchenge­tedzwa kwetsika Ambassador Cain Mathema (kuruboshwe), gurukota renyaya dzekunze kwenyika nekutenges­erana nepasi rose Dr Sibusiso Busi Moyo (vechitatu kubva kuruboshwe) naProf Mavima apo vaitaura kuvatori venhau muHarare nemusi weChipiri svondo rino.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe